1Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni, akati kwavari,
1潔淨與不潔淨之動物(申14:3~21)耶和華對摩西和亞倫說:
2Taura navana valsiraeri, muti, Ndizvo zvipenyu zvamungadya pakati pemhuka dzose dziri panyika:
2“你們要告訴以色列人:地上所有的走獸中,你們可以吃的動物,就是這些:
3Zvose pakati pemhuka zvinamahwanda akaparadzana, kana zvinetsoka dzakaparadzana, zvinodzeya, mungazvidya.
3分蹄有趾而且反芻的走獸,你們都可以吃。
4Asi pakati pezvinodzeya, kana pakati pezvinamahwanda akaparadzana, regai kudya kamera, nekuti inodzeya, asi haina mahwanda akaparadzana; inofanira kuva chinhu chisina kunaka kwamuri;
4但你們不可吃下列反芻,或分蹄的走獸動物:駱駝,因為牠反芻卻不分蹄,你們應以為不潔淨。
5nembira, nekuti inodzeya, asi haina mahwanda akaparadzana; inofanira kuva chinhu chisina kunaka kwamuri.
5石獾(本章動物名字多不能確定。“石獾”傳統翻譯作“沙番”或“山鼠”),因為牠反芻卻不分蹄,你們應以為不潔淨。
6Netsuro, nekuti inodzeya, asi haina mahwanda akaparadzana; inofanira kuva chinhu chisina kunaka kwamuri.
6兔子,因為牠反芻卻不分蹄,你們應以為不潔淨。
7Nenguruve, nekuti ine tsoka dzakaparadzana, asi haidzeyi; inofanira kuva chinhu chisina kunaka kwamuri.
7豬,因為牠分蹄有趾卻不反芻,你們應以為不潔淨。
8Regai kudya nyama yazvo, kana zvitunha zvazvo; zvinofanira kuva zvisina kunaka kwamuri.
8這些走獸的肉你們不可吃,牠們的屍體你們不可摸,你們應視為不潔淨。
9Ndizvo zvamungadya kune zvose zviri mumvura: Zvose zviri mumvura, mumakungwa nomunzizi, zvine zvimbi namakwande, ndizvo zvamungadya.
9“水中所有的活物你們可以吃的,就是這些:凡是在水中,有翅有鱗的,不論是在海裡或是河裡的,你們都可以吃。
10Asi zvose zvisina zvimbi namakwande zviri mumakungwa nomunzizi, pazvose zvinopfakanyika mumvura, pazvose zvipenyu zviri mumvura, zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri.
10在水中游動或生存在水中的活物,無論是在海裡或是河裡,若是沒有翅和鱗的,你們都要當作可憎之物。
11Ngazvive zvinonyangadza kwamuri; musadya nyama yazvo, nezvitunha zvazvo zvinofanira kuva chinhu chinonyangadza kwamuri.
11牠們是你們憎惡之物;牠們的肉,你們不可吃;牠們的屍體,你們要憎惡。
12Zvose zviri mumvura zvisina zvimbi namakwande zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri.
12所有在水裡沒有翅和鱗的活物,你們都要當作可憎之物。
13Izvi pakati peshiri zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri, ngazvirege kudyiwa, ngazvive zvinonyangadza: Gora guru, negondo guru, nenyamudzura;
13“在鳥類中,你們要憎惡,也不可吃這些雀鳥:兀鷹(雀鳥的名字中文翻譯還未統一,牠們的學名多不能確定)、鵰、鷲、
14noruvangu, nenjerere, namarudzi adzo;
14鳶、獵鷹等隼類,
15namarudzi ose amakunguvo;
15所有烏鴉類,
16nemhou, nezizi, neshiri yegungwa, namarudzi ose oruvangu;
16鴕鳥、貓頭鷹、海鷗、蒼鷺等鷹類。
17nezizi duku, nekanyurura-hove, nezizi guru;
17鴟鶚、鸕鶿、大鴟梟、
18nejichidza, nekondo, negora;
18白鷺、塘鵝、鴇、
19nezimudo, namarudzi ose ekondo, nemhupupu, nechiremwaremwa.
