1Zvanzi naJehovha kwandiri, Enda undozvitengera bhanhire romucheka, uzvisunge chiuno naro; asi usariisa mumvura.
1麻布腰帶的比喻耶和華這樣對我說:“你去為自己買一根麻布腰帶,束在腰上,但不要把它放在水中。”
2Ipapo ndakatenga bhanhire, sezvakarehwa neshoko raJehovha, ndikazvisunga chiuno naro.
2我就照著耶和華的話,買了一根腰帶,束在腰上。
3Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri rwechipiri, richiti,
3耶和華的話第二次臨到我,說:
4Tora bhanhire rawatenga, riri pachiuno chako, usimuke uende kurwizi rwaYufuratesi, undoriviga mumukaha wedombo.
4“拿你買來束在腰上的腰帶,起來,往幼發拉底河去,把腰帶藏在那裡的巖石縫中。”
5Ipapo ndakaenda, ndikandoriviga parwizi Yufuratesi, sezvandakarairwa naJehovha.
5我就照著耶和華所吩咐我的,去把腰帶藏在幼發拉底河那裡。
6Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, Jehovha akati kwandiri, Simuka, uende kwaYufuratesi, utorepo bhanhire randakakuraira kuti urivigepo.
6過了多日,耶和華對我說:“起來,往幼發拉底河去,把我吩咐你藏在那裡的腰帶取出來。”
7Ipapo ndakaenda kwaYufuratesi, ndikachera, ndikatora bhanhire pandakanga ndariviga; zvino tarira, bhanhire rakanga raora, risina basa chose.
7於是我往幼發拉底河去,在那裡挖掘,把腰帶從我埋藏的地方取出來;看哪!腰帶已經腐爛了,完全沒用了。
8Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
8那時,耶和華的話臨到我,說:
9Zvanzi naJehovha, Saizvozvo ndichaodza kuzvikudza kwaJudha, nokuzvikudza kukuru kweJerusaremu.
9“耶和華這樣說:‘我必照樣敗壞猶大的尊榮和耶路撒冷極大的尊榮。
10Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanofamba nohukukutu bwemoyo yavo, vakatevera vamwe vamwari kuti vavashumire nokuvanamata, vachafanana nebhanhire iri, risina basa chose.
10這邪惡的人民,不肯聽從我的話,他們隨著自己頑梗的心行事,隨從別的神,事奉敬拜他們;所以他們必像這根腰帶,毫無用處。
11nekuti bhanhire sezvarinonamatira pachiuno chomunhu, saizvozvo ndakanga ndanamatidza imba yalsiraeri yose neimba yaJudha kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha kuti vave vanhu vangu, nembiri yangu, nokurumbidzwa kwangu, nokubwinya kwangu; asi vakaramba kuteerera.
11因為腰帶怎樣緊貼著人的腰,我也曾怎樣使以色列全家和猶大全家緊貼著我,好使他們作我的子民,叫我得名聲,得讚美,得榮耀;可是他們卻不聽從。’”這是耶和華的宣告。
12Naizvozvo unofanira kutaura shoko iri kwavari, Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Mudziyo mumwe nomumwe uchazadzwa newaini; zvino ivo vachati kwauri, Hatizivi kanhi kuti mudziyo mumwe nomumwe uchazadzwa newaini?
12酒瓶的比喻“你要對他們說這話:‘耶和華以色列的 神這樣說:每一個酒瓶都要盛滿酒。’如果他們對你說:‘難道我們不清楚知道每一個酒瓶都要盛滿酒嗎?’
13Ipapo uti kwavari, Zvanzi naJehovha tarirai, vose vagere munyika ino, iwo madzimambo agere pachigaro choushe chaDhavhidhi, navapristi navaporofita, navose vagere Jerusaremu, ndichavazadza nokubatwa newaini.
13你就要對他們說:‘耶和華這樣說:看哪!我要使這地所有的居民,就是那些坐大衛王位的君王,以及祭司、先知和耶路撒冷所有的居民,都完全醉倒。
14Ndichavagumirisana, madzibaba navanakomana vavo pamwechete ndizvo zvinotaura Jehovha. Handinganzwiri tsitsi, handingadariki mumwe, kana kuva netsitsi, kuti ndirege kuvaparadza.
14我要使他們彼此碰撞,連父子也要互相碰撞;我必不愛惜、不可憐,也不憐憫他們,我必把他們滅絕。’”這是耶和華的宣告。
15Inzwai, murerekere nzeve; musazvikudza, nekuti Jehovha wakataura.
