1Mweya wangu wapera, mazuva angu adzima, Hwiro hunondimirira.
1再陳他的痛苦“我的氣息將斷,我的日子快盡,墳墓已為我預備好了。
2Zvirokwazvo, vanondiseka vaneni; Ziso rangu rinoramba richiona kutsamwa kwavo.
2真有嘲笑人的在我這裡,我的眼看著他們的悖逆。
3Zvino ndipikirei, muve rubatso rwangu kwamuri; Ndianiko achabatana maoko neni?
3願你給我保證,親自為我作保;除你以外有誰肯與我擊掌作保呢?
4nekuti makavanzira moyo yavo kunzwisisa; Naizvozvo hamungavakudzi.
4你蒙蔽了他們的心,不讓他們明白;因此你必不高舉他們。
5Iye, anokwirira shamwari dzake kuti dzitapwe, Meso avana vake achapera.
5為分產業而控告朋友的,他子孫的眼睛也要昏花。
6Iye akandiita shumo pakati pavanhu; Ndinosemwa pachena.
6他使我成為民眾的笑柄,人人都吐唾沫在我的臉上。
7Ziso rangu harichaoni nemhaka yokuchema, Mitezo yangu yose yafanana nomumvuri.
7我的眼睛因憂愁而昏花,我的身體瘦骨如柴。
8Vanhu vakarurama vachakanuka nazvo, Asine mhaka achamukira vasingadi Mwari.
8正直人必因此驚訝,要被激發起來,攻擊不敬虔的人。
9Kunyange zvakadaro wakarurama acharambira panzira yake, Uye ana maoko akanaka acharamba achisimba.
9義人必堅守自己的道路,手潔的人要力上加力。
10Asi imwi mose dzokai, muuye zvino; nekuti handingawani munhu akangwara pakati penyu.
10然而你們眾人,可以再來,在你們中間我找不到一個有智慧的人。
11Mazuva angu apfuura, zvandaivavarira zvakona, Iyo mifungo yomoyo wangu.
11等候死亡來臨我的日子已過,我的謀算和我心中所想的都已粉碎。
12Vanoisa rima pachinambo chechiedza; chiedza chiri pedo pamberi perima.
12他們把黑夜變為白晝,因為黑暗的緣故,他們就說:‘光明臨近了。’
13Kana ndine tariro, Sheori ndiyo imba yangu; Ndakawadza nhovo yangu murima;
13我若等待陰間作我的家,在黑暗中鋪張我的床榻;
14Ndakati kuhwiro, Ndiwe baba vangu; Nokuhonye, Ndiwe mai vangu nehanzvadzi yangu;
14我若對深坑說:‘你是我的父親’,對蟲說:‘你是我的母親,我的姊妹’,
15Zvino tariro yangu iripiko? Kana iri tariro yangu, ndianiko angaiona?
15那麼,我的指望在哪裡呢?我的指望誰能看得見呢?
16Ichaburukira kumazariro eSheori, Kana zororo yavapo paguruva.
16等到安息在塵土中的時候,那些指望必下到陰間的門閂那裡。”