19鸛、紅鶴等鷺鷥類,戴勝和蝙蝠。
20Zvose zvinamapapiro zvichikambaira, zvichifamba namakumbo mana, zvinofanira kuva zvinhu zvinonyangadza kwamuri.
20“凡有翅膀、四足爬行的生物,你們都要當作可憎之物。
21Asi izvi mungadya pakati pezvose zvinamapapiro zvichikambaira, zvichifamba namakumbo mana, zvinamakumbo pamusoro petsoka dzazvo azvinokwakuka nawo panyika.
21但在所有有翅膀、四足爬行的生物中,如果有足有腿,能在地上蹦跳的,你們都可以吃。
22Ndizvo zvamungadya pakati pazvo: Marudzi ose emhashu, namarudzi ose echinjiki, namarudzi ebambamukota, namarudzi egwatakwata.
22在昆蟲中,你們可以吃這些:蝗蟲類、螞蚱類、蟋蟀類和蚱蜢類。
23Asi zvose zvinamapapiro zvinokambaira zvinamakumbo mana, zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri.
23但是其他所有有翅膀四足的生物,你們都要當作可憎之物。
24Muchasvibiswa nezvizvi: Ani naani unobata zvitunha zvazvo uchava usina kunaka kusvikira madeko.
24“以下事物,會使你們成為不潔:觸摸動物屍體的,就不潔淨到晚上。
25Ani naani wakatakura chitunha chazvo, anofanira kusuka nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko.
25拾起牠們的屍體的,就要洗淨自己的衣服,並且不潔淨到晚上。
26Mhuka dzose dzinamahwanda akaparadzana, asi dzisina tsoka dzakaparadzana, dzisingadzeyi, zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri; mumwe nomumwe unozvibata uchava usina kunaka.
26所有分蹄卻無趾的、不反芻的走獸,你們應以為不潔淨,觸摸牠們的,就不潔淨。
27Zvose zvinofamba netsoka dzakapfava pakati pemhuka dzose dzinofamba namakumbo mana, zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri; ani naani unobata zvitunha zvazvo uchava usina kunaka kusvikira madeko.
27所有用四足行走的動物中,用腳掌行走的,你們應以為不潔淨,觸摸牠們屍體的,都不潔淨到晚上。
28Munhu unotakura zvitunha zvazvo ngaasuke nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko; zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri.
28拾起牠們屍體的,就要洗淨自己的衣服,並且不潔淨到晚上。以上這些你們應以為不潔淨。
29Zvisakanaka kwamuri pakati pezvinokambaira, zvinokambaira panyika ndizvo: Chidembo, negonzo, namarudzi egwavava,
29“在地上爬行的生物中,你們應以為不潔淨的是這些:鼬鼠、鼫鼠、蜥蜴這一類,
30nechipfira, nedzvinyu, negoroodyo, nedhambakura, norwaivhi.
30以及壁虎、龍子、守宮、蛇醫、變色龍。
31Izvozvo zvinofanira kuva zvisakanaka kwamuri pakati pezvose zvinokambaira; ani naani unozvibata kana zvakafa uchava usina kunaka kusvikira madeko.
31在所有爬行的生物中,你們應以這些為不潔淨;牠們死了以後,觸摸牠們的,都不潔淨到晚上。
32Chinhu chipi nechipi chinowirwa nechimwe chazvo kana chakafa, chichava chisina kunaka; kana iri nhumbi yamatanda, kana nguvo, kana debwe, kana hombodo, kana iri nhumbi ipi neipi inobatwa basa nayo, inofanira kunyikwa mumvura, ive isina kunaka kusvikira madeko; ipapo ichava yakanaka.
32牠們當中死了的,掉在甚麼東西上,無論是木器或是衣服,皮子或是布袋等任何器具,都成為不潔淨,要放在水中。但仍不潔淨到晚上,以後就真潔淨了。
33Hari imwe neimwe yevhu yawirwa mukati mayo nechimwe chazvo, zvose zviri mukati mayo zvinofanira kuva zvisina kunaka, naiyo munofanira kuiputsa.
33牠們當中死了的,掉在甚麼瓦器裡,其中不論是甚麼,都成為不潔淨,你們要把瓦器打碎。
34Zvokudya zvose zvirimo zvingadyiwa, kana zvadirwa mvura, zvinofanira kuva zvisina kunaka; nezvinomwiwa zvose zviri muhari iyo zvinofanira kuva zvisina kunaka.
