1Zvino vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akavaisa mumaoko aMidhiani makore manomwe.
1以色列人違背 神的惡果以色列人又行了耶和華看為惡的事;耶和華就把他們交在米甸人手裡七年。
2Midhiani akakunda Isiraeri; vana vaIsiraeri vakazviitira pokuvanda pamakomo, namapako, nenhare, nokuda kwaMidhiani.
2米甸人的勢力勝過以色列人;以色列人因米甸人的緣故,就為自己在山上挖穴、挖洞,建營寨。
3nekuti vaIsiraeri vakati kana vakusha, vaMidhiani navaAmareki navana vamabvazuva ndokukwira kuzorwa navo.
3每逢以色列人撒種以後,米甸人、亞瑪力人和東方人都上來,欺壓他們;
4Vakadzika matende avo pakatarisana navo, ndokuparadza zvibereko zveminda kusvikira paGaza; havana kusiira vaIsiraeri zvokudya kana makwai kana mombe, kana mbongoro.
4對著他們安營,毀壞那地的出產,直到迦薩一帶,他們沒有留下牛、羊和驢,沒有給以色列人留下一點養生之物。
5Nekuti vaikwira nezvipfuwo zvavo, namatende avo; vaiuya vakawanda semhashu, vasingagoni kuverengwa, ivo namakamera avo; vaipinda munyika kuti vaiparadze.
5因為他們帶著牲畜和帳棚上來,像蝗蟲那麼多;他們來的人和駱駝無數,進入境內,毀壞全地。
6VaIsiraeri vakava varombo kwazvo nokuda kwaMidhiani; zvino vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha.
6以色列人在米甸人面前,落到極卑微的地步,他們就哀求耶和華。
7Zvino vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha nokuda kwaMidhiani,
7以色列人因米甸人的緣故,向耶和華呼求的時候,
8Jehovha akatuma muporofita kuvana vaIsiraeri; iye akati kwavari, Zvanzi naJehovha Mwari walsiraeri, Ndakakukwidzai, ndichikubudisai paEgipita, nokukubudisai paimba youranda;
8耶和華就差派一位先知到以色列人那裡,對他們說:“耶和華以色列的 神這樣說:‘我曾經把你們從埃及領上來,領你們出了為奴之家;
9ndikakurwirai mumaoko avaEgipita, nomumaoko avose vaikumanikidzai, ndikavadzinga pamberi penyu, ndikakupai nyika yavo;
9我曾經把你們從埃及人的手拯救出來,拯救你們脫離所有欺壓你們的人的手,把他們從你們面前趕走,把他們的地賜給你們。
10ndikati kwamuri, Ndini Jehovha Mwari wenyu; hamufaniri kutya vamwari vavaAmori, vamugere munyika yavo; asi hamuna kuteerera inzwi rangu.
10我又對你們說:我是耶和華你們的 神;你們住在亞摩利人的地,不可敬畏他們的神。但你們沒有聽從我的話。’”
11Zvino mutumwa waJehovha wakasvika, akagara pasi pomuouki wakange uri paOfura, waiva waJoashi, muAbhiezeri; Gidheoni mwanakomana wake, wakange achipura gorosi pachisviniro chewaini, kuti azvivanze nokuda kwavaMidhiani.
11基甸蒙召耶和華的使者來到,坐在俄弗拉,一棵屬於亞比以謝族人約阿施的橡樹下;約阿施的兒子基甸正在壓酒池裡打麥子,為要躲避米甸人的搶奪。
12Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari, akati kwaari, Jehovha anewe, iwe murume ane simba noumhare.
12耶和華的使者向基甸顯現,對他說:“大能的勇士啊,耶和華與你同在。”
13Gidheoni akati kwaari, Haiwa, Ishe wangu, kana Jehovha anesu, ko izvi zvose zvakagotiwirireiko? Zviripiko zvishamiso zvake zvose, zvataiudzwa namadzibaba edu, achiti, Jehovha haana kutikwidza here, achitibudisa paEgipita? Asi zvino Jehovha wakatirasha, akatiisa mumaoko avaMidhiani.
13基甸回答他,說:“唉,我的主,如果耶和華與我們同在,我們怎會遭遇這一切事呢?我們的列祖向我們講述的,耶和華的一切奇事在哪裡呢?他們曾說:‘耶和華不是把我們從埃及領上來嗎?’現在他卻拋棄了我們,把我們交在米甸人手中!”
14Ipapo Jehovha akatendeukita kwaari, akati, Enda nesimba rako iri, undoponesa Isiraeri pamaoko aMidhiani, handizini ndakakutuma here?
