1Shoko rakasvika kuna Jeremiya pamusoro pavaJudha vose vakanga vagere panyika vakanga vagere Migidhori neTapanesi neNofi nomunyika yePatirosi, richiti,
1在埃及的猶大人仍事奉別神以下的話臨到耶利米,論到所有住在埃及地的猶大人,就是那些住在密奪、答比匿、挪弗和巴忒羅地的人,說:
2Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari walsiraeri, Makaona zvakaipa zvose zvandakauyisa pamusoro peJerusaremu napamusoro pamaguta ose aJudha; zvino tarirai, nhasi ava matongo, hapachina munhu unogaramo,
2“萬軍之耶和華以色列的 神這樣說:‘你們都親眼看見我降在耶路撒冷和猶大各城的一切災禍。看哪!那些城鎮今天仍然荒涼,沒有人居住,
3nemhaka yezvakashata zvavo zvavakaita, zvakanditsamwisa, vachindopisa zvinonhuhwira, nokushumira vamwe vamwari, vavakanga vasingazivi, ivo kana imwi kana madzibaba enyu.
3這是因為他們所行的惡事的緣故;他們向別神燒香,事奉它們,惹我發怒。這些神是他們和你們,以及你們的列祖所不認識的。
4Asi ndakakutumirai varanda vangu vose vaporofita, ndichimuka mangwanani ndichivatuma, ndichiti, Haiwa, regai kuita chinhu ichi chinonyangadza, chandinovenga.
4雖然我不斷差遣我的僕人眾先知到你們那裡去,說:你們千萬不可行我所恨惡,這可憎的事!
5Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo kuti vadzoke pazvakashata zvavo, vakarega kupisira vamwe vamwari zvinonhuhwira.
5他們卻不聽從,毫不留心,不肯離開他們的惡行,仍向別神燒香。
6Naizvozvo hasha dzangu nokutsamwa kwangu zvakadururwa, zvikatungidzwa mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu; zvino aparadzwa ava matongo, sezvazvakaita nhasi.
6因此,我必傾出我的烈怒和怒氣,在猶大的各城鎮和耶路撒冷的街上燒起,以致它們都荒涼廢棄,像今天一樣。’
7Naizvozvo zvino zvanzi naJehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, Munotadzirireiko mweya yenyu nechinhu chakaipa chikuru ichi, kuti muparadzirwe varume navakadzi navacheche navanomwa pakati paJudha, kuti murege kusarirwa nomumwe;
7現在,耶和華萬軍的 神以色列的 神這樣說:‘你們為甚麼自己招來這樣的大災禍,使你們的男人、女人、孩童和嬰兒都從猶大中除滅,一個餘剩的人也不留下呢?
8zvamunonditsamwisa namabasa amaoko enyu, muchipisira vamwe vamwari zvinonhuhwira munyika yeEgipita kwamakaenda kundogara muri vatorwa; mugoparadzwa, muve chinotukwa nechinoshoorwa pakati pamarudzi ose enyika?
8為甚麼因你們手所作的,在你們來寄居的埃及地向別神燒香,惹我發怒,以致你們被除滅,成為地上萬國咒詛和羞辱的對象呢?
9Makangamwa here zvakashata zvamadzibaba enyu nezvakashata zvamadzimambo aJudha, nezvakashata zvavakadzi vavo, nezvakashata zvenyu, nezvakashata zvavakadzi venyu, zvavakaita munyika yaJudha nomunzira dzomuJerusaremu?
9你們列祖的惡行、猶大列王的惡行、他們妻子的惡行、你們自己的惡行和你們妻子的惡行,就是在猶大地和耶路撒冷街上所行的,你們忘記了嗎?
10Kusvikira zuva ranhasi havana kuzvininipisa, kana kutya, kana kufamba nomurayiro wangu kana nezviga zvangu, zvandakaisa pamberi penyu napamberi pamadzibaba enyu.
10直到今日,他們還沒有痛悔,沒有畏懼,也沒有遵行我在你們和你們列祖面前所立的律法和條例。’
11Naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Mwari walsiraeri, Tarirai, ndichakurinzirai chiso changu kuti ndikuitirei zvakaipa, kuti ndiparadze Judha rose.