34瓦器的水若是滴在任何食物上,食物就成了不潔淨,若是滴在裝了飲料的器皿裡,飲料也成為不潔淨。
35Zvose zvinowirwa nechitunha chazvo, zvichava zvisina kunaka, kana choto, kana chikuva chehari, zvinofanira kuputswa chose; hazvina kunaka, ngazvive zvisina kunaka kwamuri.
35牠們屍體的任何部分掉在甚麼東西上,那東西就不潔淨,無論是爐或是鍋,都成為不潔淨,應該打碎;你們應以這些為不潔淨。
36Asi tsime kana dziva makachengetwa mvura, zvichava zvakanaka; asi chinogunzva chitunha chazvo chichava chisina kunaka, kwamuri.
36但是水源和儲水池仍算是潔淨的。只有觸摸水中屍體的,才是不潔淨。
37Kana chitunha chechimwe chazvo chikawira pamusoro pembeu yakanga yakushwa, ichava yakanaka.
37牠們屍體的一部分掉在要播種的種子上,種子還是潔淨的;
38Asi kana mbeu ikadirwa mvura, chitunha chechimwe chazvo chakwira pamusoro payo, inofanira kuva isina kunaka kwamuri.
38但是,如果種子已經澆了水,牠們屍體的一部分才掉在種子上面,你們應以這種子為不潔淨。
39Kana mhuka ipi neipi ingadyiwa, ikafa, ani naani unogunzva chitunha chayo uchava usina kunaka kusvikira madeko.
39“一隻你們可以吃的走獸死了,誰摸了牠的屍體,就不潔淨到晚上;
40Unodya chitunha chayo ngaasuke nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko; nomunhu unotakura chitunha chayo ngaasuke nguvo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko.
40誰吃了牠的屍體,就要洗淨自己的衣服,並且不潔淨到晚上;誰拾起這屍體,也要洗淨自己的衣服,並且不潔淨到晚上。
41Zvose zvinokambaira, zvinokambaira panyika, zvinofanira kuva zvinonyangadza, hazvifaniri kudyiwa.
41“所有在地上爬行的動物,都是可憎之物,都不可吃。
42Zvose zvinofamba nedumbu, uye zvose zvinofamba namakumbo mana, uye zvose zvinofamba namakumbo mazhinji, zvose zvinokambaira, zvinokambaira panyika, hamufaniri kuzvidya; nekuti zvinonyangadza.
42凡是用肚子,或用四足或是多足在地上爬行的動物,你們都不可吃,因為牠們是可憎之物。
43Musazviita vanonyangadza nechinokambaira chipi nechipi, musazviita vasina kunaka nazvo, kuti murege kusvibiswa nazvo.
43你們不可因任何爬行的動物使自己成為可憎的,也不可因牠們玷污自己,以致不潔淨。
44Nekuti ndini Jehovha, Mwari wenyu; naizvozvo zvitsaurei, muve vatsvene, nekuti ini ndiri mutsvene; musazvisvibisa nechinokambaira chipi nechipi chinopfakanyika panyika.
44因為我是耶和華你們的 神,所以你們要使自己成為聖潔。你們要分別為聖,因為我是聖潔的。你們不可因在地上爬行的任何動物玷污自己,
45Nekuti ndini Jehovha wakakubudisai panyika yeEgipita, kuti ndive Mwari wenyu; naizvozvo muve vatsvene, nekuti ini ndiri mutsvene.
45因為我是耶和華,曾把你們從埃及地領上來,為要作你們的 神;你們要分別為聖,因為我是聖潔的。”
46Ndiwo murayiro wemhuka, noweshiri, nowezvipenyu zvose zvinopfakanyika mumvura, nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika;
46以上就是有關走獸、飛禽、所有在水中游行的動物,和所有在地上爬行的動物的律例,
47kuti mutsaure pakati pezvisakanaka nezvakanaka, napakati pezvipenyu zvingadyiwa nezvipenyu zvisingadyiwi.
47為要把不潔淨的和潔淨的,可吃的生物和不可吃的生物,分別出來。