1Vakati vasvika pedo neJerusarema, paBhetifage neBhetaniya, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vevadzidzi vake,
1騎驢進耶路撒冷(太21:1~9;路19:28~38;約12:12~15)他們走近耶路撒冷,到了伯法其和伯大尼,來到橄欖山那裡,耶穌派了兩個門徒,
2akati kwavari: Fambai muende kumusha wakatarisana nemwi; pakarepo kana muchangopinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina munhu wakamborigara; murisunugure, mugouya naro.
2對他們說:“你們往對面的村子裡去,一進去,就會看見一頭小驢拴在那裡,是沒有人騎過的,把牠解開牽來。
3Kana munhu akati kwamuri: Munoitirei izvi? Muti: Ishe unorida. Pakarepo ucharitumira pano.
3如果有人問你們:‘為甚麼這樣作?’你們就說:‘主需要牠,並且很快會送還到這裡來。’”
4Vakaenda, vakanowana dhongwana rakasungirwa pamukova kunze, panzira yemumusha; vakarisunungura.
4門徒去了,就發現一頭小驢,拴在門外的街上,就把牠解開。
5Vamwe vevakange vamirepo vakati kwavari: Munoitei muchisunungura dhongwana?
5站在那裡的人有的問他們說:“你們為甚麼解牠?”
6Vakavaudza Jesu sezvaakaraira; vakavarega vachiinda.
6門徒照著耶穌所說的話回答他們,那些人就讓他們牽走了。
7Zvino vakauya nedhongwana kuna Jesu, vakakandira nguvo dzavo pamusoro paro, akagara pamusoro paro.
7門徒把小驢牽到耶穌那裡,把自己的衣服搭在上面,耶穌就騎了上去。
8Nevazhinji vakawarira nguvo dzavo munzira, nevamwe vakatema masanzu vakawarira munzira.
8許多人把衣服鋪在路上,還有人從田野裡砍了些樹枝也鋪在路上。
9Zvino avo vakange vachitungamira nevakange vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana*! Wakaropafadzwa unouya muzita raIshe;
9前行後隨的人都喊著說:“‘和散那’,奉主名來的是應當稱頌的!
10hwakaropafadzwa ushe hwaBaba vedu Dhavhidhi, hunouya muzita raIshe! Hosana* kumusoro-soro!
10那將要來臨的,我們祖先大衛的國是應當稱頌的!高天之上當唱‘和散那’!”
11Jesu ndokupinda muJerusarema, nemutembere; akati aringa-ringa zvinhu zvose, yava nguva yemadekwani, akabuda, akaenda Bhetaniya nevanegumi nevaviri.
11耶穌到了耶路撒冷,進入聖殿,察看了一切,因為時候已經不早,就和十二門徒出城往伯大尼去。
12Uye mangwana vachibuda Bhetaniya, akanzwa nzara.
12咒詛無花果樹(太21:18~19)第二天他們從伯大尼出來,耶穌餓了。
13Wakati achiona muonde uri kure, une mashizha, akaendako achiti zvimwe angawana chinhu pauri; asi asvika pauri haana kuwana chinhu kunze kwemashizha; nekuti yakange isiri nguva yemaonde.
13他遠遠看見一棵長滿了葉子的無花果樹,就走過去,看看是否可以在樹上找到甚麼。到了樹下,除了葉子甚麼也找不著,因為這不是收無花果的時候。
14Zvino Jesu akapindura, akati kwauri: Kusava nemunhu unozodya zvibereko pauri kubva zvino kusvika kusingaperi. Vadzidzi vake vakazvinzwa.
14耶穌對樹說:“永遠再沒有人吃你的果子了!”他的門徒也聽見了。
15Vakasvika kuJerusarema; Jesu akapinda mutembere, akatanga kudzingira panze avo vaitengesa nevaitenga mutembere; akapidigura matafura evaitsinhanisa mari, nezvigaro zvaivo vaitengesa njiva.
15潔淨聖殿(太21:12~17、20~22;路19:45~47;約2:13~16)他們來到耶路撒冷。耶穌進了聖殿,就把殿裡作買賣的人趕走,又推倒找換銀錢的人的桌子,和賣鴿子的人的凳子;
16Zvino akasatendera kuti munhu atakure mudziyo achipfuura nemutembere.
