Shona

聖經新譯本

Luke

19

1Zvino Jesu wakapinda, akagura muJeriko.
1稅吏長撒該耶穌進了耶利哥,正經過的時候,
2Zvino tarira, murume wainzi Zakewu nezita; iye wakange ari mutungamiriri wevateresi, uye iye waiva mufumi;
2有一個人名叫撒該,是稅吏長,又很富有。
3uye wakatsvaka kuona Jesu kuti ndiani; asi wakange asingagoni nekuda kwechaunga, nekuti wakange ane chimiro chifupi.
3他想看看耶穌是怎麼樣的,因為人多,他又身材矮小,就看不見。
4Zvino wakamhanyira mberi, akakwira mumuonde wemusikamori kuti amuone; nekuti wakange achizopfuura nenzira iyo.
4於是他跑到前頭,爬上一棵桑樹,要看看耶穌,因為耶穌就要從那裡經過。
5Zvino Jesu wakati achisvika panzvimbo iyo, wakatarira kumusoro, akamuona, akati kwaari: Zakewu, kurumidza uburuke; nekuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.
5耶穌到了那裡,往上一看,對他說:“撒該,快下來,今天我要住在你家裡。”
6Zvino wakakurumidza kuburuka, akamugamuchira achifara.
6他就趕快下來,歡歡喜喜地接待耶穌。
7Zvino vakati vazviona vakan'un'una vose vachiti: Wapinda kunogara nemurume mutadzi.
7眾人看見就紛紛議論說:“他竟到罪人家裡去住宿!”
8Asi Zakewu wakamira, akati kuna Ishe: Tarirai, hafu yefuma yangu, Ishe, ndinopa kuvarombo, uye kana ndakatora chinhu kune umwe munhu nekunyengera, ndinodzosera runa.
8撒該站著對主說:“主啊,請看,我要把家財的一半分給窮人,我若敲詐了誰,就還他四倍。”
9Jesu akati kwaari: Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno; nekuti iyewo mwanakomana waAbhurahamu.
9耶穌說:“今天救恩到了這家,他也是亞伯拉罕的子孫。
10Nekuti Mwanakomana wemunhu wakauya kuzotsvaka nekuponesa chakarasika.
10因為人子來,是要尋找拯救失喪的人。”
11Vakati vanzwa zvinhu izvi, wakawedzera akataura mufananidzo, nekuti wakange ava pedo neJerusarema, uye nekuti vaifunga kuti ushe hwaMwari hwobva hwodoonekereswa.
11十個僕人的比喻(參太25:14~30)眾人聽這些話的時候,因為耶穌已經接近耶路撒冷,又因他們以為 神的國快要出現,他就講了一個比喻,
12Naizvozvo wakati: Umwe munhu une mbiri wakaenda kunyika iri kure, kunozvigamuchirira ushe agodzoka.
12說:“有一個貴族往遠方去要接受王位,然後回來。
13Zvino wakadana varanda vake gumi, ndokuvapa pondo gumi, ndokuti kwavari: Bhindaukai kusvikira ndichiuya.
13他叫了自己的十個僕人來,給他們一千銀幣,說:‘你們拿去作生意,等到我回來。’
14Asi vanhu venyika yake vakange vachimuvenga, vakatuma nhume shure kwake, vachiti: Hatidi uyu kuti atitonge.
14他本國的人卻恨他,就派使者跟著去說:‘我們不願意這個人作王統治我們。’
15Zvino zvakaitika kuti adzoka agamuchira ushe, wakaraira kuti vaya varanda vaakange apa mari, vadanirwe kwaari, kuti anzwe kuti umwe neumwe wakawana zvakadini nekutengeserana.
15他得了王位回來,就吩咐把那些領了錢的僕人召來,要知道他們作生意賺了多少。
16Wekutanga ndokusvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yawana pondo gumi.
16第一個走過來說:‘主啊,你的一百銀幣,已經賺了一千。’
17Zvino akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka; nekuti wakange wakatendeka pachiduku-duku, uve nesimba pamusoro pemaguta gumi.
17主人說:‘好,良善的僕人,你既然在最小的事上忠心,可以有權管理十座城。’
18Newechipiri wakasvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yawana pondo shanu.
18第二個來說:‘主啊,你的一百銀幣,已經賺了五百。’
19Akati kwaariwo: Newe, uve pamusoro pemaguta mashanu.
19主人說:‘你可以管理五座城。’
20Zvino umwe wakasvika, achiti: Ishe, tarirai pondo yenyu, yandakange ndakachengeta mumucheka wekumeso;
20另一個來說:‘主啊,你看,你的一百銀幣,我一直保存在手巾裡,
21nekuti ndakange ndichikutyai, nekuti muri munhu wakaoma; munotora zvamusina kuisa, muchikohwa izvo zvamusina kudzvara.
21因為我怕你,你一向是嚴厲的人,沒有存的要提取,沒有種的要收割。’
22Zvino wakati kwaari: Ndichakutonga nezvinobuda mumuromo mako, muranda wakaipa; wakange uchiziva kuti ini ndiri munhu wakaoma, ndichitora zvandisakaisa, nekukohwa izvo zvandisina kudzvara;
22主人說:‘可惡的僕人!我要憑你的口定你的罪。你知道我是嚴厲的人,沒有存的要提取,沒有種的要收割嗎?
23naizvozvo sei usina kuisa mari yangu mubhanga, kuti kana ndouya ndigozoitora pamwe nezvibereko.
23那你為甚麼不把我的錢存入銀行,等我回來的時候,把它連本帶利取回來呢?’
