Shona

聖經新譯本

Joshua

6

1Zvino guta reJeriko rakanga rapfigwa kwazvo nokuda kwavana vaIsiraeri; kwakanga kusina munhu waibuda kana kupinda.)
1圍繞耶利哥城耶利哥的城門因以色列人的緣故,就緊緊地關閉,沒有人出入。
2Zvino Jehovha akati kuna Joshua, Tarira, ndakapa mumaoko ako Jeriko, namambo waro, navarume varo vane simba noumhare.
2耶和華對約書亞說:“看,我已經把耶利哥和耶利哥的王,以及英勇的戰士,都交在你的手中了。
3Munofanira kukomba guta, imwi varume vose vehondo, mupoteredze guta kamwe chete. Unofanira kuita saizvozvo mazuva matanhatu.
3你們所有能作戰的男丁要圍繞這城,一天圍繞一次,六天都要這樣行;
4Vapristi vanomwe vanofanira kufamba pamberi peareka vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondobwe; nomusi wechinomwe munofanira kupoteredza guta kanomwe, vapristi vachiridza hwamanda.
4並派七個祭司拿著七個羊角,走在約櫃的前面;到第七天,你們要繞城七次,祭司也要吹角。
5Zvino kana voridzisa norunyanga rwegondobwe, kana imwi muchinzwa kurira kwehwamanda, ipapo vanhu vose vanofanira kudanidzira nokudanidzira kukuru; ipapo rusvingo rweguta ruchakoromoka chose, navanhu vanofanira kupinda, mumwe nomumwe ipapo pakaruramana naye.
5當羊角吹起長號,你們聽見角聲的時候,全體人民要大聲呼喊,那時城牆就必塌陷;你們各人要向前直衝。”
6Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, akadana vapristi, akati kwavari, Simudzai areka yesungano, vapristi vanomwe vafambe vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondobwe pamberi peareka yaJehovha.
6於是嫩的兒子約書亞把祭司召了來,對他們說:“你們要抬起約櫃;並派七個祭司拿著七個羊角,走在耶和華約櫃的前面。”
7Akati kuvanhu, Pfuurai, mupoteredze guta, varume vakashonga nhumbi dzokurwa vatungamirire areka yaJehovha.
7他又對人民說:“你們前去繞城吧,拿武器的人要走在耶和華約櫃的前面。”
8Zvino Joshua wakati ataura navanhu, vapristi vanomwe vakatungamira vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondobwe, vakaridza hwamanda, areka yesungano yaJehovha ikavatevera.
8約書亞吩咐人民以後,七個祭司拿著七個羊角,走在耶和華的前面,並且吹角,耶和華的約櫃在他們後面跟著走。
9Varume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakatungamirira vapristi vakanga vachiridza hwamanda, navarindi veshure vakatevera areka, vapristi vakafamba vachingoridza hwamanda.
9拿武器的人走在吹角的祭司前面,在約櫃後面也有防衛的隊伍跟著走,祭司一面走,一面吹角。
10Zvino Joshua akaraira vanhu, akati, Regai kudanidzira, namanzwi enyu ngaarege kunzwika, kana shoko rimwe ngarirege kubuda pamiromo yenyu, kusvikira pamusi wandinokurairai kuti mudanidzire; ipapo munofanira kudanidzira.
10約書亞吩咐人民說:“你們不可呼喊,不可讓人聽見你們的聲音,連一句話也不可出口,等到我吩咐你們‘呼喊’的那天,你們才可以呼喊。”
11Naizvozvo wakaraira kuti areka yaJehovha ipoteredze guta, iripoteredze kamwe chete; vanhu vakapindazve mumisasa, vakavatamo.
11這樣,耶和華的約櫃繞城而行,圍繞了一次,眾人就回到營中,在營裡住宿。
12Joshua akamuka mangwanani, vapristi vakasimudza areka yaJehovha.
12約書亞清早起來,祭司又抬起耶和華的約櫃。
13Navapristi vanomwe vakanga vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondobwe pamberi peareka yaJehovha, vakaramba vachifamba vachingoridza hwamanda; navarume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakavatungamirira; navarindi veshure vakatevera areka yaJehovha, vapristi vakafamba vachingoridza hwamanda.
13拿著七個羊角的七位祭司,走在耶和華的約櫃前面;一面走,一面吹角;拿武器的人走在他們前面,在耶和華的約櫃後面也有防衛的隊伍跟著走;祭司一面走,一面吹角。
14Nomusi wechipiri vakapoteredza guta kamwe chete, vakadzokera kumisasa; vakaita saizvozvo mazuva matanhatu.