14耶和華轉向基甸,對他說:“你靠著你這能力,去拯救以色列人脫離米甸人的手吧;我不是差派了你嗎?”
15Akati kwaari, Haiwa, Ishe, ndichagoponesa Isiraeri neiko? Tarirai rudzi rwangu ruduku kuna vose paManase, neni ndiri muduku kuna vose paimba yababa vangu.
15基甸對他說:“唉,我主啊,我憑著甚麼拯救以色列人呢?看哪,我的家族在瑪拿西支派中是最卑微的,我在我的父家是最年輕的。”
16Jehovha akati kwaari, Zvirokwazvo, ini ndichava newe, iwe uchakunda vaMidhiani somunhu mumwe.
16耶和華對他說:“因為我必與你同在,你就必擊打米甸人,像擊打一人一樣。”
17Akati kwaari, Kana ndawana nyasha pamberi penyu zvino, ndiratidzei chiratidzo kuti ndimwi munotaura neni.
17基甸又對他說:“如果我在你眼前蒙恩,求你給我一個憑據,證實是你與我說話。
18Regai henyu kubva pano, kusvikira ndadzokera kwamuri, ndikuvigirei chipo changu, ndichiise pamberi penyu. Iye akati, Ndichagara pano kusvikira wadzokazve.
18求你不要離開這裡,等我回來,把我的禮物帶來,擺在你面前。”他回答:“我必等你回來。”
19Ipapo Gidheoni akapinda, akandogadzira mbudzana nezvingwa zvisina kuviriswa zveefa imwe youpfu; akaisa nyama mudengu, nokudira muto muhari; akamuvigira izvozvo pasi pomuouki, ndokumupa izvozvo.
19基甸去預備了一隻山羊羔,和十公斤麵粉做的無酵餅,把肉放在籃子裡,把湯盛在鍋中,帶到橡樹之下,獻上給他。
20Asi mutumwa waJehovha akati kwaari, Tora nyama nezvingwa zvisina kuviriswa, uzviise padombo iri, ugodururawo muto. Iye akaita saizvozvo.
20 神的使者對基甸說:“把肉和無酵餅拿出來,擺在這塊磐石上,把湯倒出來。”他就這樣行了。
21Zvino mutumwa waJehovha ndokutambanudza muromo wetsvimbo, yakanga iri muruoko rwake, akagunzva nyama nezvingwa zvisina kuviriswa, moto ukabuda padombo, ukapedza nyama nezvingwa zvisina kuviriswa. Mutumwa waJehovha ndokunyangarika pamberi pake.
21耶和華的使者伸出手中的杖,杖頭一觸著肉和無酵餅,就有火從磐石中上來,把肉和無酵餅都燒盡了;耶和華的使者就從基甸的眼前消失了。
22Ipapo Gidheoni akaona kuti mutumwa waJehovha. Gidheoni akati, Haiwa, Jehovha Mwari! Nekuti ndaona mutumwa waJehovha zviso zvakatarisana.
22基甸看出他是耶和華的使者,就說:“哀哉,我主耶和華啊,因為我面對面看見了耶和華的使者。”
23Asi Jehovha wakati kwaari, Rugare ngaruve newe, usatya, haungafi.
23耶和華對他說:“你放心好了,不要怕,你必不會死。”
24Ipapo Gidheoni akavakirapo Jehovha atari, akaitumidza zita rinonzi Jehovha-sharomi; ichiripo paOfura ravaAbhiezeri kusvikira nhasi.
24基甸就在那裡給耶和華築了一座祭壇,稱為耶和華沙龍;直到今日,這壇還在亞比以謝族的俄弗拉。
25Zvino nousiku ihwohwo Jehovha akati kwaari, Tora nzombe yababa vako, iya yechipiri ina makore manomwe, uputse atari yaBhaari yababa vako, utemewo danda rokunamata naro riripo.
25基甸毀巴力祭壇當夜,耶和華對基甸說:“取你父親的牛和另一頭七歲大的牛來,拆毀你父親的巴力祭壇,砍下壇旁的亞舍拉。
26Uvakire Jehovha Mwari wako atari pamusoro penhare iyi, nomutowo wakafanira, ugotora nzombe iyo yechipiri, ubayire chipiriso chinopiswa nehuni dzedanda rokunamata naro raunofanira kutema.
26在這堅固的地方上面,你要整整齊齊為耶和華你的 神築一座祭壇,拿第二頭牛作燔祭,用你砍下來的亞舍拉作柴。”
27Ipapo Gidheoni akatora varume vane gumi kuvaranda vake, akaita sezvaakaudzwa naJehovha; asi haana kuita izvozvo masikati, asi wakazviita usiku, nekuti wakatya veimba yababa vake navarume veguta.
