1Zvino panguva iyo kwakange kune vamwe vakamuudza zvevaGarirea, ropa ravo Pirato raakange avhenganisa nezvibayiro zvavo.
1若不悔改都要滅亡就在那時候,有幾個在那裡的人,把加利利人的事告訴耶穌,就是彼拉多把他們的血和他們的祭物攙在一起的事。
2Zvino Jesu achipindura wakati kwavari: Munofunga kuti vaGarirea avo vaiva vatadzi kupfuura vaGarirea vose here, nokuti vakatambudzika zvinhu zvakadai?
2他回答:“你們以為這些加利利人比其他的加利利人更有罪,才這樣受害嗎?
3Kwete, ndinoti kwamuri: Asi kana musingatendeuki, mose muchaparara saizvozvo.
3不是的,我告訴你們,你們若不悔改,都要這樣滅亡。
4Kana vaya gumi nevasere, rusvingo parwakawira pamusoro pavo muSiroami, rwukavauraya, munofunga kuti ivo vakange vari vadariki kukunda vanhu vose vaigara muJerusarema here?
4你們以為從前西羅亞樓倒塌的時候,壓死的那十八個人,比一切在耶路撒冷的居民更有罪嗎?
5Kwete, ndinoti kwamuri: Asi kana musingatendeuki, mose muchaparara saizvozvo.
5不是的,我告訴你們,你們若不悔改,也都要這樣滅亡。”
6Zvino wakataura mufananidzo uyu akati: Umwe wakange ane muonde, wakange wakasimwa mumunda wake wemizambiringa; akasvika achitsvaka chibereko kwauri, asi wakashaiwa.
6不結果的無花果樹耶穌講了這樣一個比喻:“有一個人把一棵無花果樹栽在自己的葡萄園裡。他來到樹那裡找果子,卻找不到。
7Zvino wakati kumurimi wemunda wemizambiringa: Tarira, makore matatu ndichiuya ndichitsvaka chibereko pamuonde uyu, ndikashaiwa; uteme, unourayirei kunyange ivhu?
7他對管園的說:‘你看,這三年,我來到這棵無花果樹那裡找果子,卻找不到,把它砍了吧!何必白佔地土呢?’
8Iye achipindura wakati kwaari: Ishe, muregei gore rinowo, kusvikira nditimbe ndichiupoteredza, nekuuisa mupfudze;
8管園的說:‘主人,今年且留著它,等我把周圍的泥土挖鬆,加上肥料;
9zvino kana ukabereka chibereko, zvakanaka; asi kana zvikasadaro, shure kweizvozvo mungazoutema henyu.
9以後結果子就罷,不然,再把它砍了。’”
10Zvino waiva achidzidzisa mune rimwe remasinagoge nesabata;
10在安息日治好病人安息日的時候,耶穌在會堂裡教導人。
11zvino tarira, kwaiva kune mukadzi waiva nemweya weundonda makore gumi nemasere, wakange akakombama musana, asingatongogoni kutasamuka.
11有一個女人被邪靈附著,病了十八年,彎腰曲背,完全直不起來。
12Zvino Jesu wakati achimuona, akamudanira kwaari, akati kwaari: Mukadzi, wasunungurwa paundonda hwako.
12耶穌看見了,就叫她過來,對她說:“婦人,你脫離這疾病了。”
13Ndokuisa maoko pamusoro pake; pakarepo akatasanudzwa, akarumbidza Mwari.
13耶穌用雙手按在她身上,她立刻直起腰來,頌讚 神。
14Asi mutungamiriri wesinagoge wakapindura akatsamwa nekuti Jesu wakaporesa nesabata, akati kuchaunga: Pane mazuva matanhatu anofanira kubatwa nawo; naizvozvo uyai naiwayo muporeswe, asi kwete nemusi wesabata.
14會堂的主管,因為耶穌在安息日治病,就氣忿忿地對群眾說:“有六天是應當作工的,你們可以在這六天裡來求醫,但在安息日卻不可以。”
15Naizvozvo Ishe wakamupindura, akati: Munyepedzeri, umwe neumwe wenyu haangasununguri nzombe yake kana mbongoro pachidyiro nesabata, akaitungamidza kunoimwisa here?
15主說:“偽君子啊,你們哪一個人在安息日,不從槽那裡解開牛、驢,牽去喝水呢?
16Zvino uyu, ari mukunda waAbhurahamu, Satani waakange akasunga, tarira, makore gumi nemasere, hazvina kufanira kuti asunungurwe pachisungo ichi nesabata here?
16何況這個女人是亞伯拉罕的後裔,已經被撒但捆綁了十八年,不應當在安息日解開她的捆綁嗎?”
17Zvino achireva zvinhu izvi, vapikisi vake vose vakanyadziswa; asi chaunga chose chakafara nezvinhu zvose zvinorumbidzwa zvakaitwa naye.
17他說完了這些話,那些與他為敵的人都慚愧;群眾卻都因他所行一切榮耀的事歡喜。
18Zvino akati: Ushe hwaMwari hwakaita sei? Uye ndichahwufananidza nei?
