1Zvino shoko raJehovha rakasvikazve rwechipiri kuna Jeremiya, achakapfigirwa muruvazhe rwavarindi, richiti,
1重申回歸故土的應許耶利米還監禁在衛兵院子裡的時候,耶和華的話第二次臨到他,說:
2Zvanzi naJehovha, iye unozviita, iye Jehovha unozviumba nokuzvisimbisa, Jehovha ndiro zita rake,
2“那創造、塑造和堅定大地的是耶和華,耶和華是他的名。他這樣說:
3Danai kwandiri, ndichakupindurai, ndichakuratidzai zvinhu zvikuru zvakavanzika, zvamusingazivi.
3‘你呼求我,我就應允你,並且把你所不知道的那些偉大奧祕的事告訴你。’
4nekuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri pamusoro pedzimba dzeguta rino, napamusoro pedzimba dzamadzimambo aJudha, dzakakoromorwa kuzorwa nemirwi yokurwa neminondo,
4論到這城裡的房屋和猶大王的宮殿,就是為了抵擋敵人的攻城土壘和刀劍而拆毀的,耶和華以色列的 神這樣說:
5Vanouya havo kuzorwa navaKaradhea, asi vanongodzizadza nezvitunha zvavanhu vandakauraya nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, ndikavanzira guta rino chiso changu nokuda kokuipa kwavo kose.
5‘這城的居民出去和迦勒底人爭戰,就必使這些房屋充滿死屍,就是我在怒氣和烈怒中擊殺的。因為他們的一切惡行,我掩面不顧這城。
6Tarirai, ndichavavigira mufaro pamuviri nokupora, ini ndichavaporesa; ndichavaratidza rugare rwakawanda nezvokwadi yakawanda.
6看哪!我必使這城的傷口痊愈康復,我必醫治城中的居民,並且使他們享有十分的平安和穩妥。
7Ndichadzosa kutapwa kwaJudha nokutapwa kwalsiraeri, ndichavavaka sapakutanga.
7我必使猶大被擄的和以色列被擄的都歸回,並且建立他們像起初一樣。
8Ndichavanatsa pazvakaipa zvavo zvose zvavakanditadzira nazvo, ndichakangamwira zvakaipa zvavo zvose zvavakanditadzira nazvo, nezvavakandidarikira nazvo.
8我必潔淨他們得罪我的一切罪孽,並且赦免他們得罪我和悖逆我的一切罪孽。
9Guta rino richava kwandiri mbiri yomufaro, nokurumbidzwa nokukudzwa, pamberi pamarudzi ose enyika, achanzwa zvakanaka zvose zvandichavaitira; vachatya nokudedera pamusoro pezvakanaka zvose norugare rwose zvandicharivigira.
9這城必在地上萬國面前使我得名聲,得喜樂(“得名聲,得喜樂”按照《馬索拉抄本》應作“得喜樂的名聲”;現參照《七十士譯本》翻譯),得頌讚,得榮耀,因為萬國必聽見我向這城的人所施的一切福樂。他們因我向這城所施的一切福樂和平安,就都恐懼戰兢。’
10Zvanzi naJehovha, Panzvimbo yamunoti yakaparadzwa, haina vanhu kana zvipfuwo, imo mumaguta aJudha, nomunzira dzomuJerusaremu, mangova nedongo, musina vanhu vageremo, kana zvipfuwo, pachanzwikwazve
10回歸者的喜樂“耶和華這樣說:‘論到這地方,你們說:“這地荒廢,沒有人煙,也沒有牲畜。”但在這荒涼、沒有人煙、沒有居民、也沒有牲畜的猶大各城和耶路撒冷的街上,必再聽見
11inzwi romufaro nokufarisisa, inzwi rechikomba nenzwi romwenga, nenzwi ravanoti, Vongai Jehovha wehondo, nekuti Jehovha wakanaka, nekuti tsitsi dzake dziripo nokusingaperi; uye neravanouya nezvipiriso zvokuvonga mumba maJehovha. nekuti ndichadzosa kutapwa kwenyika zvive sapakutanga ndizvo zvinotaura Jehovha.
11歡喜和快樂的聲音,新郎和新婦的聲音;還要聽見那些帶著感恩祭到耶和華殿的人的聲音說:“你們要稱謝萬軍之耶和華,因為耶和華是至善的,他的慈愛永遠長存。”因為我必使這地被擄的歸回,像起初一樣。’”這是耶和華說的。
12Zvanzi naJehovha wehondo, Panzvimbo ino yakaparadzwa, isina vanhu kana zvipfuwo, napamaguta aripo, pachavazve namafuro avafudzi, vanovatisa makwai avo pasi.
