1Zvino zvakaitika nemazuva iwayo, chiga chakabuda kubva kuna Kesari Agasto, kuti nyika yose inyorwe.
1耶穌基督降生(太1:18~25)那時,有諭旨從凱撒奧古士督頒發下來,叫普天下的人登記戶口。
2Kunyorwa uku kwaiva kwekutanga kwakaitwa Kuriniosi ari mutungamiriri weSiria.
2這是第一次戶口登記,是在居里紐作敘利亞總督的時候舉行的。
3Vose ndokuenda kunonyorwa, umwe neumwe kuguta rekwake.
3眾人各歸各城去登記戶口。
4NaJosefawo akakwira achibva Garirea muguta Nazareta, akaenda Judhiya kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetirehemu, nekuti waiva weimba nedzinza raDhavhidhi,
4約瑟本是大衛家族的人,也從加利利的拿撒勒上猶太去,到了大衛的城伯利恆,
5kunonyorwa naMaria mukadzi wakange atsidzira kuwanikwa naye, ava nemimba.
5與所聘之妻馬利亞一同登記戶口。那時馬利亞的身孕已經重了。
6Zvakaitika kuti vachipo, mazuva okusununguka kwake akazadzisika;
6他們在那裡的時候,馬利亞的產期到了,
7ndokuzvara mwanakomana wake wedangwe, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro, nekuti makange musina nzvimbo yavo muimba yevaeni.
7生了頭胎兒子,用布包著,放在馬槽裡,因為客店裡沒有地方。
8Zvino kwakange kune vafudzi munyika iyoyo vaigara kuuragu vachichengetedza nguva dzekurinda mapoka avo usiku.
8天使向牧羊人報喜信在伯利恆的郊外,有一些牧人在夜間看守羊群。
9Zvino tarira, mutumwa waIshe akamira pedo navo, nekubwinya kwaIshe kukapenya kwakavakomba; vakatya nekutya kukuru.
9主的一位使者站在他們旁邊,主的榮光四面照著他們,他們就非常害怕。
10Zvino mutumwa akati kwavari: Musatya; nekuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko akanaka emufaro mukuru, uchava kuvanhu vose;
10天使說:“不要怕!看哪!我報給你們大喜的信息,是關於萬民的:
11nekuti mazvarirwa nhasi Muponesi, unova Kristu Ishe, muguta raDhavhidhi.
11今天在大衛的城裡,為你們生了救主,就是主基督。
12Zvino ichi chiratidzo kwamuri: Muchandowana mucheche akaputirwa nemicheka, avete muchidyiro.
12你們要找到一個嬰孩,包著布,臥在馬槽裡,那就是記號了。”
13Uye pakarepo kukavapo pamwe nemutumwa chaunga chehondo yekudenga vachirumbidza Mwari, vachiti:
13忽然有一大隊天兵,同那天使一起讚美 神說:
14Rumbidzo kuna Mwari kumusoro-soro, norugare panyika; chishuwo chakanaka kuvanhu.
14“在至高之處,榮耀歸與 神!在地上,平安歸與他所喜悅的人!”
15Zvino kwakaitika kuti vatumwa vabva kwavari vaenda kudenga, vanhu vafudzi vakataurirana, vachiti: Ngatiende ikozvino Bhetirehemu, tinoona chinhu ichi chakaitika, Ishe chaatizivisa.
15眾天使離開他們升天去了,那些牧人彼此說:“我們往伯利恆去,看看主所指示我們已經成就的事。”
16Zvino vakakurumidza kusvika, vakawana vose Maria naJosefa, nemucheche avete muchidyiro.
16他們急忙去了,找到馬利亞、約瑟和那臥在馬槽裡的嬰孩。
17Vakati vaona, vakazivisa kose shoko ravakange vaudzwa maererano neucheche uyu.
17他們見過以後,就把天使對他們論這孩子的話傳開了。
18Zvino vose vakanzwa vakashamisika nezvinhu zvakange zvataurwa kwavari nevafudzi.