15警告驕傲的後果嚴重你們要聽,要留心聽,不要驕傲;因為是耶和華說的。
16Rumbidzai Jehovha, Mwari wenyu, asati auyisa rima, tsoka dzenyu dzisati dzagumburwa pamakomo erima, iye asati ashandura chiedza chamakamirira, akachiita mumvuri worufu, nokuchiita rima guru.
16耶和華你們的 神還沒有使黑暗臨到以前,你們的腳還沒有在昏暗的山上絆倒之前,你們要把榮耀歸給他。你們期待光明,他卻把光明變為死蔭,使光明變成黝黑。
17Asi kana musingadi kuzvinzwa, mweya wangu uchakuchema pakavanda nokuda kokuzvikudza kwenyu; meso angu achachema kwazvo, achayerera misodzi, nekuti boka raJehovha ratapwa.
17如果你們不聽從,我必因你們的驕傲暗暗哭泣;我的眼必痛哭流淚,因為耶和華的羊群被擄去了。
18Iti kuna mambo nokuna mai vamambo, Garai pasi-pasi kwazvo, nekuti zvishongo zvemisoro yenyu zvawira pasi, iyo korona yokukudzwa kwenyu.
18你要對君王和太后說:“你們應從寶座下來,因為華麗的冠冕已經從你們的頭上脫下來了。”
19Maguta okurutivi rwezasi akazarirwa, hakuna unowazarura; vaJudha vakatapwa vose, vakatapwa chose-chose.
19南地的城市已被圍困,沒有人能解圍;整個猶大都被擄走,全被擄去了。
20Ringira meso ako, uone vanobva kurutivi rwokumusoro. Ko boka rawakapiwa, iro boka rako rakanaka kwazvo, riripi?
20耶路撒冷啊!你要舉目觀看那些從北方來的人。從前交給你的羊群,就是你引以為榮的群羊,現今在哪裡呢?
21Uchati kudiniko kana achiisa pamusoro pako ivo vawakadzidzisa kuva shamwari dzako vave vabati vako? Haungabatwi nokurwadziwa sokomukadzi unopona here?
21耶和華立你自己結交(“結交”原文作“教導”)的盟友為首領管轄你,那時,你還有甚麼話說呢?痛苦豈不把你抓住,好像婦女生產時的痛苦一樣嗎?
22Zvino kana ukati mumoyo mako, Izvozvi zvandiwira neiko? nguvo dzako dzakafukurwa nezvitsitsino zvako zvakuvadzwa nemhaka yohukuru bwezvakaipa zvenyu.
22如果你心裡問:“這些事為甚麼發生在我身上呢?”這是由於你極大的罪孽;你的袍子被掀起,你的下體(“下體”原文作“腳跟”)暴露出來。
23Ko muItiopia ungashandura ganda rake, kana ingwe mavara ayo here? Kana zvaibvira, nemiwo maigona kuita zvakanaka, iyemi makarovera kuita zvakaipa.
23古實人怎能改變他的膚色?花豹怎能改變牠的斑點?你們這些慣作壞事的人,又怎能行善呢?
24Saka ndichavaparadzira sehundi inopepereswa nemhepo murenje.
24“因此,我要使你們(“你們”原文作“他們”)四散,像被曠野的風吹走的碎秸一樣。
25Ndizvo zvawakagoverwa, ndiwo mugove wawakayererwa neni ndizvo zvinotaura Jehovha; nekuti wakandikangamwa, ukavimba nezvehama.
25這是你應得的,是我量給你的分。”這是耶和華的宣告。“因為你忘記了我,去倚靠虛假的偶像;
26Saka ndichafukurawo nguvo dzako pamberi pako, kunyadziswa kwako kuonekwe.
26所以,我必把你的袍子掀到你的臉上,使人看見你的醜態。
27Ndakaona kunyangadza kwako, ihwo hupombwe hwako, nokufembedza kwako, nokunyadza kokupombora kwako pazvikomo zvokubundo. Une nhamo, iwe Jerusaremu! Unoramba kunatswa; zvichadaro kusvikira rinhiko?
27你的姦淫,你淫蕩的叫聲,你邪淫的惡行,在山上,在田野間,你那些可憎的事我都看見了。耶路撒冷啊,你有禍了!你這樣不潔淨要到幾時呢?”