12百廢俱興“萬軍之耶和華這樣說:‘在這荒廢、沒有人煙、沒有牲畜的地方,和這地所有城中,必再有牧人放羊的牧場。
13Mumaguta enyika yamakomo, mumaguta amapani, mumaguta orutivi rwezasi, napanyika yaBhenjamini, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, nomumaguta aJudha, makwai achapfuurazve pasi poruoko rwounowaverenga, ndizvo zvinotaura Jehovha.
13在山地、高地和南地的各城,在便雅憫地,在耶路撒冷周圍的各處,以及在猶大的各城裡,必再有牧人數點經過手下的羊群。’”這是耶和華說的。
14Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichaita shoko iro rakanaka randakataura pamusoro peimba yaIsiraeri napamusoro peimba yaJudha.
14公義的苗裔“看哪!日子快到(這是耶和華的宣告),我必實踐我向以色列家和猶大家應許賜福的諾言。
15Namazuva iwayo, nenguva iyo, ndichamedzera Dhavhidhi davi rokururama; iye ucharuramisira vanhu nokuita zvakarurama panyika.
15在那些日子、那時候,我必使大衛公義的苗裔長起來;他必在地上施行公正和公義。
16Namazuva iwayo Judha vachaponeswa, Jerusaremu richagara rakachengetwa; zita rarichatumidzwa ndireri, Jehovha ndiye kururama kwedu.
16在那些日子,猶大必得救,耶路撒冷必安然居住;這城必被稱為‘耶和華是我們的公義’。
17nekuti zvanzi naJehovha, Dhavhidhi haangatongoshaiwi munhu unogara pachigaro choushe cheimba yaIsiraeri;
17因為耶和華這樣說:‘大衛家必不斷有人坐在以色列家的王位上。
18navapristi vaRevhi havangashaiwi munhu pamberi pangu ungapisa zvipiriso zvinopiswa nokupisa zvipiriso zvoupfu, nokugara achibayira.
18利未人的祭司也必不斷有人在我面前獻上燔祭和燒素祭;獻祭的事永不止息。’”
19Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
19永不改變的約耶和華說的話臨到耶利米,說:
20Zvanzi naJehovha, Kana mungagona kuputsa sungano yangu yamasikati nesungano yangu yousiku, kukarega kuva namasikati novusiku nenguva yazvo;
20“耶和華這樣說:‘你們若能廢掉我所立白晝和黑夜的約,使白晝和黑夜不按時更替,
21ipapo sungano yangu naDhavhidhi muranda wangu ingaputswawo, akasava nomwanakomana ungabata ushe pachigaro chake choushe; saizvozvowo navaRevhi, vapristi, vashumiri vangu.
21就能廢掉我和我僕人大衛所立的約,使他沒有兒子在他的王位上作王;也能廢掉我和那些事奉我的利未支派的祭司所立的約。
22Hondo yokudenga sezvaisingabviri kuverengwa, kana jecha regungwa kuyerwa, saizvozvo ndichawanza vana vaDhavhidhi muranda wangu, navaRevhi vanondishumira.
22我卻必使我僕人大衛的後裔和事奉我的利未人增多,像天上的萬象不能數算、海邊的沙粒不能斗量。’”
23Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremiya, richiti,
23耶和華的話臨到耶利米,說:
24Haurangariri zvakataurwa navanhu ava, zvavakati, Marudzi maviri akatsaurwa naJehovha, akarashwa naye? Saizvozvo vanozvidza vanhu vangu, vachiti havachiri rudzi pamberi pavo.
24“你沒有留意列國的人民說甚麼嗎?他們說:‘耶和華所揀選的這兩個家族,他已經棄絕了。’他們藐視我的子民,不再把他們看為一個國家。
25Zvanzi naJehovha, Kana sungano yangu yamasikati novusiku isipo, kana ndisina kutemera denga napasi mirairo;
25耶和華這樣說:‘我若沒有設立白晝和黑夜的約,或立定天地的定律,
26ipapo ndicharashawo vana vaJakove, navaDhavhidhi muranda wangu, kuti ndirege kutora vamwe vavana vake vave vabati vavana vaAbhurahamu nalsaka naJakove; nekuti ndichadzosa kutapwa kwavo nokuvanzwira nyasha.
26我就會棄絕雅各的後裔,和我僕人大衛的後裔,不從大衛的後裔中選人出來統治亞伯拉罕、以撒和雅各的後裔。我卻必使他們被擄的人歸回,也必憐憫他們。’”