1Shoko rakauya kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, richiti,
1陶匠製造陶器的比喻耶和華有話臨到耶利米,說:
2Simuka, uburukire kuimba yomuumbi wehari; ipapo ndichakuzivisa mashoko angu.
2“起來,下到陶匠的家裡去,在那裡我要使你聽到我的話。”
3Zvino ndakaburukira kuimba yomuumbi wehari, ndikamuwana achibata basa pamakuyo.
3我就下到陶匠的家裡去,見他正在轉盤旁工作。
4Zvino mudziyo waakanga achiita nevhu wakati washatiswa mumaoko omuumbi, akaumbazve naro mumwe mudziyo, sezvaakafunga iye muumbi wehari.
4陶匠用他手中的泥所做的器皿壞了,他就用這泥再做別的器皿,照著自己的意思去作。
5Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti,
5於是耶和華的話臨到我,說:
6Zvanzi naJehovha, Nhai, imwi imba yaIsiraeri, handingagoni kuita nemwi sezvinoita muumbi uyu wehari here? Tarirai, ivhu sezvarakaita muruoko rwomuumbi wehari, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu, imwi imba yaIsiraeri.
6“以色列家啊!難道我不能待你們像這陶匠所作的一樣嗎?”這是耶和華的宣告。“看哪!泥在陶匠的手中怎樣,以色列家啊!你們在我的手中也必怎樣。
7Nechinguvana ndichataura pamusoro porudzi rwavanhu, napamusoro poushe, kuti ndicharudzura, nokuruputsa, nokuruparadza;
7我甚麼時候宣布要拔出、拆毀、毀滅一邦或一國,
8kana rudzi urwo, rwandakataura zvinhu izvi pamusoro parwo, rukazvidzora pazvakaipa zvarwo, ini ndichazvidemba pamusoro pezvakaipa zvandakafunga kuvaitira.
8如果我論到的那一邦轉離他們的惡行,我就必回心轉意,不把我原定的災禍降給他們。
9Uye nechinguvana ndichataura pamusoro porudzi rwavanhu, napamusoro poushe, kuti ndicharuvaka nokurusima;
9同樣,我甚麼時候宣布要建立、栽植一邦或一國,
10kana vakaita zvinhu zvakaipa pamberi pangu, vakasateerera inzwi rangu, ipapo ndichazvidemba pamusoro pezvakanaka zvandakanga ndichiti ndichavaitira.
10如果他們行我眼中看為惡的事,不聽從我的話,我就必回心轉意,不把我應許的好處賜給他們。
11Naizvozvo zvino, taura navanhu vaJudha navagere Jerusaremu, uti, Zvanzi naJehovha, tarirai, ndinokufungirai zvakaipa, ndinorangana mano akaipa pamusoro penyu; zvino dzokai mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, mugadzire nzira dzenyu namabasa enyu.
11“現在你要對猶大人和耶路撒冷的居民說:‘耶和華這樣說:看哪!我正在製造災禍對付你們,擬定計劃懲罰你們。你們各人要回轉,離開自己的惡道,改正你們的行徑和作為。’
12Asi ivo vanoti, Hazvina maturo, nekuti tichafamba sezvatinofunga, mumwe nomumwe wedu uchaita nohukukutu hwomoyo wake wakaipa.
12他們卻說:‘沒用的!我們要隨著自己的計劃而行,各人要按著自己頑梗的惡心行事。’”
13Naizvozvo zvanzi naJehovha, Zvino bvunzai pakati pamarudzi, kuti ndiani wakambonzwa zvakadai; mhandara yaIsiraeri yakaita chinhu chakaipa kwazvo.
13棄絕 神的必遭棄絕因此耶和華這樣說:“你們問一問列國,有誰聽見過像這樣的事呢?童女以色列竟行了一件非常駭人的事。
14Ko chando chakachena chapaRebhanoni chingashaikwa padombo rokusango here? Mvura inotonhora, inoyerera ichibva kure ingapwa here?
14黎巴嫩山上巖石的積雪融化過嗎?從遠處流下清涼的溪水乾涸過嗎?
15nekuti vanhu vangu vakandikangamwa, vakapisira vamwari venhema zvinonhuhwira; ivo vakagumbuswa panzira dzavo, pamakwara akare-kare, kuti vafambe nenzira dzinotsauka, panzira isina kugadzirwa.
15但我的子民竟忘記我,向虛無的偶像燒香,以致他們在自己的路上、在古道上絆倒,行走小路,不是修建過的大道。
16Kuti vaite nyika yavo chishamiso nechinoridzirwa murudzi nokusingaperi; mumwe nomumwe unopfuurapo uchashamiswa, nokudzungudza musoro wake.
16他們的土地變為荒涼,成為永遠被人嗤笑的對象;經過這地的,都必驚駭搖頭。
17Ndichavaparadzira pamberi pavavengi vavo sezvinoita mhepo inobva kumabvazuva; ndichavafuratira, handingavatariri nechiso, nezuva rokutambudzika kwavo.
17在他們的敵人面前,我要像東風吹散他們;在他們遭難的日子,我必使他們只見我的背,不見我的面。”
18Ipapo vakati, Uyai, tirangane mano akaipa pamusoro paJeremiya; nekuti murayiro haungashaikwi kumupristi, kana kurairira kunowakachenjera, kana shoko kumuporofita. Uyai, timurove norurimi, tirege kuva nehanya nerimwe ramashoko ake.
18耶利米求 神對付敵人他們說:“來吧!我們來設計對付耶利米;因為祭司的律法、智慧人的謀略、先知的話都不會斷絕。來吧!我們用舌頭攻擊他,不理會他的一切話。”
19Jehovha, nditeererei, munzwe inzwi ravanokakavara neni.
19耶和華啊!求你傾聽我的申訴,聽那些指控我的人的聲音。
20Zvakaipa zvingatsihwa nezvakanaka here? nekuti vakacherera mweya wangu gomba. Rangarirai kumira kwangu pamberi penyu kuti ndivareverere zvakanaka, kuti nditsause kutsamwa kwenyu kwavari.
20良善的應得惡報嗎?他們竟然挖陷坑害我。求你記念我怎樣站在你面前,為他們說好話,使你的烈怒離開他們。
21Saka sundirai vana vavo panzara, muvaregere pasimba romunondo; vakadzi vavo ngavatorerwe vana vavo, vave chirikadzi; varume vavo ngavaurawe norufu, namajaya avo aurawe nomunondo pakurwa.
21因此,願你使他們的兒女遭受饑荒,把他們交給刀劍(“刀劍”原文作“刀劍的手”);願他們的妻子喪夫失子;願他們的男人被殺死,他們的壯丁在戰場上被刀劍擊殺。
22Kuchema ngakunzwike padzimba dzavo, kana muchivauyisira kamwe kamwe boka ravarwi; nekuti vakachera gomba, kuti vandibate; vakavanzira tsoka dzangu misungo.
22你使侵略者忽然臨到他們的時候,願人從他們的屋裡聽見呼救聲;因為他們挖陷坑要捉拿我,埋藏網羅要絆我的腳。
23Asi imwi Jehovha munoziva mano avo ose avakada kundiuraya nawo; musavakangamwira zvakaipa zvavo, kana kudzima zvivi zvavo pamberi penyu; asi ngavawisirwe pasi pamberi penyu; muvaitire zvamunoda nenguva yokutsamwa kwenyu.
23耶和華啊!至於你,你知道他們要殺我的一切計謀。求你不要赦免他們的罪孽,不要從你面前塗抹他們的罪!使他們在你面前絆倒;求你在發怒的時候,對付他們。