1Nenguva iyo ndizvo zvinotaura Jehovha uchabvisa pamahwiro avo mafupa amadzimambo avaJudha, namafupa amachinda avo, namafupa avapristi, namafupa avaporofita, namafupa avaigara paJerusaremu;
1猶大全國昏庸必遭災禍“到那一天(這是耶和華的宣告),敵人要把猶大列王、首領、祭司、先知和耶路撒冷居民的骸骨,都從他們的墳墓裡取出來,
2vachaaparadzira panopenya zuva nomwedzi nehondo yose yokudenga izvo zvavaida, nezvavaishumira, nezvavaitevera, nezvavaivinga, nezvavainamata; haangaunganidzwi, kana kuvigwa, asi achava mupfudze panyika.
2拋散在太陽、月亮和天上的萬象之下,就是他們從前所愛慕、服事、跟隨、求問、敬拜的。這些骸骨必不再被收殮埋葬,必在地面上成為糞肥。
3Rufu ruchasanangurwa kupfuura hupenyu navose vakasara panzvimbo dzose kwandakavadzingira ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
3這邪惡的家族剩下的餘民,在我驅逐他們到的各地,寧可選擇死,也不要存活。”這是萬軍之耶和華的宣告。
4Zvino unofanira kuti kwavari, Zvanzi naJehovha, Ko vanhu vangawa, vakasazomukazve here? Munhu ungatsauka, akasazodzoka here?
4“你要對他們說:‘耶和華這樣說:人跌倒了,不再起來嗎?人偏離了,不再回轉嗎?
5Zvino vanhu ava veJerusaremu vakadzokereiko nokudzokera kusingatongoperi? Vanonamatira kunyengera, vanoramba kudzoka.
5這人民為甚麼背道,耶路撒冷為甚麼長久偏離?他們定意行詭詐,不肯回轉。
6Ndakateerera, ndikanzwa, asi havana kutaura zvakarurama; hakuna munhu unochema kuipa kwake, achiti, Ndaiteiko? Mumwe nomumwe unotsauka nenzira yake, sebhiza rinomhanya kwazvo pakurwa.
6我留心聽,但他們都不說真實的話。沒有人為自己的惡行後悔,說:“我究竟作了甚麼?”他們各人繼續走自己偏差的路,像戰馬直衝入戰場。
7Zvirokwazvo, zimudo, riri kudenga, rinoziva nguva dzaro dzakatarwa, nenjiva nenyenganyenga nekondo dzinorangarira nguva yokuuya kwadzo, asi vanhu vangu havazivi murayiro waJehovha.
7連空中的鸛鳥也知道自己來去的季候;斑鳩、燕子和白鶴也謹守遷移的時令;我的子民卻不曉得耶和華的法則。
8Munoreva seiko, muchiti, Takachenjera, murayiro waJehovha tinawo? Asi tarirai, peni yenhema yavanyori inonyengera.
8你們怎可以說:“我們是智慧人,我們有耶和華的律法”呢?事實上,經學家虛假的筆已把律法變成謊言了。
9Vanhu vakachenjera vakanyadziswa, vakavhunduka nokubatwa; tarirai, vakaramba shoko raJehovha, zvino vane njere dzakadiniko?
9智慧人必蒙羞,驚惶失措。看哪!他們棄絕了耶和華的話,他們還有甚麼智慧呢?
10Naizvozvo ndichapa vamwe vakadzi vavo, neminda yavo ndichaipa vamwe vachaiita yavo; nekuti mumwe nomumwe wavo, kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru, mumwe nomumwe unokarira fuma; kubva kuvaporofita kusvikira kuvapristi mumwe nomumwe unoita nokunyengera.
10因此,我必把他們的妻子給別人,把他們的田地給別的主人,因為他們從最小的到最大的,個個都貪圖不義之財;從先知到祭司,全都行事詭詐。
11Vakangopodza vanga romukunda wavanhu vangu zvishoma, vachiti, Rugare, rugare! Izvo hakuna rugare.