11在埃及的猶大人必被殲滅“因此萬軍之耶和華以色列的 神這樣說:‘看哪!我決意向你們降下災禍,把全猶大都除滅。
12Ndichabvisa vakasara vose vaJudha, vakarinzira zviso zvavo kuti vaende kunyika yeEgipita kundogarako vari vatorwa, vachaparadzwa vose; vachaparadzwa nomunondo nenzara, vachafa nomunondo nenzara kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru; vachava chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinomhurwa, nechinoshoorwa.
12那些決意去埃及地,在那裡寄居的猶大餘剩的人,我必把他們除去;他們必在埃及地滅絕;他們必倒在刀下,必因饑荒滅亡;他們從最小的到最大的都必因刀劍和饑荒而死,以致成了令人驚駭、被人咒罵、咒詛和羞辱的對象。
13nekuti ndicharova vagere munyika yeEgipita, sezvandakarova Jerusaremu nomunondo nenzara uye nehosha yakaipa;
13我必用刀劍、饑荒和瘟疫懲罰那些住在埃及地的人,好像懲罰耶路撒冷一樣。
14kuti kurege kuva nomumwe wakasara waJudha, vakaenda kunyika yeEgipita kundogarako vari vatorwa, ungapukunyuka kana ungasara, kuti adzokere kunyika yaJudha, kwavanoshuva kudzokera kuti vagarekozve; nekuti hakuna ungadzokera, asi vakapukunyuka.
14那些去埃及地,在那裡寄居的猶大餘剩的人,必不能逃脫,不能倖存,不能返回他們心裡渴望回去居住的猶大地;除了一些逃脫了的人以外,一個都不能返回。’”
15Ipapo varume vose, vaiziva kuti vakadzi vavo vanopisira vamwe vamwari zvinonhuhwira, navakadzi vose, vakanga vamirepo, ungano huru, ivo vanhu vose vakanga vagere munyika yeEgipita, naPatirosi, vakapindura Jeremiya, vachiti,
15人民不聽警告,仍事奉別神那些知道自己的妻子曾向別神燒香的眾人,和一大群站在那裡的婦女,以及住在埃及地巴忒羅的眾民,回答耶利米說:
16Kana riri shoko rawakatiudza nezita raJehovha, hatingakuteereri.
16“你奉耶和華的名對我們所說的話,我們不聽從。
17Asi zvirokwazvo tichaita shoko rimwe nerimwe rakabuda mumiromo yedu, tichapisira vahosi vokudenga zvinonhuhwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, sezvatakaita isu namadzibaba edu namadzimambo edu namachinda edu, pamaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu; nekuti nenguva iyo taiva nezvokudya zvizhinji, taifara pamuviri, tikasaona njodzi.
17我們口中說過的一切話,我們一定去作,我們要向天后燒香,澆奠祭,好像我們自己和我們的列祖,以及我們的君王和領袖,在猶大的各城和耶路撒冷的街上所行的一樣。那時我們吃得飽,得享福樂,不見災禍。
18Asi kubvira panguva yatakarega kupisira vahosi vokudenga zvinonhuhwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, takashaiwa zvose, tikapedzwa nomunondo nenzara.
18但是,自從我們停止向天后燒香和澆奠祭以後,我們就樣樣都缺乏,又因刀劍和饑荒滅亡。”
19Zvino panguva yatakapisira vahosi vokudenga zvinonhuhwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, ko taivaitira zvingwa zvokuvanamata nazvo, tikavadururira zvipiriso zvinodururwa, tisina varume vedu here?
19那些婦女又說:“我們不錯是向天后燒香和澆奠祭,難道我們的丈夫不知道我們照著天后的形象製餅供奉她,向她澆奠祭嗎?”
20Ipapo Jeremiya akati kuvanhu vose, kuvarume nokuvakadzi, kuna ivo vanhu vose vakanga vamupindura saizvozvo, akati,
20再警告必遭災禍耶利米對全體人民,對那些用這話答覆他的男人、女人和眾民說:
21Zvinonhuhwira zvamaipisa mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu, imwi namadzibaba enyu namadzimambo enyu namachinda enyu navanhu vose venyika, ko Jehovha haana kuzvirangarira here? Hazvina kufungwa mumoyo make here?
21“你們和你們的列祖,以及你們的君王、領袖,和全國的人民,在猶大的各城和耶路撒冷的街上燒的香,耶和華怎能忘記,他心裡怎能不想起呢?
