1.Shoko rakauya kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, richiti,
1耶利米宣告 神的約耶和華有話臨到耶利米,說:
2Inzwai mashoko esungano iyi, muataure navanhu vaJudha, navagere Jerusaremu,
2“你要告訴猶大人和耶路撒冷的居民:‘你們要聽從這約的話。’
3uti kwavari, Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, munhu usinganzwi mashoko esungano iyi, ngaatukwe,
3你要對他們說:‘耶和華以色列的 神這樣說:不聽從這約的話的,必受咒詛。
4aya andakaraira madzibaba enyu nezuva randakavabudisa munyika yeEgipita, muchoto chamatare, ndichiti, teererai inzwi rangu, muzviite zvose sezvandakakurairai; ipapo muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu;
4這約就是我把你們的列祖從埃及地、從鐵爐那裡領出來的那天所吩咐他們的,說:你們要聽從我的話,照著我吩咐你們的一切話去行;這樣,你們就作我的子民,我也作你們的 神。
5kuti ndisimbise kupika kwandakapikira madzibaba enyu, kuti ndichavapa nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvazvakaita zuva ranhasi. Ipapo ndakapindura, ndikati, Ameni, Jehovha.
5我好履行向你們列祖所起的誓,就是把流奶與蜜之地賜給他們,好像今天一樣。’”於是我回答說:“耶和華啊!阿們。”
6Zvino Jehovha akati kwandiri, Paridza mashoko awa ose pamaguta aJudha, napanzira dzomuJerusaremu, uchiti, Inzwai mashoko esungano iyi, muaite.
6責猶大背約,必受懲罰耶和華又對我說:“你要在猶大各城中和耶路撒冷的街道上,宣告這一切話,說:‘你們要聽從、遵行這約的話。
7nekuti ndakarairira madzibaba enyu kwazvo nezuva randakavabudisa munyika yeEgipita, kusvikira zuva ranhasi, ndichifumira mangwanani, ndichirairira, ndichiti, teererai inzwi rangu.
7因為自從我領你們的列祖出埃及地那一天,我已鄭重警告他們,直到今日,我仍不斷警告他們,說:“你們要聽從我的話。”
8Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi mumwe nomumwe wavo wakaramba achifamba nohukukutu hwomoyo wake wakaipa; naizvozvo ndakauyisa pamusoro pavo mashoko ose esungano iyi, andakavaraira kuti vaaite, asi havana kuaita.
8他們卻不聽從,毫不留心,各人隨從自己頑梗的惡心行事。所以,我使這約中一切咒詛的話臨到他們身上。我曾吩咐他們遵行這約,他們卻不遵行。’”
9Zvino Jehovha akati kwandiri, Rangano yakaipa yawanikwa pakati pavanhu vaJudha, napakati pavagere Jerusaremu.
9耶和華又對我說:“在猶大人和耶路撒冷的居民中間,有背叛的陰謀。
10Vakadzokera kune zvakaipa zvamadzitateguru avo, akaramba kunzwa mashoko angu, vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire; imba yaIsiraeri neimba yaJudha vakaputsa sungano yangu yandakaita namadzibaba avo.
10他們回到他們祖先所犯的罪孽中。他們的祖先不肯聽從我的話,卻隨從事奉別的神。以色列家和猶大家都違犯了我和他們列祖所立的約。”
11Naizvozvo zvanzi naJehovha, Tarirai, ndichauyisa zvakaipa pamusoro pavo, zvavasingagoni kutiza; vachadanidzira kwandiri, asi handingavanzwi.
11因此耶和華這樣說:“看哪!我必使災禍臨到他們身上,是他們不能逃脫的;他們雖然向我哀求,我必不聽他們。
12Ipapo vamaguta aJudha navagere Jerusaremu, vachandodanidzira kuna vamwari vavanopisira zvinonhuhwira; asi havangatongovaponesi panguva yokutambudzika kwavo.
12那時,猶大各城的人和耶路撒冷的居民,都必去哀求他們燒香供奉的神,只是在他們遭難的時候,這些神卻完全不能拯救他們。
13nekuti iwe Judha, kuwanda kwavamwari vako kwakafanana nokuwanda kwamaguta ako; uye makavakira chinhu chinonyadzisa maaritari, iwo maaritari okupisira Bhaari zvinonhuhwira, akawanda senzira dzomuJerusaremu.
