Shona

聖經新譯本

Luke

16

1Zvino wakataurawo kuvadzidzi vake achiti: Kwakange kune umwe munhu mufumi, waiva nemutariri; iye wakapomerwa kwaari seunoparadza nhumbi dzake.
1不義的管家耶穌又對門徒說:“有一個財主的管家,有人在他主人面前告他浪費主人的財物。
2Zvino wakamudana akati kwaari: Chii ichi chandinonzwa nezvako? Rondedzera nezveutariri hwako; nekuti hauchazogoni kuva mutariri.
2主人把他叫來,對他說:‘我聽見關於你的是怎麼一回事呢?把你管理的帳目交代清楚,因為你不能再作管家了。’
3Zvino mutariri wakati mukati make: Ndichaitei, sezvo ishe wangu wonditorera utariri? Handigoni kuchera, kupemha ndinonyara.
3那管家心裡說:‘主人不要我再作管家了,我作甚麼才好呢?鋤地吧,沒有力氣!討飯吧,怕羞!
4Ndaziva zvandichaita, kuti kana ndabudiswa pautariri, vandigamuchire mudzimba dzavo.
4我知道要怎麼作了,好使人在我離開管家的職務以後,接我到他們家裡去。’
5Zvino wakadanira kwaari umwe neumwe wakange ane chikwereti kuna ishe wake, akati kune wekutanga: Une chikwereti chakadini kuna ishe wangu?
5於是把欠他主人債的人,一個一個地叫來,問頭一個說:‘你欠我主人多少?’
6Iye ndokuti: Zviyero zana zvemafuta. Ndokuti kwaari: Tora rugwaro rwako, ugare pasi nekukurumidza unyore makumi mashanu.
6他說:‘四千公升油。’管家說:‘拿你的欠單去,快坐下寫二千。’
7Ndokuti kune umwe: Newe, une chikwereti chakadini? Iye ndokuti: Zviyero zana zvezviyo. Akati kwaari: Tora rugwaro rwako, unyore makumi masere.
7又問一個說:‘你欠多少?’他說:‘四萬公升麥子。’管家說:‘拿你的欠單去,寫三萬。’
8Zvino Ishe wakarumbidza mutariri usakarurama, nekuti wakange aita nekuchenjera; nekuti vana venyika ino vakachenjera pazera ravo kukunda vana vechiedza.
8主人就誇獎這不義的管家作事機警;因為在應付自己的世事上,今世之子比光明之子更精明。
9Neni ndinoti kwamuri: Muzviitire shamwari nafuma wekusakarurama, kuti kana musingachagoni, vakugamuchirei mudzimba dzekusingaperi.
9我告訴你們,要用不義的錢財去結交朋友,好叫錢財無用的時候,他們可以接你們到永恆的帳棚裡。
10Wakatendeka pachidukusa wakatendekawo pachikuru, neusakarurama pachidukusa haana kururamawo pachikuru.
10在最小的事上忠心的,在大事上也忠心;在最小的事上不義的,在大事上也不義。
11Naizvozvo kana musina kutendeka pana fuma usakarurama, ndiani uchakubatisai chinhu chechokwadi?
11如果你們在不義的錢財上不忠心,誰還把真實的錢財託付給你們呢?
12Uye kana musina kutendeka pane cheumwe, ndiani uchakupai chenyu?
12如果你們在別人的東西上不忠心,誰還把你們自己的東西交給你們呢?
13Hakuna muranda unogona kubatira vana tenzi vaviri; nekuti zvimwe uchavenga umwe, ndokuda umwe; kana kuti uchanamatira kune umwe agozvidza umwe. Hamugoni kubatira Mwari nafuma.
13不能服事兩個主人(太5:31~32,11:12~13;可10:11~12)“一個家僕不能服事兩個主人;他若不是恨這個愛那個,就是忠於這個輕視那個。你們不能服事 神,又服事金錢。”
14Zvino nevaFarisi vakange vari vadi vemari, vakanzwa zvinhu izvi zvose, vakamunyomba.
14貪財的法利賽人聽見這些話,就嗤笑耶穌。
15Zvino wakati kwavari: Imwi ndimwi vanozviruramisa pamberi pevanhu, asi Mwari unoziva moyo yenyu; nekuti icho chinokwiridzirwa pakati pevanhu, chinyangadzo pamberi paMwari.
15耶穌對他們說:“你們在人面前自稱為義, 神卻知道你們的心;因為人所高舉的, 神卻看作是可憎惡的。