22Kusvikira Jehovha akakoniwa kuzova nomoyo murefu, nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu, uye nokuda kwezvinonyangadza zvamaiita; naizvozvo nyika yenyu rava dongo, nechinoshamisa nechinotukwa, isina unogaramo, sezvazvakaita zuva ranhasi.
22耶和華再不能容忍你們邪惡的行為,和你們所行可憎的事;故此,你們的土地荒涼,成了令人驚駭、被人咒詛的對象,沒有人居住,好像今天一樣。
23Zvamakapisa zvinonhuhwira, zvamakatadzira Jehovha, mukasateerera inzwi raJehovha, mukasafamba nomurayiro wake, kana nezviga zvake, kana nezvaakapupura, naizvozvo zvakaipa izvi zvakakuwirai, sezvazvakaita zuva ranhasi.
23因為你們向別神燒香,得罪了耶和華,不聽從耶和華的話,不遵行他的律法、條例和法度,所以這災禍臨到你們,好像今天一樣。”
24Zvino Jeremiya akatiwo kuvanhu vose nokuvakadzi vose, Inzwai shoko raJehovha, imwi vaJudha vose vari munyika yeEgipita,
24耶利米又對眾民和眾婦女說:“在埃及地所有的猶大人哪,要聽耶和華的話!
25Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Imi navakadzi venyu makataura nemiromo yenyu, mukazviita namaoko enyu, muchiti, Zvirokwazvo, mhiko dzedu dzatakapika tichadziita, kuti tichapisira vahosi vokudenga zvinonhuhwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa; zvino chisimbisai henyu mhiko dzenyu, itai henyu mhiko dzenyu.
25萬軍之耶和華以色列的 神這樣說:‘你們和你們的妻子親口說過:我們一定要實行我們的願,向天后燒香,澆奠祭。你們果然親手作了。現在你們只管持定你們所許的願,只管實行你們的誓言吧!’
26Zvino chinzwai shoko raJehovha, imwi vaJudha vose vagere munyika yeEgipita Tarirai, ndakapika nezita rangu guru ndizvo zvinotaura Jehovha kuti zita rangu harichazorehwi nomuromo womunhu upi noupi waJudha munyika yose yeEgipita, zvichinzi, NaIshe Jehovha mupenyu!
26但所有住在埃及地的猶大人哪,你們要聽耶和華的話!耶和華說:‘看哪!我指著我偉大的名起誓:在埃及全地每一個猶大人的口中,再不會呼喚我的名,說:我指著永活的主耶和華起誓。
27Tarirai, ndinovarindira ndivaitire zvakaipa, ndirege kuvaitira zvakanaka; vanhu vose vaJudha vari munyika yeEgipita vachaparadzwa nomunondo nenzara, kusvikira vapera vose.
27看哪!我要留意向他們降禍不降福;在埃及地所有的猶大人都必因刀劍和饑荒滅亡,直到滅絕。
28Vanopukunyuka pamunondo vachabva munyika yeEgipita vachidzokera kunyika yaJudha, vava vashoma vakasara vose vaJudha vakanga vaenda kunyika yeEgipita kundogarako vari vatorwa, vachaziva kuti shoko richava nesimba nderani, rangu kana ravo.
28那些逃脫刀劍的,必從埃及地返回猶大地;他們人數很少。這樣,所有去埃及地在那裡寄居的猶大餘剩的人,就知道誰的話實現:我的,還是他們的。
29Zvino ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri ndizvo zvinotaura Jehovha kuti ndichakurovai panzvimbo ino, kuti muzive kuti mashoko angu achava nesimba kukuitirai zvakaipa.
29埃及被巴比倫擊敗的預兆“‘我要在這地方懲罰你們,這是給你們的徵兆,好使你們知道我說要降禍給你們的話,一定實現。’這是耶和華的宣告。
30Zvanzi naJehovha, Tarirai, ndichaisa Farao Hofira mambo weEgipita, mumaoko avavengi vake, nomumaoko avanotsvaka kumuuraya, sezvandakaisa Zedhekia mambo waJudha mumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, waiva muvengi wake, waitsvaka kumuuraya.
30耶和華這樣說:‘看哪!我必把埃及王法老合弗拉交在他仇敵的手中,和那些尋索他性命的人的手中,像我把猶大王西底家交在他仇敵,那尋索他性命的巴比倫王尼布甲尼撒的手中一樣。’”