24Ndokuti kune vakange vamirepo: Mutorerei pondo mupe kuune pondo gumi.
24他就對侍衛說:‘奪過他的一百銀幣,給那有一千的。’
25Asi vakati kwaari: Ishe, une pondo gumi.
25他們說:‘主啊,他已經有一千銀幣了。’
26Nekuti ndinoti kwamuri: Wose unazvo uchapiwa; asi uyo usina, uchatorerwa nezvaanazvo.
26主人說:‘我告訴你們,凡是有的,還要給他;沒有的,就算他有甚麼也要拿去。
27Asi vavengi vangu avo, vakange vasingadi kuti nditonge pamusoro pavo, uyisai pano, muvauraye pamberi pangu.
27至於我那些仇敵,就是不願意我作王統治他們的,把他們拉到這裡來,在我面前殺掉!’”
28Zvino wakati areva zvinhu izvi, akapfuurira mberi, achikwira kuJerusarema.
28騎驢進耶路撒冷(太21:1~9;可11:1~10;約12:12~15)耶穌講完這些話,就往前走,上耶路撒冷去。
29Zvino zvakaitika oswedera kuBhetifage neBhetaniya pagomo rinonzi reMiorivhi, wakatuma vaviri vevadzidzi vake,
29將到伯法其和伯大尼,就在橄欖山那裡,他差派兩個門徒,
30achiti: Fambai muende mumusha wakatarisana nemwi; kana muchipinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina munhu wakamborigara; murisunungure, mugoriuyisa.
30說:“你們往對面的村子裡去,就會看見一頭從來沒有人騎過的小驢,拴在那裡,把牠解開牽來。
31Zvino kana chero munhu akakubvunzai achiti: Munorisunungurirei? Muchataura kwaari kudai: Ishe unorida.
31如果有人問為甚麼解開牠,你們要這樣說:‘主需要牠。’”
32Avo vakatumwa vakaenda vakanowana sezvaakange ataura kwavari.
32被差的人去了,發現和主所說的一樣。
33Zvino vakati vachisunungura dhongwana, varidzi varo vakati kwavari: Munosunungurirei dhongwana?
33他們解開小驢的時候,主人問他們:“你們為甚麼解開牠?”
34Ivo ndokuti: Ishe unorida.
34他們說:“主需要牠。”
35Zvino vakariuyisa kuna Jesu; ndokukanda nguvo dzavo pamusoro pedhongwana, vakatasvisa Jesu pariri.
35他們把小驢牽到耶穌那裡,把自己的衣服搭在上面,扶著耶穌上去。
36Zvino achifamba, vakawarira nguvo dzavo munzira.
36耶穌前行的時候,眾人把自己的衣服鋪在路上。
37Zvino wakati oswedera ikozvino pamateru egomo reMiorivhi, chaunga chose chevadzidzi chikatanga kufara chichirumbidza Mwari nenzwi guru pamusoro pamabasa ose esimba avakange vaona,
37他走近耶路撒冷,快要下橄欖山的時候,全體門徒因為所看見的一切神蹟,就歡樂起來,大聲讚美 神,
38vachiti: Wakaropafadzwa mambo unouya muzita raIshe; rugare kudenga, nekubwinya kumusoro-soro.
38說:“奉主名來的王,是應當稱頌的!在天上有和平,在至高之處有榮耀!”
39Uye vamwe vevaFarisi vari pakati pechaunga vakati kwaari: Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu.
39群眾中有幾個法利賽人對他說:“先生,責備你的門徒吧!”
40Zvino wakapindura akati kwavari: Ndinokuudzai kuti kana ava vakanyarara, mabwe achadanidzira.
40耶穌說:“我告訴你們,他們若不出聲,石頭都要呼叫了。”
41Zvino wakati aswedera, wakaona guta, akachema pamusoro paro,
41為耶路撒冷哀哭耶穌走近耶路撒冷的時候,看見了城,就為城哀哭,
42achiti: Dai newe waiziva, kunyange pazuva rino rako, zvinhu zverugare rwako; asi zvino zvakavanzirwa meso ako.
42說:“巴不得你在這日子,知道關於你平安的事,但現在這事在你眼前是隱藏的。
43Nekuti mazuva achasvika pamusoro pako, apo vavengi vako vachakukandira muchinjiziri wakakupoteredza, vachakukomba, nekukudzvinyidzira pamativi ose,
43日子將到,你的仇敵必築壘攻擊你,周圍環繞你,四面困住你,
44uye vachakuputsira pasi iwe nevana vako mukati mako, havangasii mukati mako ibwe pamusoro peibwe; nekuti hauna kuziva nguva yekushanyirwa kwako.
44要摧毀你和你裡面的兒女,沒有一塊石頭留在另一塊石頭上面,因為你不知道那眷顧你的時期。”
45Zvino wakapinda mutembere, akatanga kudzingira panze vakange vachitengesamo nevaitenga,
45潔淨聖殿(太21:12~17;可11:15~19;約2:13~22)耶穌進了聖殿,就趕走作買賣的人,
46achiti kwavari: Kwakanyorwa kuti: Imba yangu imba yemunyengetero; asi imwi maiita bako remakororo.
46對他們說:“經上記著:‘我的殿是禱告的殿’,你們竟把它弄成賊窩了。”
47Zvino waidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutembere; asi vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu vakatsvaka kumuparadza.
47他天天在聖殿裡教導人,祭司長、經學家和民間的首領,都想殺害他;
48Asi havana kuwana zvavangaita, nekuti vanhu vose vakamunamatira vachimunzwa.
48但他們不知道要怎樣下手,因為眾人都圍著他,聽他的教訓。