Shona

聖經新譯本

Jonah

3

1Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Jona, richiti,
1約拿遵命耶和華的話再次臨到約拿,說:
2Simuka, uende Ninivhe, riya guta guru, undoriparidzira zvandichakuraira kuti uparidze.
2“起來!到尼尼微大城去,向其中的居民宣告我所吩咐你的話。”
3Ipapo Jona akasimuka, akaenda Ninivhe, sezvaakarairwa neshoko raJehovha. Zvino Ninivhe raiva guta guru-guru, rwendo rwamazuva matatu kupfuura nomo.
3約拿就動身,照耶和華的話往尼尼微去了,這尼尼微是一座極大的城(“是一座極大的城”或譯:“在 神面前是一座大城”),要三天才能走完。
4Jona akatanga kupinda muguta, achifamba rwendo rwezuva rimwe, akadana, achiti, Kwasara mazuva makumi mana, ipapo Ninivhe richaparadzwa.
4尼尼微人悔改得救約拿進城,走了一天,就宣告說:“再過四十天,尼尼微就要毀滅了。”
5Vanhu veNinivhe vakatenda Mwari, vakatara nguva yokutsanya, vakafuka masaga, kubva kuvakuru pakati pavo kusvikira kuvaduku pakati pavo.
5尼尼微人信了(“信了”或譯:“信服”) 神,就宣告禁食,從大到小,都穿上麻衣。
6Shoko rikasvika kuna mambo weNinivhe, akasimuka pachigaro chake choushe, akabvisa nguvo yake, akafuka saga, nokugara mumadota.
6這事傳到尼尼微王那裡,他就起來,離開寶座,脫去王袍,披上麻衣,坐在爐灰中。
7Akaraira, akaparidza muNinivhe rose chirevo chamambo nechavakuru vake achiti, Vanhu kana zvipfuwo, kana mombe kana makwai, ngazvirege kutongoravira chinhu, ngazvirege kufura kana kumwa mvura;
7他又傳諭全尼尼微,說:“王和大臣有令:‘人、畜、牛、羊,都不准嘗甚麼,不准吃,也不准喝。
8asi vanhu nezvipfuwo ngazvifukidzwe masaga, ngavadane kuna Mwari nesimba; ngavatendeuke mumwe nomumwe panzira yake yakaipa napakuita nesimba namaoko ake.
8不論人畜,都要披上麻衣;各人要懇切呼求 神,悔改,離開惡行,摒棄手中的強暴。
9Ndianiko angaziva, zvimwe Mwari ungadzoka akazvidemba, akadzoka pakutsamwa kwake kukuru, tikarega kuparadzwa?
9或者 神回心轉意,不發烈怒,使我們不致滅亡。’”
10Mwari akaona zvavakaita, kuti vakatendeuka panzira yavo yakaipa, Mwari akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakati ndichavaitira; akasazviita.
10 神看見他們所作的,就是悔改離開惡行, 神就轉意,不把所說的災禍降在他們身上了。