13猶大啊!你的城有多少,你的神也有多少;耶路撒冷的街道有多少,你為那可恥的巴力所設立燒香的祭壇也有多少。
14Saka iwe usanyengeterera vanhu ava, kana kudana nokuda kwavo nenzwi rako kana munyengetero wako; nekuti handingavanzwi nenguva yavanodanidzira kwandiri nokuda kokutambudzika kwavo.
14“至於你,不要為這人民祈禱,不要為他們呼求禱告,因為他們遭難向我呼求的時候,我必不聽他們。
15Mudikamwa wangu unotsvakeiko mumba mangu, zvaakaita zvinonyangadza navazhinji? Mhiko nenyama tsvene zvingabvisa njodzi yako here? Ipapo ungafara kwazvo.
15“我所愛的既然行了罪大惡極的事,還有甚麼資格在我的殿裡呢?難道祭肉可以消除你的災禍,使你得著歡樂嗎?”
16Jehovha wakakutumidza zita rinonzi, Muorivhi mutema, wakanaka nezvibereko zvakanaka; asi wakazovesa moto pamusoro pawo nomubvumo webope guru, matavi awo akavhuniwa.
16耶和華曾稱你的名字為壯麗、多結美果的青橄欖樹;現在他必藉風暴雷轟,把它燃點起來,它的枝子也都折斷。
17nekuti Jehovha wehondo, iye wakakusima, wakareva zvakaipa pamusoro pako, nokuda kwezvakaipa zveimba yaIsiraeri, neimba yaJudha, zvavakaita vachinditsamwisa nokupisira kwavo Bhaari zvinonhuhwira.
17那栽種你的萬軍之耶和華,已經宣布降災攻擊你,是因以色列家和猶大家自己所行的惡;他們向巴力燒香,惹我發怒。
18Jehovha wakandizivisa izvozvo, ndikazviziva; ipapo mukandiratidza zvavanoita.
18耶利米遭人謀害耶和華把他們的陰謀指示我,我就知道了;那時,你把他們所行的給我指明。
19Asi ini ndakanga ndakafanana negwayana nyoro rinoiswa kundobayiwa; ndakanga ndisingazivi kuti vakanga varangana mano akaipa pamusoro pangu, vachiti, Ngatiparadze muti pamwechete nezvibereko zvawo, ngatimubvise chose panyika yavapenyu, zita rake rirege kuzorangarirwa.
19至於我,我卻像一隻馴良的羊羔,被牽到屠宰之地;我並不知道他們設計謀害我。他們說:“我們來把這樹和果子(“果子”原文作“它的食物”)都毀滅吧,把它從活人之地剪除,使它的名不再被人記念。”
20Asi imwi Jehovha wehondo, imwi munotonga zvakarurama, munoidza itsvo nomoyo, ndichaona kutsiva kwenyu kwavari, nekuti ndakakuzarurirai mhaka yangu.
20亞拿突人受懲罰但萬軍之耶和華啊!你是憑公義審判人,試驗人肺腑和心腸的。求你讓我看見你在他們身上施行的報復,因為我已經把我的案件向你陳明了。
21Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavanhu veAnatoti, vanotsvaka kukuuraya, vachiti, Haufaniri kuporofita nezita raJehovha, kuti urege kuurawa namaoko edu;
21因此耶和華指責那些亞拿突人,他們尋索你命,向你恐嚇說:“不要奉耶和華的名說預言,免得你死在我們手中。”
22naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Tarirai, ndichavarova; majaya achaurawa nomunondo, vanakomana vavo navanasikana vavo vachaurawa nenzara;
22萬軍之耶和華這樣說:“看哪!我要懲罰他們;他們的年輕人必死在刀下,他們的兒女必因饑荒而死。
23havangasarirwi navanhu, nekuti ndichauyisa zvakaipa pamusoro pavanhu veAnatoti pagore rokurohwa kwavo.
23他們中間必沒有餘剩的,因為在懲罰他們的年日,我必使災禍臨到他們身上。”