1Zvino newekutanga wevhiki Maria Magidharini wakasvika mangwanani-ngwanani paguva, kuchakasviba, akaona ibwe rabviswa kubva paguva.
1耶穌復活(太28:1~8;可16:1~8;路24:1~10)禮拜日清早,天還沒有亮的時候,抹大拉的馬利亞來到墓旁,看見石頭已經從墳墓移開了。
2Naizvozvo wakamhanya akauya kuna Simoni Petro nekune umwe mudzidzi Jesu waaida, ndokuti kwavari: Vabvisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuradzika.
2她就跑去見西門.彼得,和耶穌所愛的那個門徒,對他們說:“有人把主從墳墓裡搬走了,我們不知道他們把他放在哪裡。”
3Zvino Petro akabuda neumwe mudzidzi, vakasvika kuguva.
3彼得和那門徒就動身,到墳墓那裡去。
4Zvino vakamhanya vari vaviri pamwechete; zvino umwe mudzidzi akamhanya kusiya Petro, akatanga kusvika paguva.
4兩個人一齊跑,那門徒比彼得跑得快,先到了墳墓,
5Zvino akotama achidongorera, wakaona micheka yerineni yakawaridzwa, asi haana kupinda.
5屈身向裡面觀看,看見細麻布還在那裡,但他卻沒有進去。
6Zvino Simoni Petro akasvika achimutevera, akapinda muguva, akaona micheka yerineni yakawaridzwa,
6西門.彼得隨後也到了;他進入墳墓,看見細麻布還放在那裡,
7nemucheka wekumeso wakange uri mumusoro make, usina kuwaridzwa nemicheka yerineni, asi wakapetwa uri pane imwe nzvimbo woga.
7也看見耶穌的裹頭巾,沒有和細麻布放在一起,而是捲著放在一邊。
8Naizvozvo ipapo umwe mudzidzi wakatanga kusvika paguva akapindawo, akaona, akatenda;
8那時,先到墳墓的那門徒也進去,他看見,就信了。
9nekuti vakange vachigere kunzwisisisa rugwaro, kuti unofanira kumuka kuvakafa.
9他們還不明白經上所說“他必須從死人中復活”這句話的意思。
10Naizvozvo vadzidzi vakabva vakaendazve kwavo.
10於是兩個門徒就回家去了。
11Asi Maria wakamira kunze paguva achichema; zvino wakati achichema akakotama akadongorera muguva,
11向抹大拉的馬利亞顯現(太28:9~10;可16:9~11)馬利亞站在墳墓外面哭泣。她哭的時候,屈身往裡面觀看,
12akaona vatumwa vaviri vane nguvo chena vagere, umwe kumusoro, neumwe kumakumbo, ipapo pakambenge parere mutumbi waJesu.
12看見兩個身穿白衣的天使,坐在安放耶穌身體的地方,一個在頭那邊,一個在腳那邊。
13Ivo ndokuti kwaari: Mukadzi, unochemei? Akati kwavari: Nekuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuradzika.
13天使問她:“婦人,你為甚麼哭?”她說:“有人把我的主搬走了,我不知道他們把他放在哪裡。”
14Zvino wakati areva zvinhu izvi akatendeukira kumashure, akaona Jesu amire, asi haana kuziva kuti ndiJesu.
14馬利亞說了這話,就轉過身來,看見耶穌站在那裡,卻不知道他就是耶穌。
15Jesu akati kwaari: Mukadzi, unochemei? Unotsvaka ani? Iye achifunga kuti ndiye murimi wemunda, akati kwaari: Ishe, kana imwi mamubvisa, ndiudzei pamamuradzika, uye ini ndichanomutora.
15耶穌對她說:“婦人,你為甚麼哭?你找誰呢?”馬利亞以為耶穌是園丁,就對他說:“先生,如果是你把他挪去了,請告訴我你把他放在甚麼地方,我好去搬回來。”
16Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendeuka akati kwaari: Rabhoni! ndiko kuti: Mudzidzisi.
