1Zvino mabiko ezvingwa zvisina mbiriso akaswedera, anonzi pasika.
1商議怎樣殺害耶穌(太26:1~5;可14:1~2、10~11。參約11:45~53)除酵節又名逾越節近了。
2Vapristi vakuru nevanyori ndokutsvaka kuti vangamuuraya sei; nekuti vaitya vanhu.
2祭司長和經學家設法怎樣殺害耶穌,因為他們懼怕群眾。
3Zvino wakapinda Satani kuna Judhasi unotumidzwa Isikariyoti, waiverengwa pavanegumi nevaviri.
3那時,撒但已經進入加略人猶大的心,他原是十二門徒中的一個。
4Akaenda, akanotaura nevapristi vakuru nevatungamiriri, kuti ungamutengesa sei kwavari.
4他去與祭司長和守殿官商量怎樣把耶穌交給他們。
5Zvino vakafara, vakatenderana kumupa mari.
5他們很高興,約定了給他銀子。
6Zvino wakatenda, akatsvaka mukana wakafanira wekumutengesa kwavari pasina chaunga.
6他答應了,就尋找機會,要趁群眾不在的時候,把耶穌交給他們。
7Zvino zuva rezvingwa zvisina mbiriso rakasvika, paifanira kubaiwa pasika.
7預備逾越節的筵席(太26:17~19;可14:12~16)除酵日到了,在這一天應當宰殺逾越節的羊羔。
8Zvino wakatuma Petro naJohwani, achiti: Endai munotigadzirira pasika, kuti tidye.
8耶穌差派彼得和約翰,說:“你們去為我們預備逾越節的晚餐給我們吃。”
9Zvino vakati kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tigadzirire?
9他們說:“你要我們在哪裡預備呢?”
10Zvino wakati kwavari: Tarirai, kana mapinda muguta, munhu uchasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere mumba maanopinda.
10他說:“你們進了城,必有一個人頂著水罐,迎面而來,你們就跟著他,到他所進的那一家,
11Uye muti kumwene weimba: Mudzidzisi unoti kwauri: Imba yevaeni iripi, mandingadyira pasika nevadzidzi vangu?
11對家主說,老師問你:‘客廳在哪裡?我和門徒好在那裡吃逾越節的晚餐。’
12Uye iye uchakuratidzai imba huru yekumusoro yakarongedzwa; gadzirirai ipapo.
12他必指示你們樓上一間布置整齊的大房子,你們就在那裡預備。”
13Zvino vakaenda vakanowana sezvaakange avaudza; ndokugadzirira pasika.
13他們去了,所遇見的正像耶穌所說的一樣,就預備好了逾越節的晚餐。
14Zvino awa rakati rasvika, akagara pakudya, nevaapositori gumi nevaviri vanaye.
14最後的晚餐(太26:20~24、26~29;可14:17~21;約13:21~30。參林前11:23~25)到了時候,耶穌和使徒一同吃飯。
15Ndokuti kwavari: Nechishuwo ndakashuva kudya pasika iyi nemwi ndisati ndatambudzika;
15他說:“我十分願意在受難以前,跟你們吃這逾越節的晚餐。
16nekuti ndinoti kwamuri: Handichazodyizve pairi, kusvikira yazadziswa muushe hwaMwari.
16我告訴你們,我決不再吃這晚餐,直到它成就在 神的國裡。”
17Zvino wakatora mukombe, avonga akati: Torai ichi, mugogovana.
17耶穌接過杯來,感謝了,說:“你們拿這個,大家分著喝。
18Nekuti ndinoti kwamuri: Handichatongomwi zvechibereko chemuzambiringa, kusvikira ushe hwaMwari hwasvika.
18我告訴你們,從今以後,我決不再喝這葡萄酒,直到 神的國來臨。”
19Zvino wakatora chingwa, akavonga, akamedura, ndokuvapa, achiti: Uyu muviri wangu, unopirwa imwi; izvi itai muchindirangarira.
