Shona

聖經新譯本

Jeremiah

25

1Shoko, rakauya kuna Jeremiya pamusoro pavanhu vose vaJudha, negore rechina raJehoiakimu, mwanakomana waJosiya, mambo waJudha; ndiro gore rokutanga raNebhukadhirezari mambo weBhabhironi,
1責猶大人不聽 神的警告猶大王約西亞的兒子約雅敬第四年,就是巴比倫王尼布甲尼撒第一年,有話臨到耶利米,是關於猶大眾民的。
2iro rakataurwa nomuporofita Jeremiya kuvanhu vose vaJudha, navose vagere Jerusaremu, achiti,
2耶利米先知就把這話告訴猶大眾民和耶路撒冷所有的居民,說:
3Kubva pagore regumi namatatu raJosiya mwanakomana waAmoni, mambo wavaJudha, kusvikira pazuva rino, makore awa ana makumi maviri namatatu, shoko raJehovha raiuya kwandiri, ndikakutaurirai, ndichimuka mangwanani, ndichitaura; asi imwi hamuna kuteerera.
3“從猶大王亞們的兒子約西亞第十三年直到今日,這二十三年來,常有耶和華的話臨到我,我也不斷對你們傳講,你們卻不聽從。
4Jehovha wakatuma kwamuri varanda vake vose vaporofita, achimuka mangwanani, achivatuma, asi imwi hamuna kuteerera, kana kurerekera nzeve dzenyu kuti munzwe,
4耶和華雖然不斷差遣他的僕人眾先知到你們那裡去;但你們卻沒有聽從,毫不留心。
5vachiti, Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, napazvakaipa zvamunoita, mugare munyika yamakapiwa naJehovha, imwi namadzibaba enyu, kubva kare nakare kusvikira pakusingaperi,
5他們對你們說:‘你們各人要悔改,離開自己的惡道和邪惡的行為,就可以住在耶和華賜給你們和你們列祖的土地上,直到永永遠遠。’”
6regai kutevera vamwe vamwari kuti muvashumire, nokuvanamata, murege kunditsamwisa namabasa amaoko enyu; ini ndigorega kukuitirai zvakaipa.
6“你們不要隨從別的神,不要事奉敬拜他們,也不可容你們手所作的惹我發怒;這樣,我就不會使禍患臨到你們。
7Asi hamuna kunditeerera, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti munditsamwise namabasa amaoko enyu, muitirwe zvakaipa.
7但你們沒有聽從我,竟容你們手所作的惹我發怒,自招禍害。”這是耶和華的宣告。
8Naizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, zvamusina kunzwa mashoko angu,
8預言被擄七十年因此,萬軍之耶和華這樣說:“因為你們沒有聽從我的話,
9tarirai, ndichatuma shoko kumarudzi ose ari kurutivi rwokumusoro, ndivauyise, nokuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, muranda wangu, ndivauyise varwe nenyika ino, navageremo, namarudzi awa ose akaipoteredza;ndichavaparadza chose, nokuvaita chishamiso nechinoridzirwa muridzo, namatongo nokusingaperi.
9看哪!我要打發人去徵召北方的眾族,和我的僕人巴比倫王尼布甲尼撒,領他們來攻擊這地和這地的居民,以及周圍的列國;我要把他們徹底消滅,使他們成為令人驚駭,受人嗤笑的對象,和永遠荒廢的地方。”這是耶和華的宣告。
10Ndichabvisawo kwavari inzwi rokuseka nenzwi rokufara, nenzwi rechikomba, nenzwi romwenga, nenzwi ramakuyo, nechiedza chomwenje.
10“我要從他們中間除掉歡喜和快樂的聲音,新郎和新婦的聲音,推磨的聲音和燈的亮光。
11Nyika ino yose richava dongo, nechishamiso, marudzi awa achabatira mambo weBhabhironi makore ana makumi manomwe.
11這地要全變為荒廢,令人驚駭;這些國家要服事巴比倫王七十年。
12Zvino kana makore ana makumi manomwe apera ndizvo zvinotaura Jehovha ndicharova mambo weBhabhironi, norudzi urwo pamusoro pezvakaipa zvavo, nenyika yavaKaradhea; ndichaiita matongo nokusingaperi.
