Shona

聖經新譯本

Judges

19

1Zvino namazuva iwayo kusina mambo pakati paIsiraeri, mumwe muRevhi waigara mberi kwenyika yamakomo yaEfuremu, akazvitorera mukadzi murongo paBheterehemu-judha.
1利未人和他的妾在以色列中沒有王的日子,有一個利未人寄居在以法蓮山地的偏遠地區;他從猶大的伯利恆給自己娶了一個女子作妾。
2Zvino murongo wake akafeva, akabva kwaari, akaenda kumba kwababa vake paBheterehemu-judha, akagarako mwedzi mina.
2他的妾背夫行淫,離開丈夫,回到猶大的伯利恆她父親的家那裡去了,在那裡住了四個月的日子。
3Zvino murume wake akasimuka, akamutevera, ano muranda wake nembongoro mbiri, akataura zvakanaka naye, kuti amudzoserezve kwaari, iye mukadzi akamuisa kumba kwababa vake; zvino baba vomusikana vakati vachimuona, vakafara kusangana naye.
3她的丈夫起來,帶著一個僕人和兩頭驢去追她,用話打動她的心,叫她回來。她把丈夫帶到自己父家,那少女的父親見了那人,就歡歡喜喜迎接他。
4Mukarahwa wake, ivo baba vomusikana, vakamudzivisa kuenda, akagara naye mazuva matatu, vakadya, vakamwa, vakavatapo.
4那人的岳父,就是女子的父親,強留那人,那人就與他同住了三天;他們一起吃喝,在那裡住宿。
5Zvino nomusi wechina vakamuka mangwanani, iye akasimuka achida kuenda; baba vomusikana vakati kumukwasha wavo, Simbisa moyo wako nechimedu chechingwa, mugoenda henyu.
5到了第四天,他們清早起來,那人起身要走;那女子的父親對女婿說:“請吃點餅增添心力,然後再走。”
6Ipapo vakagara pasi, vakadya, vakamwa vose; baba vomusikana vakati kumurume, Tenda hako ugare usiku hwose, moyo wako ufare.
6於是二人坐下,一起吃喝;女子的父親對那人說:“請你答應再過一夜,暢快你的心。”
7Asi murume wakasimuka, achida kuziva; mukarahwa wake akamugombedzera, akavatapozve.
7那人起來要走,他的岳父強留他,他又在那裡過了一夜。
8Nomusi weshanu akamuka mangwanani, achida kubva; baba vomusikana vakati, Simbisa moyo wako, ugare kusvikira zuva rovira; vakadya vose vari vaviri.
8到了第五天,他清早起來要走;那女子的父親說:“請吃點餅增添心力,等到日頭西斜再走吧。”於是他們耽延,直到日頭西斜;二人一同吃飯。
9Zvino murume wakati achisimuka, achida kubva, iye nomurongo wake, nomuranda wake, mukarahwa wake, ivo baba vomusikana, akati kwaari, Tarira, zuva rovira, ava madekwana, chigara hako usiku hwose; tarira, zuva roda kupera, vata hako pano, moyo wako ufare, mugofumira mangwana parwendo rwenyu kumusha kwenyu.
9那人和他的妾,以及他的僕人起來要走的時候,他的岳父,就是那女子的父親,對他說:“看哪,天快晚了!請再住一夜。看哪,日頭西斜了!請在這裡再住一夜,暢快你的心;明天可以清早起來,上路回家去。”
10Asi murume wakaramba kuvatapo usiku uhwo, asi wakasimuka, akabva, ndokusvika pakatarisana neJebhusi (ndiro Jerusaremu); wakange ane mbongoro mbiri dzakanga dzakaiswa zvigaro; nomurongo wake wakange anaye.
10那人不願再住一夜,就帶著自己的妾和兩頭備好了的驢,起來走了,來到耶布斯對面;耶布斯就是耶路撒冷。
11Zvino vakati vasvika pedo neJebhusi, zuva rikanga rovira; muranda akati kuna tenzi wake, Ngatitsaukire hedu kuguta iri ravaJebhusi, tivatemo.
11基比亞之行程他們走近耶布斯的時候,日頭快要落了;僕人對主人說:“來,讓我們轉到這耶布斯人的城去,好在那裡住宿。”
12Tenzi wake akati kwaari, Handingatsaukiri kuguta ravatorwa, kusina vana vaIsiraeri; asi tichapfuura hedu, kusvikira paGibhiya.
12主人對他說:“我們不可轉到這座不是以色列人居住的外族人的城裡去,我們過到基比亞去吧。”
13Akati kumuranda wake, Hendei, tiswedere kune imwe yenzvimbo idzi, tivate paGibhiya kana paRama.
13又對他的僕人說:“來吧,我們可以到這些地方其中一個去投宿,或在基比亞或在拉瑪。”
14Ipapo vakapfuura parwendo rwavo, vakavirirwa pedo neGibhiya, raiva guta ravaBhenjamini.
14於是他們走路過去;他們走近便雅憫人的基比亞的時候,日頭已經落了。
15Vakatsaukirako, vachida kuvata paGibhiya akapinda, akagara pasi munzira yomuguta; nekuti kwakanga kusina munhu wakavadana kuzovata mumba make.
15他們從那裡轉身,要進基比亞去住宿;他們進去,坐在城裡的廣場上,因為沒有人接待他們到家裡去住宿。
16Zvino mumwe mutana akasvika, achibva kubasa rake kumunda madekwana; zvino murume uyo wakange ari wenyika yamakomo yaEfuremu, asi wakagara hake paGibhiya; asi varume venzvimbo iyo vakanga vari vaBhenjamini.