27基甸就從他的僕人中選出了十個人,照著耶和華告訴他的行了;但因為害怕他的父家和城裡的人,就不敢在日間行事,只好在晚上作了。
28Zvino varume veguta vakati vachimuka mangwanani, vakaona atari yaBhaari yaputswa, nedanda rokunamata naro raivapo ratemwa, nenzombe yechipiri yabayirwa paatari yakanga yavakwapo.
28城裡的人清早起來,見巴力的祭壇已被拆毀,壇旁的亞舍拉也被砍下來,並且看見那第二頭牛獻在新築的祭壇上的時候,
29Vakataurirana, vakati, Ndianika wakaita chinhu ichi? Vakati vachinzvera nokubvunzisisa, zvikanzi, Gidheoni mwanakomana waJoashi, ndiye wakaita chinhu ichi.
29就彼此說:“誰作了這事呢?”他們追查尋訪之後,就說:“是約阿施的兒子基甸作的。”
30Zvino varume veguta vakati kuna Joashi, Budisa mwanakomana wako, afe, nekuti waputsa atari yaBhaari, uye watema danda rokunamata naro raivapo pairi.
30城裡的人對約阿施說:“把你的兒子領出來,把他處死,因為他拆毀了巴力的祭壇,砍下了壇旁的亞舍拉。”
31Asi Joashi wakati kuna vose vakanga vachimupopotera, Moda kurwira Bhaari kanhi? Moda kumuponesa? Unomurwira uchaurawa mangwanani ano; kana ari mwari, ngaazvirwire amene, zvaakaputsirwa atari yake nomunhu.
31約阿施對所有站著攻擊他的人說:“你們要為巴力辯護嗎?或是你們要救他呢?誰為他辯護,到早晨就必死亡。巴力若是神,有人拆毀了他的祭壇,就讓他為自己辯護吧。”
32Saka nomusi iwoyo akamutumidza zita rinonzi Jerubhaari, achiti, Bhaari ngaarwe naye, zvaakaputsa atari yake.
32因此,當日基甸被稱為耶路.巴力,意思說:他拆毀了巴力的祭壇,讓巴力與他爭辯吧。
33Zvino vaMidhiani vose navaAmareki navana vamabvazuva vakaungana, vakayambuka, vakadzika matende avo pamupata weJezereeri.
33那時,米甸人、亞瑪力人和東方人,都聚集起來,過了河,在耶斯列平原安營。
34Asi Mweya waJehovha wakasvika pamusoro paGidheoni, akaridza hwamanda, vaAbhiezeri vakaungana vakamutevera.
34耶和華的靈降在基甸身上,他就吹角;亞比以謝族都應召來跟從他。
35Akatuma nhume pakati pavaManase vose, naivo vakaungana vakamutevera; akatumawo nhume kuna Asheri, naZebhuruni, naNafutari, naivo vakakwira kuzosangana navo.
35他派使者到瑪拿西全地去,瑪拿西人也都應召來跟從他;他又派使者到亞設、西布倫、拿弗他利去,他們也都上來與他們會合。
36Ipapo Gidheoni akati kuna Mwari, Kana muchida kuponesa Isiraeri noruoko rwangu, sezvamakataura,
36基甸向 神求證基甸對 神說:“如果你按著你所說的,要藉著我的手拯救以色列人;
37tarirai, ndichaisa debwe rine mvere paburiro; kana kukava nedova padebwe chete, pasi pose pakaoma, ndichaziva kuti munoda kuponesa Isiraeri noruoko rwangu, sezvamakataura.
37看哪,我要把一團新剪的羊毛放在禾場上;露水若是單單落在羊毛上,而全地都是乾的,我就知道你要照著你所說的,藉著我的手拯救以色列了。”
38Zvikava saizvozvo; nekuti wakamuka mangwanani, akambundanidza debwe, akasvina mvura padebwe, ikazadza mbiya.
38第二天,基甸清早起來,情形果然是這樣;他把羊毛一擠,就從羊毛中擠出一滿盆的露水來。
39Zvino Gidheoni akati kuna Mwari, Regai henyu kunditsamwira, kana ndikataurazve kamwe chete; nditenderei ndiidzezve kamwe chete nedebwe; zvino padebwechetepave pakaoma, asi pasi pose pave nedova.
39基甸又對 神說:“求你不要向我發怒,我要再說這一次;求你讓我把羊毛再試一試,但願單單羊毛是乾的,而全地都有露水。”
40Mwari akaita saizvozvo usiku uhwo; nekuti padebwechetepakanga pakaoma, asi dova rakanga riri pasi pose.
40那一夜, 神也這樣行了;單單羊毛是乾的,全地都有露水。