1Zvino Joshua akadana vaRubheni navaGadhi nehafu yorudzi rwaManase,
1兩個半支派返回河東那時,約書亞把流本人、迦得人和瑪拿西半個支派的人召了來,
2akati kwavari, Makaita zvose zvamakarairwa naMozisi muranda waJehovha, nokuteererawo inzwi rangu pazvose zvandakakurairai;
2對他們說:“耶和華的僕人摩西吩咐你們的一切,你們都遵守了;我吩咐你們的一切,你們也都聽從了。
3hamuna kusiya hama dzenyu mazuva awa mazhinji kusvikira nhasi, asi makaita chirevo chamakarairwa naJehovha Mwari wenyu.
3這許多日子以來,你們一直沒有撇棄你們的兄弟,直到今日;耶和華你們的 神吩咐你們的命令,你們也遵守了。
4Zvino Jehovha Mwari wenyu wakazorodza hama yenyu, sezvaakataura kwavari; naizvozvo zvino dzokai, muende kumatende enyu, kunyika yenyu yamakapiwa naMozisi muranda waJehovha, mhiri kwaJoridhani.
4現在耶和華你們的 神,照著他應許的,已經使你們兄弟得享平安;現在你們可以返回自己家裡,回到耶和華的僕人摩西在約旦河東賜給你們作產業的地方去。
5Asi chenjerai kwazvo kuti muite mirau nemirairo yamakarairwa naMozisi muranda waJehovha, kuti mude Jehovha Mwari wenyu, nokufamba munzira dzake dzose, nokuchengeta mirairo yake, nokumunamatira, nokumushumira nemoyo yenyu yose uye nemweya yenyu yose.
5只是你們要謹慎遵守耶和華的僕人摩西吩咐你們的誡命和律法,愛耶和華你們的 神,遵行他的一切道路,謹守他的誡命,緊緊倚靠他,一心一意事奉他。”
6Zvino Joshua akavaropafadza, akavaendesa; vakaenda kumatende avo.
6於是約書亞給他們祝福,打發他們回去,他們就回自己的家裡去了。
7Zvino Mozisi wakange apa imwe hafu yorudzi rwaManase nhaka yavo muBhashani; asi imwe hafu yorudzi yakapiwa nhaka yayo naJoshua, pamwechete nehama dzavo, mhiri kwaJoridhani kumavirazuva. Zvino Joshua akavaropafadzawo pakuvaendisa kwake kumatende avo.
7摩西在巴珊已經把產業分給了瑪拿西半個支派;至於另外半個支派,約書亞在約旦河西他們的兄弟中間,也把產業分給了他們。約書亞打發他們回家去的時候,給他們祝福,
8Akataura navo, akati, Dzokerai kumatende enyu mune fuma zhinji nemombe zhinji kwazvo, nesirivha, nendarama nendarira, namatare, nenguvo zhinji, mugovane nehama dzenyu zvamakapamba kuvavengi venyu.
8對他們說:“你們帶著許多財物,許多牲畜和金、銀、銅、鐵,以及許多衣服,回自己的家去吧;也要把你們從仇敵奪得的戰利品與你們的兄弟同分。”
9Zvino vana vaRubheni navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase vakadzoka, vakaparadzana navana vaIsiraeri paShiro munyika yeKanani, vakaenda kunyika yeGiriyadhi, kunyika yavakanga vapiwa kuti ive yavo, sezvakanga zvataurwa nomurayiro waJehovha nomuromo waMozisi.
9於是流本人、迦得人和瑪拿西半個支派的人,從迦南地的示羅起程,離開以色列人,回到他們所得的產業基列地去,就是照著耶和華藉著摩西所吩咐,賜給他們的產業。
10Zvino vakati vasvika panyika yapaJoridhani, munyika yeKanani, vana vaRubheni navana vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vakavaka aritari paJoridhani, aritari huru kana ichionekwa.
10兩個半支派在河畔築壇流本人、迦得人和瑪拿西半個支派的人,來到迦南地靠近約旦河的地區,就在約旦河邊那裡築了一座祭壇,那壇十分壯觀。
11Zvino vana vaIsiraeri vakanzwa, zvichinzi, Tarirai, vana vaRubheni navana vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vavaka aritari pakaritarisana neKanani, panyika yapaJoridhani, kurutivi rwavana vaIsiraeri.
11以色列人聽見了這事,就說:“看哪,流本人、迦得人和瑪拿西半個支派的人,在迦南地邊境,靠近約旦河的地區,以色列人境內,築了一座壇。”
12Zvino vana vaIsiraeri vakati vachinzwa izvozvo, ungano yose yavana vaIsiraeri vakaungana paShiro, kuti vaende kundorwa navo.