19他拿起餅來,感謝了,擘開遞給他們,說:“這是我的身體,為你們捨的,你們應當這樣行,為的是記念我。”
20Saizvozvowo mukombe shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwa imwi.
20飯後,他照樣拿起杯來,說:“這杯是用我的血所立的新約,這血是為你們流的。
21Asi tarirai, ruoko rweunonditengesa rwuneni patafura.
21你看,出賣我的人的手和我一同在桌子上,
22Zvino zvirokwazvo Mwanakomana wemunhu unoenda sezvazvakatemwa; asi une nhamo munhu uyo waanotengeswa naye!
22人子固然要照所預定的離世,但出賣人子的那人有禍了!”
23Zvino ivo vakatanga kubvunzana kuti ko ndiani pavari uchaita chinhu ichi.
23於是,門徒彼此對問,他們中間誰要作這事。
24Zvino gakava rakavapowo pakati pavo kuti ndiani kwavari unoverengwa semukurusa.
24門徒再爭論誰最大門徒中間又起了爭論:他們中間誰是最大的。
25Zvino wakati kwavari: Madzimambo evechirudzi anotonga zvakaoma pamusoro pavo, nevatongi vavo vanonzi vabatsiri.
25耶穌對他們說:“各國都有君王統治他們,他們的掌權者稱為恩主,
26Asi imwi zvisadaro; asi mukurusa kwamuri ngaave semuduku, nemutungamiriri seunoshandira.
26但你們卻不要這樣;你們中間最大的,應當像最小的;作首領的,應當像服事人的。
27Nekuti ndiani mukuru, uyo ugere pakudya kana unoshandira? Haazi iye ugere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu seunoshandira.
27哪一個大呢?是坐著吃喝的還是服事人的呢?不是坐著吃喝的嗎?然而我在你們中間,如同服事人的。
28Nemwi ndimwi makagara neni pamiidzo yangu;
28我在磨煉之中,常常和我同在的就是你們。
29zvino ini ndinogadza kwamuri ushe, saBaba vangu vakagadza kwandiri;
29父怎樣把王權賜給我,我也照樣賜給你們,
30kuti mudye nekumwa patafura yangu muushe hwangu, nekugara pazvigaro zveushe, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri.
30叫你們在我的國裡坐在我的席上吃喝,又坐在寶座上審判以色列的十二支派。
31Ishe ndokuti: Simoni, Simoni, tarira, Satani wakukumbirai kuti akuzungurei segorosi;
31預言彼得不認主(太26:31~35;可14:27~31;約13:36~38)“西門,西門,撒但設法要得著你們,好篩你們像篩麥子一樣;
32asi ini ndakunyengeterera, kuti rutendo rwako rwurege kupera; newe kana watendeuka, usimbise hama dzako.
32但我已經為你祈求,叫你的信心不至失掉。你回頭的時候,要堅固你的弟兄。”
33Asi wakati kwaari: Ishe, ndakagadzirira kuenda nemwi zvose mutirongo nemurufu.
33彼得說:“主啊!我已經準備好要跟你一同下監,一同死。”
34Asi iye wakati: Ndinokuudza, Petro, jongwe haringatongoriri nhasi, usati waramba katatu kuti unondiziva.
34耶穌說:“彼得,我告訴你,今天雞叫以前,你會三次說不認得我。”
35Zvino wakati kwavari: Pandakakutumai musina chikwama nehombodo neshangu, makashaiwa chinhu here? Vakati: Hapana.
35要帶錢囊、口袋和刀耶穌又對他們說:“從前我差你們出去,沒有帶錢囊、口袋、鞋子,你們缺乏甚麼沒有?”他們說:“沒有。”
36Zvino akati kwavari: Asi ikozvino, une chikwama ngaatore, saizvozvowo nehombodo; neusina, ngaatengese nguvo yake, atenge munondo.