16Murairo nevaporofita zvaivapo kusvikira kuna Johwani; kubva ipapo evhangeri neushe hwaMwari zvinoparidzwa, uye umwe neumwe unosenerera mahwuri.
16律法和先知到約翰就結束了。從此, 神的國的福音就傳開了,人人都要努力進去。
17Asi zvakareruka kuti denga nenyika zvipfuure, pakuti chidodzi chimwe chemurairo chiwe.
17天地過去,要比律法的一點一畫失效還容易呢。
18Ani nani unoramba mukadzi wake akawana umwe unoita upombwe; uye ani nani unowana wakarambwa kumurume unoita upombwe.
18凡休妻另娶的,就犯了姦淫;娶被丈夫所休的,也是犯了姦淫。
19Kwakange kune umwe munhu mufumi, waipfeka zvine ruvara rwehute nemicheka yerineni yakapfava, nekufara paumbozha mazuva ose.
19財主與拉撒路“有一個財主,身穿紫色袍和細麻衣,天天奢華宴樂。
20Zvino kwakange kune umwe mupemhi wainzi Razaro, wakange akaiswa pasuwo rake azere maronda,
20又有一個乞丐,名叫拉撒路,滿身是瘡,被人放在財主門口,
21uye waishuva kugutswa nezvimedu zvaiwa patafura yemufumi; kunyange imbwa dzaiuya dzichinanzwa maronda ake.
21想得財主桌子上掉下來的零碎充飢;並且有狗來舔他的瘡。
22Zvino zvakaitika kuti mupemhi wakafa, akatakurirwa nevatumwa kuchifuva chaAbhurahamu; mufumi akafawo, akavigwa.
22後來乞丐死了,被天使送到亞伯拉罕的懷裡。那財主也死了,並且埋葬了。
23Zvino ari muhadhesi* wakasimudza meso ake, ari pamarwadzo, ndokuona Abhurahamu ari kure, naRazaro ari pachifuva chake.
23財主在陰間受痛苦,舉目遠遠望見亞伯拉罕,和他懷裡的拉撒路,
24Iye ndokudanidzira akati: Baba Abhurahamu, ndinzwirei tsitsi, mutume Razaro, kuti anyike muromo wemumwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu; nekuti ndinorwadziswa mumurazvo uyu.
24就喊著說:‘我祖亞伯拉罕啊,可憐我吧!打發拉撒路來用指頭蘸點水,涼涼我的舌頭吧!因為我在這火燄裡非常痛苦。’
25Asi Abhurahamu wakati: Mwana, rangarira kuti iwe muupenyu hwako wakagamuchira zvakanaka zvako, saizvozvo naRazaro zvakaipa; asi zvino iye unonyaradzwa, uye iwe unorwadziwa.
25亞伯拉罕說:‘孩子,你應該回想你生前享過福,同樣拉撒路受過苦,現在他在這裡得安慰,你卻要受苦了。
26Uye pamusoro peizvi zvose, pakati pedu nemwi pane mukaha mukuru wakaiswa, kuti vanoda kuyambuka kubva kuno vachiuya kwamuri vakonewe, neveko varege kuyambukira kwatiri.
26不但這樣,我們與你們之間,有深淵隔開,人想從這邊過到你們那裡是不可能的,從那邊過到我們這邊也是不可能的。’
27Iye ndokuti: Naizvozvo ndinokukumbirisai, baba, kuti mumutumire kuimba yababa vangu,
27那人說:‘我祖啊,那麼求你差遣拉撒路到我家裡去,
28nekuti ndine vanakomana vamai vangu vashanu, kuti anyatsovapupurira, zvimwe ivowo vangauya panzvimbo ino yemarwadzo.
28因為我有五個兄弟,他可以警告他們,免得他們也到這受苦的地方來。’
29Abhurahamu akati kwaari: Mozisi nevaporofita vanavo; ngavanzwe ivo.
29亞伯拉罕說:‘他們有摩西和先知可以聽從。’
30Iye ndokuti: Kwete, Baba Abhurahamu; asi kana umwe akaenda kwavari kubva kuvakafa, vachatendeuka.
30他說:‘不然,我祖亞伯拉罕啊,如果有人從死人中復活,到他們那裡去,他們必定會悔改。’
31Asi wakati kwaari: Kana vasingateereri Mozisi nevaporofita, havangatendiswi, kana umwe akamuka kuvakafa.
31亞伯拉罕說:‘如果他們不聽從摩西和先知,就算有一個從死人中復活的人,他們也不會接受勸告。’”