12事後懲罰巴比倫“七十年滿了以後,我要按著他們的罪孽懲罰巴比倫王和那國,就是迦勒底人之地,使它永遠荒涼。”這是耶和華的宣告。
13Ndichauyisa pamusoro penyika iyo mashoko angu ose andakataura pamusoro payo, zvose zvakanyorwa mubhuku iyi, zvakaporofitwa naJeremiya pamusoro pamarudzi ose.
13“我必使我所說攻擊那地的一切話應驗在那地;我所說的,就是一切記錄在這書上的,是耶利米攻擊列國所說的預言。
14nekuti marudzi mazhinji namadzimambo makuru vachavasunga ivo vamene vave varanda vavo; ini ndichavaripira zvakaenzana nokubata kwavo, nezvakaenzana nebasa ramaoko avo.
14因為許多國家和大君王將要奴役迦勒底人,我必按著他們的作為和他們手所作的報應他們。”
15nekuti Jehovha Mwari waIsiraeri, wakati kwandiri, Tora mukombe uyu wewaini yokutsamwa kwangu paruoko rwangu, umwisepo marudzi ose andinokutumira kwaari.
15 神審判列國耶和華以色列的 神對我這樣說:“你從我的手中拿這杯烈怒的酒,給列國喝,就是我差遣你去的列國。
16Vachamwa, nokudzedzereka, nokupenga, nokuda komunondo wandichatuma pakati pavo.
16他們喝了,就會東倒西歪,瘋狂亂性,因為我打發刀劍到他們中間去。”
17Ipapo ndakatora mukombe paruoko rwaJehovha, ndikamwisa marudzi ose, andakatumirwa kwaari naJehovha;
17於是我從耶和華的手中接過這杯,給列國喝,就是耶和華差遣我去的列國,
18vaiti Jerusaremu, namaguta aJudha, namadzimambo awo, namachinda awo, kuti vaitwe dongo, nechishamiso, nechinoridzirwa muridzo, nechinotukwa, sezvazvakaita nhasi.
18包括耶路撒冷、猶大的城鎮,和她的君王、領袖,使這些城鎮荒廢,成為令人驚駭、被人嗤笑、咒罵的對象,好像今天一樣。
19NaFarao mambo navaranda vake, namachinda ake, navanhu vake vose;
19又包括法老,就是埃及王,和他的臣僕、王侯,以及全體人民,
20namarudzi ose akavhengana, namadzimambo ose enyika yeUzi, namadzimambo ose enyika yavaFirisitia, neAshikeroni, neGaza, neEkironi, navakasara veAshidhodhi;
20並所有外族的人;還有烏斯地的眾王、非利士人之地的眾王,就是亞實基倫、迦薩,以革倫和亞實突餘剩的人的王;
21naEdhomu, naMoabhu, navana vaAmoni;
21並有以東、摩押、亞捫、
22namadzimambo ose eTire, namadzimambo ose eSidhoni, namadzimambo echiwi chiri mhiri kwegungwa;
22推羅的列王、西頓的列王、海外島嶼的列王、
23neDhedhani, neTema, neBhuzi, navose vakaveurwa vhudzi ravo kumativi;
23底但、提瑪、布斯,所有剃除鬢髮的部落、
24namadzimambo ose eArabhia, namadzimambo ose amarudzi akavhengana vanogara kurenje;
24阿拉伯的列王、住在沙漠的外族人的列王、
25namadzimambo ose eZimiri, namadzimambo ose eEramu, namadzimambo ose avaMedhia;
25心利的列王、以攔的列王、瑪代的列王、
26namadzimambo ose okumusoro, kure napedo, mumwe nomumwe, noushe hwose bwenyika, huri pasi pose; mambo weSheshaki uchamwa shure kwazvo.
26北方遠近的列王,一個一個,以及地上的萬國,就是在這地面上的列國,都喝了;他們喝了以後,示沙克王也要喝。
27Zvino iwe uti kwavari, Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Imwai, mubatwe, murutse, muwe, murege kuzosimukazve, nokuda komunondo wandichatuma pakati penyu.