18聽見的人,都希奇牧人所說的事。
19Asi Maria wakachengeta zvinhu izvi zvose, achifungisisa mumoyo make.
19馬利亞把這一切放在心裡,反覆思想。
20Zvino vafudzi vakadzokera, vachikudza nekurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvose zvavakange vanzwa nekuona, sezvakange zvataurwa kwavari.
20牧人因為聽見的和看見的,正像天使對他們所說的一樣,就回去了,把榮耀讚美歸與 神。
21Mazuva masere akati apera kuti mucheche adzingiswe, zita rake ndokunzi Jesu, raakange atumidzwa nemutumwa asati agamuchirwa mudumbu.
21滿了八天,替孩子行割禮的時候,就給他起名叫耶穌,就是他成胎之前,天使所起的。
22Zvino mazuva ekunatswa kwake nemurairo waMozisi akati apera, vakauya naye kuJerusarema, kuti vamukumikidze kuna Ishe,
22在聖殿奉獻耶穌滿了潔淨的日子,他們就按著摩西的律法,帶孩子上耶路撒冷去,奉獻給主。
23(sezvazvakanyorwa pamurairo waIshe kuti: Chirume chose chinozarura chizvaro, chichanzi chitsvene kuna Ishe),
23正如主的律法所記:“所有頭生的男孩,都當稱為聖歸給主。”
24uye vabayire chibayiro sezvazvakarehwa pamurairo waIshe, hangaiwa mbiri, kana njiva mbiri duku.
24又照著主的律法所說的獻上祭物,就是一對斑鳩或兩隻雛鴿。
25Zvino tarira, kwakange kune munhu muJerusarema, zita rake raiva Simioni, ndiyewo munhu waiva akarurama akazvipira kushumira Mwari, akamirira kunyaradzwa kwaIsraeri, neMweya Mutsvene wakange uri pamusoro pake.
25在耶路撒冷有一個人,名叫西面,這人公義虔誠,一向期待以色列的安慰者來到,又有聖靈在他身上。
26Zvino zvakange zvaratidzwa kwaari neMweya Mutsvene, kuti haangaoni rufu asati aona Kristu waIshe.
26聖靈啟示他,在死前必得見主所應許的基督,
27Wakapinda mutembere neMweya; zvino vabereki vakati vachiuisa mucheche Jesu, kuti vaite pamusoro pake netsika yemurairo,
27他又受聖靈感動進了聖殿。那時,耶穌的父母抱著孩子進來,要按著律法的規矩為他行禮。
28iye akamutora mumaoko ake, akavonga Mwari, achiti:
28西面就把他接到手上,稱頌 神說:
29Tenzi, ikozvino regai muranda wenyu aende nerugare, seshoko renyu;
29“主啊,現在照你的話,釋放僕人平平安安地去吧!
30nekuti meso angu aona ruponeso rwenyu,
30因我的眼睛已經看見你的救恩,
31rwamakagadzirira pamberi pezviso zvevanhu vose;
31就是你在萬民面前所預備的,
32chiedza chekuzarurira vahedheni, nekubwinya kwerudzi rwenyu Israeri.
32為要作外族人啟示的光,和你民以色列的榮耀。”
33Josefa namai vake vakashamisika nezvinhu zvakarehwa pamusoro pake.
33他父母因論到他的這些話而希奇。
34Zino Simioni akavaropafadza, akati kuna Maria mai vake: Tarira, uyu wakaisirwa kuwa nekumuka kwevazhinji kuna Israeri, nekuva chiratidzo chichapikiswa;
34西面給他們祝福,對他母親馬利亞說:“看哪!這孩子被立,要叫以色列中許多人跌倒,許多人興起,又要成為反對的目標,
35uye newe, munondo uchapinda nemweya wako pachako; kuti ndangariro dzemoyo mizhinji dzifukurwe.
35(你自己的心也會被刀刺透,)這樣,許多人心中的意念就要被揭露出來。”
36Zvino kwakange kuna Ana muporofitakadzi, mukunda waFanueri, wedzinza raAsheri; wakange akwegura kwazvo, wakararama nemurume makore manomwe kubvira paumhandara hwake.