12以色列人聽見了這事,以色列全體會眾就聚集在示羅,要上去討伐他們。
13Ipapo vana vaIsiraeri vakatuma Pinehasi, mwanakomana womupristi Ereazari, kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi nokuhafu yorudzi rwaManase, panyika yeGiriyadhi,
13其他支派產生疑惑以色列人派以利亞撒祭司的兒子非尼哈,到基列地去見流本人、迦得人和瑪拿西半個支派的人;
14iye namachinda ane gumi naye, muchinda mumwe weimba imwe neimwe yamadzibaba pakati pamarudzi avaIsiraeri; mumwe nomumwe wavo wakange ari mukuru wedzimba dzamadzibaba avo pakati pezviuru zvavaIsiraeri.
14又派十個首領與非尼哈同去,每一個都代表以色列的支派家族;他們是全體以色列各家族的領袖。
15Ivo vakasvika kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi, nokuhafu yorudzi rwaManase, kunyika yeGiriyadhi,vakataura navo, vakati,
15他們去到基列地,流本人、迦得人和瑪拿西半個支派的人那裡,對他們說:
16Zvanzi neungano yaJehovha, Kudarika uku kwamakadarikira Mwari waIsiraeri nako kwakadiniko, nekuti munotsauka nhasi pakutevera Jehovha, zvamakazvivakira aritari, kuti mumukire Jehovha nhasi?
16“耶和華的全體會眾這樣說:‘你們作的是甚麼事?竟對以色列的 神不忠,今日轉離不跟從耶和華,為自己築了一座壇,背叛了耶和華。
17Ko zvakaipa zvePeori zvigere kutiringana here, izvo zvatichigere kuzvinatsa pazviri kusvikira zuva ranhasi, kunyange hosha yakawira ungano yaJehovha,
17從前拜毗珥的罪孽,我們還以為是小事嗎?雖然有災疫臨到耶和華的會眾,直到今日我們還沒有洗淨這罪呢。
18zvamoda kutsauka nhasi pakutevera Jehovha? Zvino zvamakamukira Jehovha nhasi, mangwana uchatsamwira ungano yose yaIsiraeri.
18你們今日竟轉離不跟從耶和華嗎?今日你們既然背叛耶和華,明日他必向以色列全體會眾發怒了。
19Asi kana nyika yenyu isakanaka, yambukirai kunyika yaJehovha, pagere tabhenakeri yaJehovha, kuti mupiwe nhaka pakati pedu; asi regai kumukira Jehovha, kana kutimukira isu, pakuzvivakira imwe atari parutivi rweatari yaJehovha Mwari wedu.
19如果你們認為所得的地業不潔淨,你們可以過到耶和華的地業,就是耶和華的帳幕居住的地方,在我們中間得地業;只是不可背叛耶和華,也不可背叛我們,在耶和華我們的 神的壇以外,為自己築另一座壇。
20Ko Akani, mwanakomana waZera, haana kudarika pachinhu chakayereswa, kutsamwa kukawira ungano yose yaIsiraeri here? Munhu uyo akasafa ari oga pakutadza kwake.
20從前謝拉的曾孫亞干,不是在當毀滅的物上犯了不忠的罪,以致 神的忿怒臨到以色列全體會眾嗎?因他的罪孽而死的,還不只他一人呢!’”
21Ipapo vana vaRubheni, navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase vakapindura, vakati kuvakuru vezviuru vavaIsiraeri,
21釋疑於是流本人、迦得人和瑪拿西半個支派的人回答以色列的統領說:
22Mwari, iye Mwari Jehovha, Mwari, iye Mwari Jehovha, iye unoziva, navaIsiraeri vachaziva; kana takamukira Jehovha, kana kumudarikira (musatiponesa nhasi,)
22“大能者 神耶和華!大能者 神耶和華,他是知道的,願以色列也知道;如果我們存心背叛,或是對耶和華不忠,今日就不要放過我們。
23zvatakazvivakira atari, kuti titsauke tirege kutevera Jehovha; kana takazviita kuti tibayire pamusoro payo zvipiriso zvinopiswa, kana zvipiriso zvoupfu, kana kubayirapo zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, Jehovha amene ngaabvunzisise pamusoro pazvo;
23我們若是為自己築壇,轉離不跟從耶和華,或是把燔祭、素祭和平安祭獻在壇上,願耶和華親自追究我們。
24azive kana tisina kuita chinhu ichi nokuchenjera uye nokufunga, tichiti, Zvimwe panguva inouya vana venyu vachataura navana vedu, vachiti, imwi mune mhaka yeiko naJehovha Mwari waIsiraeri?