16耶穌對她說:“馬利亞!”她轉過身來,用希伯來話對他說:“拉波尼!”(就是“老師”的意思。)
17Jesu akati kwaari: Usandibata, nekuti ndichigere kukwira kuna Baba vangu; asi enda kuvanin'ina vangu, uti kwavari: Ndinokwira kuna Baba vangu naBaba venyu, naMwari wangu naMwari wenyu.
17耶穌說:“你不要拉住我,因為我還沒有上去見父。你要到我的弟兄們那裡去,告訴他們我要上去見我的父,也是你們的父;見我的 神,也是你們的 神。”
18Maria Magidharini akauya ndokuudza vadzidzi kuti waona Ishe, uye wamuudza zvinhu izvi.
18抹大拉的馬利亞就去,向門徒報信說:“我已經看見主了!”她又把主對她所說的話告訴他們。
19Zvino ava madekwana nezuva iroro rekutanga revhiki, mikova yapfigwa pakange pakaungana vadzidzi nekutya vaJudha, Jesu akauya akamira pakati, akati kwavari: Rugare kwamuri.
19向門徒顯現(太28:16~20;可16:14~18;路24:36~49)禮拜日黃昏的時候,門徒聚在一起,因為怕猶太人,就把門戶都關上。耶穌來了,站在他們中間,說:“願你們平安。”
20Zvino wakati ataura izvi akavaratidza zvanza nerutivi rwake. Naizvozvo vadzidzi vakafara vachiona Ishe.
20說了這話,就把手和肋旁給他們看。門徒看見主,就歡喜了。
21Naizvozvo Jesu akatizve kwavari: Rugare kwamuri; Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumai.
21耶穌又對他們說:“願你們平安。父怎樣差遣了我,我也怎樣差遣你們。”
22Zvino wakati areva izvi akafuridzira kwavari, ndokuti kwavari: Gamuchirai Mweya Mutsvene.
22說了這話,就向他們吹一口氣,說:“你們領受聖靈吧!
23Vose vamunokangamwira zvivi, vazvikangamwirwa; vose vamunobata zvavo zvabatwa.
23你們赦免誰的罪,誰的罪就得赦免;你們不赦免誰的罪,誰的罪就不得赦免。”
24Asi Tomasi, umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Dhidhimo, wakange asipo navo Jesu paakauya.
24耶穌向疑惑的多馬顯現十二個門徒中,有一個稱為“雙生子”的多馬。耶穌來的時候,他沒有和門徒在一起。
25Naizvozvo vamwe vadzidzi vakati kwaari: Taona Ishe. Asi iye wakati kwavari: Kana ndisingaoni vanga rembambo muzvanza zvake, nekuisa mumwe wangu muvanga rembambo, nekuisa ruoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi.
25其他的門徒對他說:“我們已經見過主了。”多馬對他們說:“除非我親眼看見他手上的釘痕,用我的指頭探入那釘痕,又用我的手探入他的肋旁,我決不相信。”
26Zvino mushure memazuva masere vadzidzi vake vakange vari mukatizve, naTomasi anavo. Jesu akauya, mikova yakapfigwa, ndokumira pakati akati: Rugare kwamuri.
26過了八天,門徒又在屋子裡,多馬也和他們在一起。門戶都關上了。耶穌來了,站在他們中間,說:“願你們平安。”
27Ipapo akati kuna Tomasi: Uyisa mumwe wako pano uone zvanza zangu; uuyise ruoko rwako uise murutivi rwangu, usava usina rutendo, asi unotenda.
27然後對多馬說:“把你的指頭放在這裡,看看我的手吧!伸出你的手來,探探我的肋旁!不要疑惑,只要信!”
28Zvino Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe wangu naMwari wangu!
28多馬對他說:“我的主!我的 神!”
29Jesu akati kwaari: Nekuti wandiona, Tomasi, watenda; vakaropafadzwa vasina kuona asi vatenda.
29耶穌說:“你因為看見我才信嗎?那些沒有看見就信的人,是有福的。”
30Zvino zvirokwazvo Jesu wakaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pevadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iri.
30本書是要人信耶穌得生命耶穌在門徒面前還行了許多別的神蹟,沒有記在這書上。
31Asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiKristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti muchitenda muve neupenyu muzita rake.
31但把這些事記下來,是要你們信耶穌是基督,是 神的兒子,並且使你們信了,可以因他的名得生命。