11他們草率地醫治我子民(“我子民”原文作“我子民的女子”)的損傷,說:“平安了!平安了!”其實沒有平安。’
12Ko vakanyadziswa nguva yavakaita zvinonyangadza here? Kwete, havana kutongonyara, vakakoniwa kucheneruka; naizvozvo vachawa pakati pavanowa; panguva yokurohwa kwavo vachagumburwa ndizvo zvinotaura Jehovha.
12耶和華說:‘他們行了可憎的事,本應覺得羞愧,可是他們一點羞愧都沒有,恬不知恥。因此他們必仆倒在倒下的人中間;我懲罰他們的時候,他們必倒下來。
13Ndichavapedza chose, ndizvo zvinotaura Jehovha; Hakungavi namazambiringa pamuzambiringa, kana maonde pamuonde, namashizha achaoma ndakaraira vachavakukura.
13我要徹底除掉他們的莊稼;葡萄樹上必沒有葡萄,無花果樹上必沒有無花果,葉子也必枯乾。我賜給他們的,都離開他們過去了。’”這是耶和華的宣告。
14Tinogarireiko pasi? Unganai, tipinde mumaguta akakomberedzwa, tifirepo; nekuti Jehovha Mwari wedu wakatiuraya, akatipa mvura inouraya kuti tiimwe; nekuti takatadzira Jehovha.
14我們為甚麼坐著不動呢?你們要集合起來,我們要進入堅固的城裡去,在那裡滅亡吧!因為耶和華我們的 神要我們滅亡,又把毒水給我們喝,因我們得罪了耶和華。
15Takanga takatarira rugare, asi hakuna chakanaka chakasvika; takanga takatarira nguva yokuporeswa, asi tarirai, takavhunduswa.
15我們期待平安,卻得不到好處;期待得醫治的時候,不料,只有驚慌。
16Kufembedza kwamabhiza ake kwakanzwika achiri paDhani; nyika yose yakadedera nenzwi rokurira kwaane simba ake; nekuti asvika, apedza nyika nezvose zvirimo, neguta navose vageremo.
16從但那裡聽見敵人戰馬的噴氣聲,全地因聽見壯馬的嘶鳴聲震動。他們來是要吞滅土地和地上所有的,要吞滅城和城中的居民。
17nekuti tarirai, ndichatuma pakati penyu nyoka nemvumbi, dzicharamba kuroyiwa; dzichakurumai, ndizvo zvinotaura Jehovha.
17“看哪!我要打發毒蛇到你們中間,是沒有法術能制伏的,牠們必咬你們。”這是耶和華的宣告。
18Haiwa, dai ndaigona hangu kuzvinyaradza pakuchema kwangu ! moyo wangu waziya mukati mangu.
18我的愁苦無法醫治(本句按照《馬索拉抄本》意思難確定;現參照《七十士譯本》翻譯),我的心在我裡面悲痛欲絕。
19Inzwai, inzwi rokuchema komukunda wavanhu vangu, rinobva kunyika iri kure-kure, richiti, Ko Jehovha haazi muZiyoni here? Mambo waro haazi mukati maro here? Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo zvakavezwa, nezvavatorwa zvisina maturo?
19聽啊!我同胞(“同胞”原文作“人民的女子”)的呼救聲,從遙遠之地傳來:“耶和華不在錫安嗎?錫安的王不在其中嗎?”“他們為甚麼以自己雕刻的偶像,和列國虛無的偶像,來惹我發怒呢?”
20kukohwa kwapera, zhizha rapfuura, asi tigere kuponeswa.
20“收割期已過,夏天也結束;但我們仍未獲救。”
21ini ndinokuvadzwa nokuda kokukuvadzwa komukunda wavanhu vangu; ndinochema, ndabatwa nokuvhunduswa.
21因著我的同胞(“同胞”原文作“人民的女子”)被壓碎,我的心破碎了;我悲傷痛哭,驚慌抓住了我。
22Ko hakuna muti webharisami muGiriyadhi here? Hakune n'angako here? nekuti mukunda wavanhu vangu wakagoregerei kupodzwa?
22難道基列沒有乳香嗎?難道那裡沒有醫生嗎?我的同胞(“同胞”原文作“人民的女子”)為甚麼總不痊愈呢?