36耶穌說:“但現在,有錢囊的應當帶著,有口袋的也是這樣;沒有刀的,要賣掉衣服去買刀。
37Nekuti ndinoti kwamuri: Izvi zvakanyorwa zvichakafanira kuzadziswa mandiri, zvinoti: Wakaverengwa pamwe nevadariki; nekuti zvinhu izviwo zviri maererano neni zvine mugumo.
37我告訴你們,‘他被列在不法者之中’這句經文,必定應驗在我身上,因為關於我的事必然成就。”
38Zvino vakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miviri. Akati kwavari: Zvaringana.
38他們說:“主啊,請看,這裡有兩把刀。”耶穌說:“夠了。”
39Zvino wakabuda akaenda sezvaaisiita kugomo reMiorivhi; nevadzidzi vake vakamutevera.
39在客西馬尼禱告(太26:36~46;可14:32~42)耶穌照常到橄欖山去,門徒也跟著他。
40Zvino wakati asvika panzvimbo, akati kwavari: Nyengeterai kuti murege kupinda pamuedzo.
40到了那裡,他對門徒說:“你們應當禱告,免得陷入試探。”
41Zvino iye wakasuduruka kwavari, chingava chinhambwe chingaposherwa ibwe; ndokufugama ndokunyengetera,
41於是耶穌離開他們約有扔一塊石頭那麼遠,跪下禱告說:
42achiti: Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri; asi chisava chido changu, asi chenyu ngachiitwe.
42“父啊,如果你願意,就把這杯拿走!但不要成就我的意思,只要成就你的旨意。”
43Zvino kwakaonekwa mutumwa kwaari wakabva kudenga achimusimbisa.
43(有些抄本有第43、44節:“有一位天使從天上顯現,加給他力量。耶穌非常傷痛,禱告更加懇切,汗如大血點滴在地上。”)
44Zvino, ari pakurwadziwa kukuru, wakanyanya kunyengetera. Zvino ziya rake rikaita semazidomwe eropa achiwira pasi.
44
45Zvino wakati asimuka pamunyengetero, ndokuuya kuvadzidzi vake, akavawana varara neshungu.
45他禱告完了,就起來到門徒那裡,看見他們因為憂愁都睡著了,
46Ndokuti kwavari: Mararirei? Mukai munyengetere, kuti murege kupinda pamuedzo.
46就說:“你們為甚麼睡覺呢?起來禱告!免得陷入試探。”
47Zvino wakati achataura, tarira, chaunga, naiye wainzi Judhasi, umwe wevanegumi nevaviri, akavatungamirira, ndokuswedera kuna Jesu, kuti amutsvode.
47耶穌被捕(太26:47~56;可14:43~50;約18:3~11)耶穌還在說話的時候,來了一群人,十二門徒中的猶大走在前頭,到了耶穌跟前要用嘴親他。
48Asi Jesu wakati kwaari: Judhasi, unotengesa Mwanakomana wemunhu netsvodo here?
48耶穌對他說:“猶大,你用親嘴作暗號出賣人子嗎?”
49Zvino avo vaiva vakamukomba pavakaona zvaizoitika vakati kwaari: Ishe, tichatema nemunondo here?
49左右的人見了,就說:“主啊,我們用刀砍好嗎?”
50Zvino umwe wavo wakatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake yerudyi.
50他們中間有一個人砍了大祭司的僕人一刀,削掉他的右耳。
51Asi Jesu wakapindura akati: Regai zvisvike ipapa. Ndokubata nzeve yake, akamuporesa.
51耶穌說:“由他們吧!”就摸那人的耳朵,醫好了他。
52Zvino Jesu wakati kuvapristi vakuru nevatungamiriri vetembere nevakuru vakange vauya kwaari: Mabuda semakanangana negororo neminondo netsvimbo here?
52耶穌對那些前來捉拿他的祭司長、守殿官和長老說:“你們帶著刀棒出來,把我當作強盜捉拿嗎?
53Ndaiva nemwi mutembere zuva nezuva mukasatandavadzira ruoko kwandiri; asi zvino iawa renyu, nesimba rerima.