18芥菜種和麵酵的比喻(太13:31~33;可4:30~32)耶穌說:“ 神的國好像甚麼呢?我要把它比作甚麼呢?
19Hwakaita setsanga yemasitadha, munhu yaakatora akakanda mubindu rake; ikakura, ikaita muti mukuru, neshiri dzekudenga dzikavaka matendere pamatavi awo.
19它好像一粒芥菜種,人拿去種在自己的園子裡。它長大了,成為一棵樹,甚至天空的飛鳥也在它的枝頭搭窩。”
20Akatizve: Ndichahwufananidza nei ushe hwaMwari?
20他又說:“我要把 神的國比作甚麼呢?
21Hwakaita sembiriso, mukadzi yaakatora akaiisa muzviyero zvitatu zveupfu, kusvikira hwose hwaviriswa.
21它好像麵酵,女人拿去放在三斗麵裡,直到全團發起來。”
22Zvino wakafamba achipfuura mumaguta nemisha achidzidzisa, ari munzira kuenda kuJerusarema.
22當進窄門(太7:13~14、21~23)耶穌經過各城各鄉,往耶路撒冷去,沿途教導人。
23Umwe ndokuti kwaari: Ishe, vachaponeswa vashoma here? Akati kwavari:
23有一個人問他:“主啊,是不是只有很少的人得救呢?”他對眾人說:
24Rwisai kupinda nesuwo rakamanikana; nekuti vazhinji, ndinoti kwamuri, vachatsvaka kupinda, asi havangagoni.
24“你們應當竭力進窄門!我告訴你們,將來許多人要進去,卻是不能。
25Shure kwekunge mwene weimba asimuka avhara mukova, zvino mukatanga kumira kunze nekugogodza pamukova, muchiti: Ishe, Ishe, tizarurirei; iye agopindura achiti kwamuri: Handikuziviyi kwamunobva.
25等到家主起來關上門,你們站在門外叩門說:‘主啊,給我們開門!’他要回答你們:‘我不知道你們是從哪裡來的。’
26Ipapo muchatanga kuti: Takadya nekumwa pamberi penyu, uye makadzidzisa panzira dzekwedu.
26那時,你們要說:‘我們在你面前吃過喝過,你也在我們街上教導過人。’
27Asi uchati: Ndinoti kwamuri: Handikuziviyi kwamunobva; ibvai kwandiri imwi mose vaiti vezvakaipa.
27他要說:‘我告訴你們,我不曉得你們是從哪裡來的;你們所有作惡的人,離開我去吧!’
28Apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno, kana moona Abhurahamu naIsaka naJakobho nevaporofita vose muushe hwaMwari, asi imwi marasirwa kunze.
28當你們看見亞伯拉罕、以撒、雅各和眾先知都在 神的國裡的時候,你們卻被趕到外面去,在那裡必要哀哭切齒。
29Uye vachabva kumabvazuva nemavirira, uye kubva kumaodzanyemba nechamhembe, vachagara pakudya muushe hwaMwari.
29從東從南,從西從北,將有人來,在 神的國裡吃飯。
30Zvino tarirai, varipo vekupedzisira vachava vekutanga, uye varipo vekutanga vachava vekupedzisira.
30在後的將要在前,在前的將要在後。”
31Nezuva iroro kwakasvika vamwe vaFarisi, vachiti kwaari: Budai mubve pano, nekuti Herodhe unoda kukuurayai.
31為耶路撒冷歎息(太23:37~39。參路19:41)就在那時候,有幾個法利賽人來對耶穌說:“你離開這裡走吧!因為希律想要殺你。”
32Akati kwavari: Endai, munoudza gava iro, muti: Tarira, ndinobudisa madhimoni nekuita kuporesa nhasi namangwana, neretatu ndinopedzeredza.
32他說:“你們去告訴那個狐狸,今天明天我趕鬼醫病,第三天我的事就完成了。
33Asi zvakafanira kuti ndifambe nhasi namangwana nerinotevera, nekuti hazvigoneki kuti muporofita apararire kunze kweJerusarema.
33然而,今天明天後天,我必須前行,因為先知不能在耶路撒冷以外喪命。
34Jerusarema, Jerusarema, iwe unouraya vaporofita, nekutaka nemabwe avo vanotumwa kwauri! Ndakange ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako semhambo hukwana dzayo pasi pemapapiro, asi hamuna kuda.
34耶路撒冷啊,耶路撒冷,你殺害先知,又用石頭把奉派到你那裡的人打死。我多次想招聚你的兒女,好像母雞招聚小雞到翅膀底下,只是你們不願意。
35Tarirai, imba yenyu yasiiya kwamuri riri dongo; asi zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hamuchazondioni, kusvikira zvasvika kuti muti: Ngaarumbidzwe iye unouya nezita raIshe!
35你看,你們的家必成為荒場留給你們。我告訴你們,從今以後,你們一定見不到我,直等到你們說:‘奉主名來的,是應當稱頌的。’”