1Zvino madzimambo ose akanga agere mhiri kwaJoridhani, panyika yamakomo nenyika yamapani, napamahombekombe ose egungwa guru pamberi peRebhanoni, vaHeti, navaAmori, navaKanani, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi, vakati vachinzwa izvozvo,
1迦南諸王聯盟對抗以色列人在約旦河西,住在山上、高原和對著黎巴嫩山大海沿岸所有的王,就是赫人、亞摩利人、迦南人、比利洗人、希未人、耶布斯人的王,聽見了這些事的時候,
2vakaungana nomoyo mumwe kundorwa naJoshua navaIsiraeri.
2就聚集起來,同心協力地要與約書亞和以色列人交戰。
3Asi vanhu veGibhiyoni vakati vachinzwa zvakanga zvaitirwa Jeriko neAi naJoshua,
3基遍人計騙約書亞基遍的居民聽見了約書亞向耶利哥和艾城所行的事,
4vakatsvaka mano, vakaenda senhume, vakaenda nehomo dzakasakara pamusoro pembongoro dzavo, nehombodo dzewaini dzakasakara, dzakanga dzakaparuka, nokusonanidzwazve;
4就施詭計,假冒使者而來,把舊的布袋和破裂又修補過的舊皮酒袋馱在驢上,
5neshangu dzakasakara, dzaiva nezviremo patsoka dzavo, nenguvo dzakasakara; zvingwa zvavo zvose zvembuva yavo zvakanga zvakaoma nokuvhuvha.
5腳上穿著補過的舊鞋,身穿舊衣服,所帶的食物又乾又碎。
6Vakaenda kuna Joshua kumisasa paGirigari, vakati kwaari nokuvarume vaIsiraeri, Tinobva kunyika iri kure; naizvozvo itai sungano nesu zvino.
6他們去到吉甲營中約書亞那裡,對約書亞和以色列人說:“我們是從遠地來的,現在求你們和我們立約。”
7Varume vaIsiraeri vakati kuvaHivhi, Zvimwe mugere pakati pedu; tingaita sungano nemwi seiko?
7以色列人對這些希未人說:“你們也許是這地的居民,若是這樣,我們怎樣和你們立約呢?”
8Ivo vakati, Tiri varanda venyu. Joshua akati kwavari, Ndimwi aniko? Munobvepi?
8他們對約書亞說:“我們是你的僕人。”約書亞問他們:“你們是甚麼人?是從哪裡來的?”
9Vakati, Varanda venyu vabva kunyika iri kure-kure, nokuda kwezita raJehovha Mwari wenyu, nekuti takanzwa mukurumbira wake nezvose zvaakaita Egipita.
9他們回答約書亞:“你的僕人為了耶和華你 神的名從很遠的地方而來,因為我們聽見了他的名聲和他在埃及所行的一切事,
10Uye zvose zvaakaitira madzimambo maviri avaAmori, akanga ari mhiri kwaJoridhani, naSihoni mambo weHeshibhoni, naOgi mambo weBhashani, wakange ari paAshitaroti.
10以及他對約旦河東亞摩利人的兩個王,就是希實本王西宏和在亞斯他錄的巴珊王噩,所行的一切事。
11Vakuru vedu navanhu vose venyika yedu vakataura nesu, vakati, Torai mbuva yenzira mumaoko enyu, mundosangana navo, muti kwavari, Tiri varanda venyu; zvino itai sungano nesu.
11所以我們的長老和我們本國所有的居民對我們說:‘你們手裡要帶著旅途用的乾糧,去迎見以色列人,對他們說:我們是你們的僕人,現在求你們和我們立約。’
12Zvingwa izvo zvembuva yedu takazvitora zvichakapisa mudzimba dzedu musi watakabuda, tichiuya kwamuri; asi zvino tarirai, zvaoma, zvavhuvha.
12我們出門到你們這裡來的時候,從家裡帶出來作乾糧的這餅還是熱的;看哪,現在都又乾又碎了。
13Nehombodo idzi dzewaini, dzatakazadza, dzakanga dziri itsva; tarirai, dzaparuka; nenguvo dzedu idzi, neshangu dzedu zvasakara nemhaka yorwendo rurefu-refu.
13這些皮酒袋,我們盛酒的時候,還是新的;你看,現在都破裂了。我們這些衣服和鞋因路途遙遠,都穿舊了。”
14Ipapo varume vakatora zvimwe zvembuva yavo, vasingabvunzi muromo waJehovha.