24我們作這事,實在是有理由的,因為顧慮將來你們的子孫對我們的子孫說:‘你們與耶和華以色列的 神有甚麼關係呢?
25Nekuti Jehovha wakaita Joridhani muganhu pakati pedu nemi, imwi vana vaRubheni navana vaGadhi; hamuna mugove kuna Jehovha; naizvozvo vana venyu vangaregesa vana vedu kutya Jehovha.
25流本人和迦得人啊,耶和華定了約旦河作我們和你們中間的疆界;你們與耶和華無分了。’這樣,你們的子孫就使我們的子孫不再敬畏耶和華了。
26Saka takati, Ngatizvigadzire, tizvivakire atari, isati iri yezvipiriso zvinopiswa, kana yokubayirapo;
26“因此我們說:‘我們築一座壇吧,不是為了獻燔祭,也不是為了獻別的祭,
27asi chive chapupu pakati pedu nemi, napakati pavana vedu vanotitevera, kuti tichaita basa raJehovha pamberi pake nezvipiriso zvedu zvinopiswa, nezvibayiro zvedu, nezvipiriso zvedu zvokuyananisa, kuti vana venyu varege kuzoti kuvana vedu panguva inouya, Hamuna mugove kuna Jehovha.
27而是為了在你們和我們中間,也在我們的後代中間作證據,使我們也可以在耶和華面前用燔祭、別的祭和平安祭事奉耶和華,免得你們的子孫將來對我們的子孫說:你們與耶和華無分了。’
28Naizvozvo takati, Kana vachizodaro kwatiri kana kuvana vedu panguva inouya, isu tichati, Tarirai muone mufananidzo weatari yaJehovha, yakaitwa namadzibaba edu, isati iri yezvipiriso zvinopiswa, kana yokubayirapo; asi chapupu pakati pedu nemi.
28因此我們說:‘將來有人對我們,或是對我們的後代這樣說,我們就可以回答:你們看我們列祖所築的壇,是耶和華的祭壇的模式,這並不是用來獻燔祭,也不是用來獻別的祭,而是在我們和你們中間作證據。’
29Mwari atibatsire, tirege kumukira Jehovha, nokutsauka nhasi pakutevera Jehovha, tichavaka atari yezvipiriso zvinopiswa neyezvipiriso zvoupfu, kana yokubayirapo, parutivi rweatari yaJehovha, Mwari wedu, iri pamberi petabhenakeri yake.
29我們決沒有背叛耶和華的意思,今日要轉離不跟從耶和華,在耶和華我們的 神的帳幕前的祭壇以外,另築一座壇,為了獻燔祭、素祭和別的祭。”
30Zvino Pinehasi mupristi, namachinda eungano, ivo vakuru vezviuru zvavaIsiraeri, vakanga vanaye, vakati vanzwa mashoko akataurwa navana vaRubheni, navana vaGadhi, navana vaManase, vakafara nazvo.
30彼此諒解非尼哈祭司和會眾的領袖,以及與祭司同來的以色列的統領,聽了流本人、迦得人和瑪拿西人說的話,都很滿意。
31Pinehasi, mwanakomana waEreazari mupristi, akati kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi, nokuvana vaManase, Nhasi tinoziva kuti Jehovha ari pakati pedu, nekuti hamuna kudarikira Jehovha pachinhu ichi; makarwira vana valsiraeri zvino paruoko rwaJehovha.
31以利亞撒祭司的兒子非尼哈對流本人、迦得人和瑪拿西人說:“今天我們知道耶和華是在我們中間的,因為你們並沒有對耶和華不忠;現在你們已經救了以色列人脫離耶和華的手。”
32Ipapo Pinehasi, mwanakomana waEreazari mupristi, namachinda vakabva kuvana vaRubheni navana vaGadhi, panyika yeGiriyadhi, vakadzokera kunyika yeKanani, kuvana vaIsiraeri, vakavadzosera shoko iro.
32以利亞撒祭司的兒子非尼哈和眾領袖離開了流本人和迦得人,從基列地回到迦南地以色列人那裡,把這事向他們報告。
33Zvino shoko iro rakafadza vana vaIsiraeri, vana vaIsiraeri vakakudza Mwari; havana kuzotaura kuti vachandorwa navo, kuti vaparadze nyika makanga mugere vana vaRubheni navana vaGadhi.
33以色列人對這事都很滿意,就稱頌 神,不再說要上去討伐流本人和迦得人,毀滅他們所住的地方了。
34Zvino vana vaRubheni navana vaGadhi vakatumidza atari iyo: Ndicho chapupu pakati pedu, kuti Jehovha ndiye Mwari.
34流本人和迦得人給那壇起名叫證壇,因為他們說:“這壇在我們中間證明耶和華是 神。”