36又有一個女先知,就是亞拿,是亞設支派法內利的女兒。她已經上了年紀,從童女出嫁,和丈夫住了七年,
37Uye ari chirikadzi yemakore angava makumi masere nemana, wakange asingabvi mutembere, achishumira nemitsanyo neminyengetero usiku nemasikati.
37就寡居了,直到八十四歲(“就寡居了,直到八十四歲”或譯:“就寡居了八十四年”)。她沒有離開過聖殿,以禁食和禱告晝夜事奉主。
38Naiye wakati achisvika nenguva iyoyo akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kuna vose vakange vachitarisira kusunungurwa muJerusarema.
38就在那時候,她前來稱謝 神,並且向期待耶路撒冷蒙救贖的眾人,講論孩子的事。
39Zvino vakati vapedza zvinhu zvose zvaienderana nemurairo waIshe, vakadzokera Garirea kuguta ravo Nazareta.
39他們按著主的律法辦完一切,就回加利利,到自己的城拿撒勒去了。
40Mucheche akakura, akasimba mumweya, akazara nenjere; nenyasha dzaMwari dzakange dziri pamusoro pake.
40孩子漸漸長大,強壯起來,充滿智慧,有 神的恩典在他身上。
41Zvino vabereki vake vaienda kuJerusarema makore ose pamutambo wepasika.
41孩童耶穌上耶路撒冷過節每年逾越節,他父母都上耶路撒冷去。
42Zvino wakati ava nemakore gumi nemaviri, vakakwira kuJerusarema zvichienderana netsika yemutambo,
42當他十二歲時,他們按著節期的慣例,照常上去。
43vakati mazuva apera, pakudzoka kwavo, mwana Jesu akasara kuJerusarema, asi Josefa namai vake vasingazvizivi,
43過完了節,他們回去的時候,孩童耶穌仍留在耶路撒冷,他父母卻不知道,
44asi vaimufungira kuva mune vamwe vevakange vachifamba navo, vakafamba mufambo wezuva, vakazomutsvaka pakati pehama nekuvazikanwi.
44還以為他在同行的人中間。走了一天,就在親戚和熟人中找他,
45Asi vakati vasingamuwani, vakadzokera kuJerusarema vachimutsvaka.
45沒有找到,就轉回耶路撒冷找他。
46Zvino zvakaitika shure kwemazuva matatu, vakamuwana mutembere, agere pakati pavadzidzisi, achivateerera, achivabvunza.
46過了三天,才發現他在聖殿裡,坐在教師中間,一面聽,一面問。
47Vose vakange vachimunzwa vakavhiringidzika nekuziva nemhinduro dzake.
47所有聽見他的人,都希奇他的聰明和應對。
48Zvino vakati vamuona vakakatyamara; mai vake vakati kwaari: Mwana, waitirei zvakadai kwatiri? Tarira, baba vako neni tanga tichikutsvaka tichishungurudzika.
48他父母見了,非常驚奇,他母親說:“孩子,為甚麼這樣對待我們呢?你看,你父親和我都很擔心地在找你呢!”
49Akati kwavari: Munonditsvaka sei? Manga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?
49他說:“為甚麼找我呢?你們不知道我必須在我父的家裡嗎?(“在我父的家裡嗎?”或譯:“以我父的事為念嗎?”)”
50Asi ivo havana kunzwisisa shoko raakataura kwavari.
50但他們不明白他所說的話。
51Zvino akaburuka navo, akasvika Nazareta; akazviisa pasi pavo. Asi mai vake vakachengeta mashoko iwayo ose mumoyo mavo.
51他就同他們下去,回到拿撒勒,並且順從他們。他母親把這一切事,都存在心裡。
52Jesu akawedzera panjere nekukura, nepakudiwa naMwari nevanhu.
52耶穌的智慧和身量,以及 神和人對他的喜愛,都不斷增長。