16到晚上,有一個老年人從田間工作回來;那人原是以法蓮山地的人,寄居在基比亞;那地方的人卻是便雅憫人。
17Iye akatarira, akaona murume uyu mufambi ari munzira yomuguta; mutana akati, Ko unoendepi? Uye, unobvepiko?
17那老年人舉目,看見那個旅客在城裡的廣場上,就問他:“你要到哪裡去?你從哪裡來?”
18Iye akati kwaari, Tinobva Bheterehemu-judha, tinopfuurira kurutivi rwemberi rwenyika yamakomo yaEfuremu; ndiko kwandakabva, ndikaenda Bheterehemu-judha, zvino ndinoenda kumba kwaJehovha, asi hakuna munhu wakandidana kugara mumba make.
18利未人回答他:“我們是從猶大的伯利恆過來的,要到以法蓮山地的偏遠地區去,我原是那地方的人;我去過猶大的伯利恆,現在我要到我的家去(“到我的家去”原文作“到耶和華的殿去”),但沒有人接待我到家裡去。
19Kunyange zvakadaro tinahwo uswa nezvokudya zvembongoro dzedu, nechingwa newaini zvinondiringana ini nomurandakadzi wenyu nejaya rina varanda venyu; hakuna chinhu chinoshaikwa.
19其實我有糧草、有飼料,可以餵驢;我和我的妾,以及與你的僕人在一起的那個青年人,都有餅和酒吃喝,一無所缺。”
20Zvino mutana akati, Farao hako, zvose zvawaishaiwa, ini ndichakupa; asi usavata munzira yomuguta.
20那老年人說:“願你平安,你所缺乏的,由我負責好了;只是不可在廣場上過夜。”
21ipapo akavaisa mumba make, akapa mbongoro zvokudya; vakashambidza tsoka dzavo, vakadya nokumwa.
21於是把他領到自己的家裡,用飼料餵了驢,他們洗了腳,就吃喝起來。
22Zvino vakati vofara pamoyo yavo, tarirai varume veguta, vamwe vanhu vakaisvoipa, vakakomba imba kunhivi dzose, vakagogodza pamukova; vakataura nomwene weimba, iye mutana, vakati, Budisa murume wakasvika paimba yako, timuzive.
22基比亞匪徒的罪行他們心裡正暢快的時候,忽然城裡有些無賴之徒,圍繞房子,不住地敲門,對老房主說:“把進入你家的那個人帶出來,我們要與他交合。”
23Zvino murume uyo, mwene weimba akabuda kwavari, akati kwavari, Kwete, hama dzangu, regai kuita zvakaipa zvakadai; musaita samapenzi, nekuti murume uyu wakapinda mumba mangu.
23那房主出來見他們,對他們說:“我的眾兄弟啊,不可這樣,請你們不要作惡;這人既然進了我的家,你們就不要作這羞恥的事。
24Tarirai, hoyu mukunda wangu mhandara, nomurongo wake; ndichavabudisa zvino, muvazvidze, muvaitire sezvamunoda, asi regai kuitira murume uyu chakaipa chakadai.
24這裡有我的女兒,還是處女,並且有這人的妾,我把她們領出來,讓你們污辱她們;你們看怎樣好,就怎樣待她們吧。只是對這個人,你們卻不要作這羞恥的事。”
25Asi varume vakaramba kumuteerera; ipapo murume akabata murongo wake, akamubudisira kwavari; vakamuziva, vakamuchinya usiku hwose kusvikira mangwana vakamurega koedza.
25那些人卻不肯聽從他的話,那人就抓住自己的妾,拉出外邊去交給他們,他們就與她交合,整夜污辱她;直到早晨,天色破曉的時候,才放她走。
26Zvino mukadzi akauya koedza, akawira pasi pamukova weimba yomunhu, makanga munashe wake, akavapo kusvikira kwaedza kwazvo.
26天快亮的時候,那女子回到留她主人住宿的那人的房子門口,就仆倒在那裡,直到天亮。
27Zvino ishe wake wakamuka mangwanani, akazarura mikova yeimba, akabuda, achida kupfuura parwendo rwake; akawana mukadzi, iye murongo wake, akawira pasi pamukova weimba, maoko ake ari pachikumbaridzo.
27到早晨,她的主人起來,開了房門,出去要上路的時候,就看見那婦人,就是他的妾,仆倒在門口,她的雙手搭在門檻上。
28Akati kwaari, Simuka, tiende; asi hakuna wakapindura; ipapo akamuisa pambongoro yake, murume akasimuka, akaenda kumba kwake.
28他對那婦人說:“起來,我們走吧!”可是卻沒有回答。那人就把她馱在驢上,起程回自己的地方去了。
29Wakati asvika kumba kwake, akatora banga, akabata murongo wake, akadimuranya mitezo yake, akaita nhindi dzine gumi nembiri, akadzituma munyika yose yavaIsiraeri.
29他到了家裡,就拿起刀來,抓住自己的妾,把她的肢體切成十二塊,叫人送到以色列的全境去。
30Zvino vose vakati vachizviona, vakati, Chinguva vana vaIsiraeri vakakwira vachibva panyika yeEgipita, kusvikira zuva ranhasi, hakune chinhu chakadai chakaitwa kana chakaonekwa; rangarirai izvozvo, murangane mutaure.
30看見的人都說:“自從以色列人從埃及地上來的日子,直到今日,這樣的事並沒有發生過,也沒有看見過;你們要思想,要商議,要討論。”