14以色列人取了他們一些食物,卻沒有求問耶和華的旨意。
15Joshua akayanana navo, akaita sungano navo, kuti vachavarega vari vapenyu; machinda eungano akapika kwavari.
15於是約書亞與他們議和,和他們立約,容他們存活;會眾的首領也向他們起了誓。
16Zvino mazuva matatu akati apera, vaita sungano navo, vakanzwa kuti vagere pedo navo napakati pavo.
16以色列人奴役基遍人以色列人和他們立約之後,過了三天,才聽見他們是自己的近鄰,是住在這地的居民。
17VaIsiraeri vakafamba, vakasvika pamaguta avo nezuva retatu. Maguta avo aiva Gibhiyoni, neKefira, neBheroti, naKiriatijearimi.
17於是,以色列人起程,第三日就到了他們的城市;他們的城市就是基遍、基非拉、比錄、基列.耶琳。
18Vana vaIsiraeri havana kuvaparadza, nekuti machinda eungano akanga apika kwavari naJehovha Mwari waIsiraeri. Ungano yose ikapopotera machinda.
18以色列人沒有擊殺他們,因為會眾的首領曾經指著耶和華以色列的 神向他們起了誓,全體會眾就都向首領發怨言。
19Asi machinda ose akati kuungano yose, Takapika kwavari naJehovha, Mwari waIsiraeri, naizvozvo zvino hatigoni kuvaitira chinhu.
19眾首領對全體會眾說:“我們曾經指著耶和華以色列的 神向他們起了誓,現在我們不能傷害他們。
20Tichavaitira chinhu ichi, tichavarega vari vapenyu, kuti tirege kuwirwa nokutsamwa kwaMwari nokuda kokupika, kwatakapika kwavari.
20我們要這樣待他們,就是容他們存活,免得 神的忿怒因我們向他們所起的誓,臨到我們身上。”
21Zvino machinda akati kwavari, Ngavararame havo. Vakava vatemi vehuni navateki vemvura veungano yose, sezvavakaudzwa namachinda.
21眾首領又對會眾說:“要讓他們存活。”於是他們就給全體會眾作了劈柴打水的人,這是按照眾首領對他們的吩咐。
22Zvino Joshua akavadana, akataura navo, akati, Matinyengedzerereiko, muchiti, Takabva kure-kure nemi, zvamugere pakati pedu?
22約書亞把他們召了來,質問他們:“你們為甚麼欺騙我們說:‘我們離你們很遠’,其實你們卻是住在這地的?
23Naizvozvo zvino muri vanhu vakatukwa, muchangosiva varanda navatemi vehuni navateki vemvura veimba yaMwari wangu.
23現在你們要受到咒詛,你們中間必不斷有人作奴僕,為我 神的聖所作劈柴打水的人。”
24Vakapindura Joshua, vakati: Nekuti varanda venyu vakanga vaudzwa zvirokwazvo kuti Jehovha Mwari wenyu wakange araira muranda wake Mozisi, kuti akupei nyika yose, nokuparadza vose vagere panyika ino pamberi penyu; naizvozvo takatya kwazvo nokuda kwenyu kuti tichaurawa, tikaita chinhu ichi.
24他們回答約書亞,說:“因為你的僕人確實地聽見,耶和華你的 神曾經吩咐他的僕人摩西,要把這整片土地賜給你們,並且要在你們面前把這地上所有的居民都消滅,因此,我們因你們的緣故,很怕喪命,才行了這事。
25Zvino tarirai, tiri pamaoko enyu, itai nesu sezvamunoti ndizvo zvakanaka nezvakarurama.
25現在,你看,我們都在你的手裡,你看怎樣處置我們算為好、算為對,就怎樣行吧。”
26Akavaitira saizvozvo, akavarwira pamaoko avana vaIsiraeri, ivo vakasavauraya.
26約書亞就這樣處置他們,救了他們脫離以色列人的手,以色列人就沒有殺他們。
27Musi iwoyo Joshua akavaita vatemi vehuni navateki vemvura yeungano neyearitari yaJehovha, kusvikira nhasi panzvimbo yaizotsaurwa naye.
27在那一天,約書亞指派他們在耶和華選擇的地方,為會眾和耶和華的祭壇作劈柴打水的人,直到今日。