27“你要對他們說:‘萬軍之耶和華以色列的 神這樣說:你們要喝,並要喝醉,嘔吐,以致跌倒,不能再起來,因為我打發刀劍到你們中間去。’
28Zvino kana vachiramba kutora pamukombe paruoko rwako kuti vamwe, ipapo uti kwavari, Zvanzi naJehovha wehondo, munofanira kumwa, zvirokwazvo!
28如果他們不肯從你的手中接過這杯來喝,你就要對他們說:‘萬軍之耶和華這樣說:你們一定要喝。
29nekuti tarirai ndinotanga kuitira zvakaipa guta rakatumidzwa nezita rangu; zvino imwi mungaregwa chose musingarohwi here? Hamungaregwi musingarohwi; nekuti ndichadana munondo pamusoro pavose vagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
29因為,看哪!我既然在那稱為我名下的城中先降災禍,你們真可免受懲罰嗎?你們必不能免受懲罰,因為我要呼喚刀劍來攻擊這地所有的居民。’”這是萬軍之耶和華的宣告。
30Naizvozvo iwe uvaporofitire mashoko awa ose, uti kwavari, Jehovha uchaomba ari kumusoro, uchabudisa inzwi rake ari pahugaro hwake hutsvene; uchaombera mafuro ake; uchapururudzira vose vagere panyika, sezvinoita vanotsika mazambiringa.
30“因此你要對他們宣講這一切話,對他們說:‘耶和華必從高天吼叫,從他的聖所發聲;他必大聲吼叫攻擊自己的羊圈;他要對地上所有的居民呼喊,像那些踹葡萄的人呼喊一樣。
31Mubvumo uchasvika pamugumo wenyika pamene; nekuti Jehovha une gakava namarudzi; uchatonga nyama yose; kana vari vakaipa, uchavaisa kumunondo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
31吶喊的聲音要傳到地極,因為耶和華要控告列國,也要審判萬人;至於惡人,他必把他們交給刀劍。’”這是耶和華的宣告。
32Zvanzi naJehovha wehondo, Tarirai, zvakaipa zvichabuda kuno rumwe rudzi zvichienda kuno rumwe rudzi, nedutu guru remhepo richamutswa kumigumo yenyika.
32萬軍之耶和華這樣說:“看哪!必有災禍發出,從這國直到那國;必有大風暴從地極颳起。”
33Nezuva iro vakaurawa naJehovha vachavapo kubva kunomumwe mugumo wenyika kusvikira kunomumwe mugumo wenyika; havangachemwi, kana kuunganidzwa, kana kuvigwa; vachava mupfudze pasi pose.
33到那日,從地的這邊到地的那邊,都必有被耶和華刺死的人;必沒有人為他們悲哀,沒有人收殮他們、埋葬他們;他們都必在地面上成為糞肥。
34Wungudzai, imwi vafudzi, mucheme; wumburukai mumadota, imwi vakuru vamapoka; nekuti mazuva okuurawa kwenyu asvika kwazvo, nookuparadzirwa kwenyu, muchawira pasi somudziyo unodikamwa.
34牧人啊,你們要哀號,呼叫!羊群的領袖啊,你們要在灰塵中打滾!因為你們被宰殺的日子已經到了;我要粉碎你們,你們要跌倒,像珍貴的器皿跌碎一樣。
35Vafudzi vachashaiwa matizire, navakuru vamapoka mupukunyukire.
35牧人無處逃避,羊群的領袖無法逃脫。
36Inzwai inzwi rokuchema kwavafudzi, nokuwungudza kwavakuru vamapoka! nekuti Jehovha unoparadza mafuro avo.
36聽啊!牧人的哀叫,羊群的領袖的悲號,因為耶和華正在毀壞他們的牧場。
37Mafuro orugare anoparadzwa nokutsamwa kukuru kwaJehovha.
37因為耶和華猛烈的怒氣,平靜的羊圈毀壞了。
38Wakabva paanovanda seshumba; nekuti nyika yavo yava chishamiso, nokuda kokunyanya komunondo unomanikidza, uye nokuda kokutsamwa kwake kukuru.
38他像獅子離開了洞穴,使他們的國土變成荒野,因為殘酷的刀劍(“刀劍”有古抄本作“猛烈”),和他猛烈的怒氣臨到他們。