1Moyo wenyu ngaurege kutambudzika; imwi munotenda kuna Mwari, tendaiwo kwandiri.
1耶穌是道路真理生命“你們心裡不要難過,你們應當信 神,也應當信我。
2Mumusha maBaba vangu mune dzimba zhinji; dai zvisina kudaro, ndingadai ndakakuudzai. Ndinoenda kunokugadzirirai nzvimbo.
2在我父的家裡,有許多住的地方;如果沒有,我怎麼會告訴你們我去是要為你們預備地方呢?(下半節或譯:“如果沒有,我早就對你們說了,因為我去是為你們預備地方。”)
3Zvino kana ndikaenda ndikanokugadzirirai nzvimbo, ndichauyazve ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo ini pandiri, imwi muvepowo.
3我若去為你們預備地方,就必再來接你們到我那裡去,好使我在哪裡,你們也在哪裡。
4Uye ini pandinoenda munoziva, nenzira munoziva.
4我去的地方,你們知道那條路。”
5Tomasi akati kwaari: Ishe, hatizivi kwamunoenda; ko tinogona kuziva sei nzira?
5多馬說:“主啊,我們不知道你去的地方,怎能知道那條路呢?”
6Jesu akati kwaari: Ini ndiri nzira, nechokwadi, neupenyu; hapana unouya kuna Baba, asi nekwandiri.
6耶穌對他說:“我就是道路、真理、生命,如果不是藉著我,沒有人能到父那裡去。
7Dai maindiziva, maiziva Baba vanguwo; uye kubva ikozvino munovaziva, uye makavaona.
7如果你們認識我,就必認識我的父;從今以後,你們認識他,並且看見了他。”
8Firipi akati kwaari: Ishe, tiratidzei Baba, uye zvakatikwanira.
8腓力說:“主啊,請把父顯示給我們,我們就滿足了。”
9Jesu akati kwaari: Ndava nemwi nguva refu yakadai, hausati wandiziva here, Firipi? Waona ini, waona Baba; zvino unoreva sei uchiti: Tiratidzei Baba?
9耶穌說:“腓力,我跟你們在一起這麼久了,你還不認識我嗎?那看見了我的就是看見了父,你怎麼還說‘把父顯示給我們’呢?
10Hautendi here kuti ini ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri ini, handiatauri pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa.
10你不信我是在父裡面,父是在我裡面嗎?我對你們說的話,不是憑著自己說的,而是住在我裡面的父作他自己的事。
11Nditendei kuti ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri; kana zvisakadaro nditendei nekuda kwemabasa omene.
11你們應當信我是在父裡面,父是在我裡面;不然,也要因我所作的而相信。
12Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri, mabasa ini andinoita iye uchaaitawo, uye makuru kune awa uchaaita; nekuti ini ndinoenda kuna Baba vangu.
12我實實在在告訴你們,我所作的事,信我的人也要作,並且要作比這些更大的,因為我往父那裡去。
13Uye chero chipi chamunokumbira muzita rangu, icho ndichachiita, kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana.
13你們奉我的名無論求甚麼,我必定成全,使父在子的身上得著榮耀。
14Kana muchikumbira chero chipi muzita rangu, ini ndichachiita.
14你們若奉我的名向我求甚麼,我必定成全。
15Kana muchindida, chengetai mirairo yangu.
15耶穌求父賜下保惠師“如果你們愛我,就要遵守我的命令。
16Neni ndichakumbira Baba, naivo vachakupai umwe Munyaradzi, kuti agare nemwi nekusingaperi,
16我要請求父,他就會賜給你們另一位保惠師,使他跟你們永遠在一起。
17Mweya wechokwadi, iyo nyika yausingagoni kugamuchira, nekuti haimuoni, kana kumuziva. Asi imwi munomuziva, nekuti ugere nemwi, uchava mukati menyu.
17這保惠師就是真理的靈,世人不能接受他,因為看不見他,也不認識他。你們卻認識他,因為他跟你們住在一起,也要在你們裡面。
18Handingakusii muri nherera; ndichauya kwamuri.
18我不會撇下你們為孤兒,我要回到你們這裡來。
19Kuchine chinguvana, nenyika haichazondioni; asi imwi muchandiona; nekuti ndinorarama, imwiwo muchararama.
19不久以後,世人不再看見我,你們卻要看見我,因為我活著,你們也要活著。
20Nezuva iro imwi muchaziva kuti ndiri muna Baba vangu, nemwi mandiri, neni mamuri.
20到那日,你們就知道我是在我父裡面,你們是在我裡面,我也在你們裡面。
21Une mirairo yangu achiichengeta, ndiye unondida; uye unondida uchadikamwa naBaba vangu; neni ndichamuda, uye ndichazviratidza kwaari.
21那領受我的命令,並且遵守的,就是愛我的;愛我的,我父必定愛他,我也要愛他,並且要親自向他顯現。”
22Judhasi, kwete Isikariyoti, akati kwaari: Ishe, chii kuti munozozviratidza kwatiri, asi kwete kunyika?
22猶大(不是加略人猶大)對耶穌說:“主啊,你為甚麼要親自向我們顯現,不向世人顯現呢?”
23Jesu akapindura akati kwaari: Kana munhu achindida, uchachengeta shoko rangu, naBaba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari, tikaita ugaro naye.
23耶穌回答:“人若愛我,就要遵守我的話,我父必定愛他,並且我們要到他那裡去,跟他住在一起。
24Usingandidi, haachengeti mashoko angu; neshoko ramunonzwa harizi rangu, asi raBaba vakandituma.
24不愛我的,就不會遵守我的話。你們所聽見的道,不是我的,而是那差我來的父的道。
25Zvinhu izvozvi ndazvitaura kwamuri ndigere nemwi.
25“我還跟你們在一起的時候,就對你們講了這些事。
26Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, iwo Baba wavachatuma muzita rangu, iye uchakudzidzisai zvinhu zvose, uye akuyeudzirei zvose zvandakataura kwamuri.
26但保惠師,就是父因我的名要差來的聖靈,他要把一切事教導你們,也要使你們想起我對你們所說過的一切話。
27Rugare ndinosiya kwamuri; rugare rwangu ndinopa kwamuri; kwete nyika sezvainopa, ini ndinopa kwamuri. Moyo yenyu ngairege kutambudzika, kana kutya.
27我留下平安給你們,我把自己的平安賜給你們;我給你們的,不像世界所給的。你們心裡不要難過,也不要恐懼。
28Manzwa kuti ini ndati kwamuri: Ndinoenda, uye ndichauya kwamuri. Kana maindida, maifara, nekuti ndati: Ndinoenda kuna Baba; nekuti Baba vangu vakuru kwandiri.
28你們聽見我對你們說過:‘我去,但還要回到你們這裡來。’你們若愛我,就要喜樂,因為我到父那裡去,又因為父是比我大的。
29Uye ikozvino ndakuudzai zvisati zvaitika; kuti kana zvoitika mutende.
29現在事情還沒有發生,我就已經告訴你們,使你們在事情發生的時候可以相信。
30Handichazotaurizve zvizhinji nemwi; nekuti mutongi wenyika ino unouya, asi haana chinhu kwandiri;
30我不會再跟你們講很多的事,因為這世界的統治者將到;他在我身上毫無作用,
31asi kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, uye Baba sezvavakandiraira, ndinoita saizvozvo. Simukai, ngatibve pano.
31但這些事是要使世人知道我愛父,並且知道父怎樣吩咐了我,我就怎樣作。起來,我們走吧!”