Shona

聖經新譯本

Job

40

1Zvino Jehovha akapfuura kupindura Jobho, akati,
1約伯在 神面前謙卑自己耶和華又對約伯說:
2Ko munhu, anokakavara, angaita nharo nowaMasimbaose here? Anoita nharo naMwari ngaapindure.
2“挑剔是非的,怎能與全能者爭辯呢?責備 神的,回答這個問題吧。”
3Ipapo Jobho akapindura Jehovha, akati
3於是約伯回答耶和華說:
4Tarirai, ndakaderera; ndingakupindurai here? Ndinofumbira muromo wangu.
4“我是微小的,可以回答你甚麼呢?我只好用手掩口。
5Ndakataura kamwe, asi handingapindurizve; Zvirokwazvo kaviri, asi handingapamhidzizve.
5這說了一次,不再回答;說了二次就不再說。”
6Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari muchamupupuri, akati,
6耶和華再教訓約伯於是耶和華從旋風中回答約伯說:
7Chizvisunga chiuno chako zvino somurume; Ndichakubvunzisisa, iwe undipindure.
7“你要如勇士束腰,我要問你,你要告訴我。
8Ko iwe unoda kukanganisa kutonga kwangu, Unoda kundipa mhosva, kuti iwe ururamiswe here?
8你怎能廢棄我所審斷的?怎能定我為有罪,好顯出你自己為義呢?
9Iwe unoruoko rwakafanana norwaMwari here? Iwe ungatinhira nenzwi rakafanana nerake here?
9你有 神那樣的膀臂嗎?你能用他那樣的聲音打雷嗎?
10Chizvishongedza zvino noukuru nokukudzwa; Ufukidze nokurumbidzwa noumambo.
10你當以莊嚴與尊貴為裝飾,以尊榮與威嚴為衣服。
11Durura hasha dzako dzinopfachuka; Utarire mumwe nomumwe anozvikudza, umuninipise.
11要倒盡你忿激的怒氣,觀看所有驕傲的人,使他們降卑。
12Tarira mumwe nomumwe anozvikudza, umuderedze. Tsika pasi vakaipa ipapo pavamire.
12觀看所有驕傲的人,把他制伏,把惡人踐踏在他們的地方,
13Uvavige pamwechete paguruva; Sunga zviso zvavo pakavanda.
13把他們一起掩藏在塵土裡,把他們本人捆綁在隱密處。
14Ipapo ndichareurura kwauri, Ndichiti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa.
14這樣,我就要向你承認,你的右手能拯救你。
15Tarira zvino mvuu, yandakaita pamwechete newe; Inodya uswa senzombe.
15 神創造河馬你看看河馬吧,我造牠像造你一樣,牠吃草如牛一般。
16Tarira zvino simba rayo riri muchiuno chayo; Kusimba kwayo kuri pamakakava edumbu rayo.
16你看,牠的力量在腰間,牠的能力在肚腹的肌肉上,
17Inotsvikidza muswe wayo somusidhari; Marunda ezvitumbi zvayo akarukwa-rukwa.
17牠挺直尾巴硬如香柏樹,牠大腿的筋糾結在一起,
18mafupa ayo akafanana nendarira ine mhango; Mbabvu dzayo dzakafanana namazariro amatare.
18牠的骨頭仿佛銅管,牠的骨幹好像鐵棍。
19Ndiyo huru pamabasa aMwari; Iye, akaiita, akaipa munondo wayo.
19牠在 神所造的事工中居首,只有創造牠的能使刀劍臨到牠身上。
20Zvirokwazvo, makomo anoivigira zvokudya zvayo; Ipapo panotamba mhuka dzose dzesango.
20群山為牠生出食物,田野的百獸都在那裡玩耍。
21Inovata pasi pemiti yemirotusi, Pamumvuri wetsanga napamurove.
21牠躺在蓮葉之下,躺在蘆葦叢中與泥澤之間;
22Miti yemirotusi inoifukidza nomumvuri wayo; Mikondachando yomurukova inoipoteredza.
22蓮葉的陰影遮蔽牠,溪旁的白楊樹環繞牠。
23Tarira, kana rwizi rukafema nokunze, haidederi; Haityi, kunyange Joridhani rukazara kusvikira pamuromo wayo.
23江河氾濫,牠毫不慌張,約旦河的水漲到牠的口邊,牠還是安然。
24Ko munhu ungaibata kana yakarindira here, Kana kuurura mhino dzayo norwauro here?
24牠警覺的時候誰能捉拿牠?誰能用鐵圈穿牠的鼻子呢?”