53我天天跟你們在殿裡,你們不向我下手;但現在是你們的時候了,也是黑暗掌權的時候了。”
54Zvino vakamutora, vakamutungamidza, vakanomuisa kumba kwemupristi mukuru. Petro ndokutevera ari kure.
54彼得三次不認主(太26:57~58、69~75;可14:53~54、66~72;約18:12~18、25~27)他們拿住耶穌,押到大祭司家裡,彼得遠遠地跟著。
55Zvino vakati vavesa moto pakati pechivanze, ndokugara pasi pamwe, Petro akagara pakati pavo.
55他們在院內生了火,一同坐著,彼得也坐在他們中間。
56Zvino umwe murandakadzi wakamuona agere pamoto, ndokumutarisisa, akati: Uyuwo munhu wakange anaye.
56有一個使女,見他面向火光坐著,就注視他,說:“這人是和他一夥的。”
57Asi iye wakamurambira, achiti: Mukadzi, handimuzivi.
57彼得卻否認,說:“你這個女人,我不認得他。”
58Uye shure kwechinguvana, umwe wakamuona akati: Iwewo uri umwe wavo. Petro ndokuti: Iwe munhu, handizi.
58不久,另一個人看見他,就說:“你也是他們中間的一個。”彼得說:“你這個人,我不是。”
59Zvino nguva inenge seawa rimwe yakati yapfuura, umwe wakasimbisa ane chokwadi, achiti: Zvirokwazvo uyuwo wakange anaye; nekuti muGarireawo.
59大約過了一小時,又有一個人肯定地說:“這人真是和他一夥的,因為他也是加利利人。”
60Zvino Petro wakati: Iwe munhu, handizivi zvaunoreva. Pakarepo achataura jongwe rakarira.
60彼得說:“你這個人,我不知道你說的是甚麼!”他還在說話的時候,雞就叫了。
61Ishe ndokutendeuka akatarira Petro. Petro ndokurangarira shoko raIshe, kuti akamuudza sei, achiti: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.
61主轉過身來看彼得,彼得就想起主對他說過的話:“今天雞叫以前,你要三次說不認得我。”
62Zvino Petro wakabuda panze akachema zvakaomarara.
62他就出去痛哭。
63Zvino varume vakange vakabata Jesu, vakamusweveredza, vakamurova.
63公議會審問耶穌(太26:59~68;可14:55~65;約18:19~24)看管耶穌的人戲弄他,
64Uye vakati vamuvhara kumeso, vakamurova chiso, ndokumubvunza vachiti: Porofita! Ndiani wakurova?
64蒙住他的眼睛問他:“你說預言吧,說打你的是誰。”
65Nezvimwe zvinhu zvizhinji vakareva kwaari, vachinyomba.
65他們還說了許多別的辱罵他的話。
66Zvino kwakati kuchingoedza, dare revatariri vevanhu nevapristi vakuru nevanyori vakaungana, vakamuisa kudare ravo remakurukota vachiti:
66天一亮,民間的長老、祭司長和經學家就都聚集,把他帶到他們的公議會裡,說:
67Naizvozvo kana iwe uri Kristu, tiudze. Zvino akati kwavari: Kana ndikakuudzai, hamutongotendi;
67“你若是基督,就告訴我們吧。”耶穌說:“就算我告訴你們,你們也決不相信。
68uye kana ndikabvunza, hamumbondipinduri, kana kundisunungura.
68如果我問你們,你們也決不回答。
69Kubva ikozvino Mwanakomana wemunhu uchagara kuruoko rwerudyi rwesimba rwaMwari.
69從今以後,人子要坐在 神權能的右邊。”
70Vose ndokuti: Naizvozvo iwe uri Mwanakomana waMwari kanhi? Iye ndokuti kwavari: Imwi mareva kuti ndini.
70他們說:“那麼你是 神的兒子嗎?”耶穌說:“你們說了,我是。”
71Zvino vakati: Tichadirei uchapupu? Nekuti tomene tanzwa pamuromo wake.
71他們說:“我們還需要甚麼證供呢?我們親自聽見他所說的話了。”