1Shure kwaAbhimereki, Tora mwanakomana waPua, mwanakomana waDhodho, murume waIsakari, wakamuka akaponesa Isiraeri; iye waigara paShamiri panyika yamakomo yaEfuremu.
1陀拉亞比米勒之後,有以薩迦人朵多的孫子,普瓦的兒子陀拉,興起拯救以色列人;他住在以法蓮山地的沙密。
2Iye akatonga vaIsiraeri makore ana makumi maviri namatatu, akafa; akavigwa paShamiri.
2陀拉治理以色列人二十三年,就死了,埋葬在沙密。
3Shure kwake Jairi muGiriyadhi wakamuka, iye akatonga vaIsiraeri makore ana makumi maviri namaviri.
3睚珥在他之後,有基列人睚珥興起治理以色列人二十二年。
4wakange ana vanakomana vana makumi matatu, vaitasva vana vembongoro vana makumi matatu, uye vakanga vana maguta ana makumi matatu, anonzi Havhori-jairi kusvikira nhasi, ari munyika yeGiriyadhi.
4他有三十個兒子,騎著三十頭驢駒;他們有三十座城,叫作哈倭特.睚珥,直到今日都是在基列地。
5Jairi akafa, akavigwa paKamoni.
5睚珥死了以後,就埋葬在加們。
6Vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira vaBhaari navaAshitaroti navamwari vavaSiria, navamwari veSidhoni, navamwari vaMoabhu, navamwari vavana vaAmoni, navamwari vavaFirisitia; vakarasha Jehovha, vakasamushumira.
6以色列人違背 神的惡果以色列人又行了耶和華看為惡的事,服事眾巴力和亞斯他錄,以及亞蘭的神、西頓的神、摩押的神、亞捫人的神、非利士人的神;他們離棄了耶和華,不再服事他。
7Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vaIsiraeri, akavatengesa mumaoko avaFirisitia, nomumaoko avana vaAmoni.
7耶和華的怒氣向以色列人發作,就把他們交在非利士人的手中和亞捫人的手中。
8Ivo vakanetsa nokumanikidza vana vaIsiraeri gore iro; vakamanikidza vana vaIsiraeri vose vakanga vagere mhiri kwaJoridhani munyika yavaAmori, yaiva paGiriyadhi, makore ane gumi namasere.
8從那一年起,他們就迫害欺壓以色列人,就是所有在約旦河東邊,住在亞摩利人之地的以色列人,共十八年。
9Zvino vana vaAmoni vakayambuka Joridhani , vakarwawo navaJudha, navaBhenjamini, uye neimba yavaEfuremu; naizvozvo vaIsiraeri vakamanikidzwa kwazvo.
9亞捫人又渡過約旦河去攻打猶大、便雅憫和以法蓮家,以色列人就非常困苦。
10Zvino vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha, vakati, Takakutadzirai imwi, nekuti takarasha Mwari wedu, tikashumira vaBhaari.
10以色列人向耶和華哀求,說:“我們得罪了你,因為我們離棄了我們的 神,服事眾巴力。”
11Jehovha akati kuvana vaIsiraeri, Handina kukuponesai here pavaEgipita, navaAmori, navana vaAmoni, navaFirisitia?
11耶和華對以色列人說:“我不是曾經拯救你們脫離埃及人、亞摩利人、亞捫人和非利士人嗎?
12VaSidhoni, navaAmareki, navaMaoni vakakutambudzaiwo, imwi mukachema kwandiri, ndikakuponesai pamaoko avo.
12西頓人、亞瑪力人、馬雲人也都壓迫你們;你們向我哀求,我也拯救你們脫離他們的手。
13Kunyange zvakadaro makandirasha, mukandoshumira vamwe vamwari; naizvozvo handina kukuponesaizve.
13你們竟離棄了我,服事別的神,因此我不再拯救你們了。
14Endai mundochema henyu kuvamwari vamakazvisanangurira; ivo ngavakuponesei panguva yokutambudzika kwenyu.
14你們去向你們揀選的神呼求吧!讓他們在你們遭遇患難的時候拯救你們吧。”
15Vana vaIsiraeri vakati kuna Jehovha, Takatadza; tiitirei henyu sezvamunofunga, asi tinokumbira kuti mutirwirei henyu nhasi.
15以色列人對耶和華說:“我們犯了罪了,你任意對待我們吧;只求你今日拯救我們。”
16Ipapo vakarasha vamwari vatorwa vakanga vari pakati pavo, vakashumira Jehovha; moyo wake ukachema pamusoro pokutambudzika kwavaIsiraeri.
16以色列人就從他們中間除去外族人的神,事奉耶和華;耶和華的心因以色列人所受的患難,就很著急。
17Zvino vana vaAmoni vakanga vaungana, vakadzika matende avo paGiriyadhi. Vana vaIsiraeri vakaunganawo, vakadzika matende avo paMizipa.
17當時亞捫人聚集起來,在基列安營;以色列人也聚集,在米斯巴安營。
18Zvino vanhu, iwo machinda aGiriyadhi, vakataurirana, vakati, Ndianiko munhu uchatanga kurwa navana vaAmoni? Iye uchava mukuru wavose vagere Giriyadhi.
18基列的人民和眾領袖彼此說:“誰先去攻打亞捫人,誰就可以作基列所有居民的首領。”