14第二日,眾人又繞城一次,然後回到營裡去;六日他們都是這樣行。
15Nomusi wechinomwe vakafumira mangwanani, vakapoteredza guta nomutowo iwoyo kanomwe; nomusi iwoyochetevakapoteredza guta kanomwe.
15城牆塌陷到了第七日,清早黎明的時候,他們起來,以同樣的方式繞城七次;只有這一日,他們繞城七次。
16Zvino panguva yechinomwe, vapristi vakati vachiridza hwamanda, Joshua akati kuvanhu, Danidzirai, nekuti Jehovha wakupai guta.
16到了第七次,祭司吹角的時候,約書亞就對人民說:“你們呼喊吧,因為耶和華已經把這城賜給你們了。
17Asi guta rinofanira kuyeriswa kuna Jehovha, iro nezvose zviri mukati maro; asi Rakabhi chete, chifeve chiya, ngaaregwe ari mupenyu, iye navose vari mumba make, nekuti wakavanza nhume dzatakatuma.
17這城要完全毀滅,城和城中的一切都歸耶和華;只有妓女喇合,和所有與她在家中的都可以存活,因為她收藏了我們派去的使者。
18Asi imwi, chenjerai pazvinhu zvinoyera, kuti murege kutora chinhu chinoyera, mambochiyeresa, naizvozvo mungatukisa misasa yaIsiraeri mukaipinza mudambudziko.
18不過你們要謹慎,不可取那當毀滅的物,恐怕你們貪心,取了那當毀滅的物,就使以色列營成為當毀滅的,使以色列營遭遇災禍。
19Asi sirivha yose, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare zvitsvene kuna Jehovha; zvinofanira kuiswa muchivigiro chefuma chaJehovha.
19可是,所有的金銀和銅鐵的器皿,都要歸耶和華為聖,存入耶和華的庫房中。”
20Naizvozvo vanhu vakadanidzira, navapristi vakaridza hwamanda; zvino vanhu vakati vachinzwa kurira kwehwamanda, vanhu vakadanidzira nokudanidzira kukuru, rusvingo ndokukoromoka chose, vanhu vakakwira vachipinda muguta, mumwe nomumwe pakaruramana naye, vakakunda guta.
20於是人民呼喊,祭司也吹角。人民聽見角聲的時候,就大聲呼喊,城牆就塌陷了;於是,人民衝入城中,人人向前,把城攻取。
21Vakaparadza chose nomunondo unopinza zvose zvakanga zviri muguta, varume navakadzi, vaduku navakuru, nenzombe, namakwai, nembongoro.
21他們把城中的一切,無論男女老幼、牛羊和驢,都用刀殺盡。
22Joshua akati kuvarume vaviri vakanga vandoshora nyika, Pindai muimba yechifeve, mubudise mukadzi nezvose zvaanazvo, sezvamakapika kwaari.
22喇合全家蒙救約書亞對窺探那地的兩個人說:“你們進那妓女的家裡去,照著你們向她所起的誓,把那女人和她所有的一切,都從家裡帶出來。”
23Zvino majaya iwayo, vashori, vakapinda, vakabudisa Rakabhi, nababa vake, namai vake, nehanzvadzi dzake, nezvose zvaakanga anazvo, vakabudisawo hama dzake dzose, vakavaisa kunze kwemisasa yaIsiraeri.
23那兩個年輕密探就進去,把喇合和她的父母、兄弟、她所有的一切,以及她所有的親屬,都領出來,安置在以色列的營外。
24Ipapo vakapisa guta nomoto, nezvose zvakanga zviri mukati maro; asi sirivha, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare, vakazviisa muchivigiro chefuma cheimba yaJehovha.
24眾人把城和城中的一切都用火燒了;只有金銀和銅鐵的器皿都放入耶和華聖所的庫房裡。
25Asi Joshua wakarega Rakabhi, chifeve chiya, ari mupenyu, iye naveimba yababa vake, nezvose zvaakanga anazvo; iye akagara pakati paIsiraeri kusvikira nhasi; nekuti wakange avanza nhume dzakatumwa naJoshua kundoshora Jeriko.
25約書亞卻放過妓女喇合和她的父家,以及她所有的一切;她住在以色列中,直到今日,因為她收藏了約書亞派去窺探耶利哥的使者。
26Nenguva iyo Joshua akavapikisa, achiti, Munhu unozomuka akavaka guta iri reJeriko ngaatukwe; ucharashikirwa nedangwe rake kana achiteya nheyo dzaro, uye ucharashikirwa norugotwe rwake kana achimutsa masuwo aro.
26凡重建耶利哥城的必受咒詛那時,約書亞要人民起誓,說:“起來重建這耶利哥城的,那人在耶和華面前是可咒可詛的;他立地基的時候必喪長子;他安城門的時候必失幼子。”
27Naizvozvo Jehovha wakange ana Joshua; mukurumbira wake ukanzwika panyika yose.
27耶和華與約書亞同在;約書亞的名聲傳遍全地。