16不許人拿著器皿穿過聖殿。
17Akadzidzisa, achiti kwavari: Hakuna kunyorwa here kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yekunyengetera yemarudzi ose? Asi imwi makaiita bako remakororo.
17他又教訓眾人說:“經上不是寫著‘我的殿要稱為萬國禱告的殿’嗎?你們竟把它弄成賊窩了。”
18Zvino vanyori nevapristi vakuru vakazvinzwa, vakatsvaka kuti vangamuparadza sei; nekuti vakange vachimutya, nekuti chaunga chose chakashamisika nedzidziso yake.
18祭司長和經學家聽見了,就想辦法怎樣除掉耶穌,卻又怕他,因為群眾都希奇他的教訓。
19Zvino ava madekwana, wakabuda kunze kweguta.
19到了晚上,他們就到城外去。
20Zvino mangwanani-ngwanani vakati vachipfuura, vakaona muonde waoma kubva pamidzi.
20早晨,他們經過的時候,看見那棵無花果樹連根都枯萎了。
21Petro akarangarira akati kwaari: Rabhi*, tarirai muonde wamakapa rushambwa wawoma.
21彼得想起來就對耶穌說:“拉比,請看,你所咒詛的無花果樹,已經枯萎了。”
22Jesu akapindura akati kwavari: Ivai nerutendo kuna Mwari.
22耶穌回答他們:“你們對 神要有信心(“你們對 神要有信心”有些抄本作“如果你們對 神有信心”)。
23Nekuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe neumwe unoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe mugungwa, asingakononi mumoyo make, asi achitenda kuti zvinhu zvaanoreva zvichaitika, zvichaitika kwaari chero zvaanoreva.
23我實在告訴你們,無論甚麼人對這座山說‘移開,投到海裡’,只要他心裡不懷疑,相信他所說的一定能夠成就,就必給他成就。
24Naizvozvo ndinoti kwamuri: Zvinhu zvose chero zvamunokumbira muchinyengetera, tendai kuti muchagamuchira, uye zvichava zvenyu.
24所以我告訴你們,凡是你們禱告祈求的,只要相信能夠得到,就必得到。
25Kana mumire muchinyengetera, kangamwirai kana mune chakanangana neumwe; kuti Baba venyuwo vari kumatenga vakukangamwirei kudarika kwenyu.
25你們站著禱告的時候,如果有誰得罪了你們,就該饒恕他,好使你們的天父也饒恕你們的過犯。”
26Asi kana imwi musingakangamwiri Baba venyu vari kumatenga havakangamwiriwo kudarika kwenyu.
26(有些抄本有第26節:“如果你們不饒恕人,你們的天父也必不饒恕你們的過犯。”)
27Vakasvikazve kuJerusarema; zvino wakati achifamba mutembere, vapristi vakuru nevanyori nevakuru vakauya kwaari,
27質問耶穌憑甚麼權柄作事(太21:23~27;路20:1~8)他們又來到耶路撒冷。耶穌在殿裡行走的時候,祭司長、經學家和長老來到他跟前,
28zvino vakati kwaari: Unoita zvinhu izvozvi nemasimba api; ndiani wakakupa masimba awa aunoita nawo zvinhu izvi?
28問他:“你憑甚麼權柄作這些事?誰給你權柄作這些事?”
29Jesu akapindura akati kwavari: Iniwo ndichakubvunzai mubvunzo umwe, mundipindure, neni ndichakuudzai kuti ndinoita zvinhu izvozvi nemasimba api.
29耶穌對他們說:“我要問你們一句話,你們回答了我,我就告訴你們我憑甚麼權柄作這些事。
30Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga, kana kuvanhu? Ndipindurei.
30約翰的洗禮是從天上來的,還是從人來的呢?你們回答我吧。”
31Vakaonesana, vachiti: Kana tikati: Kudenga, uchati: Makagoregerei kumutenda?
31他們就彼此議論:“如果我們說‘是從天上來的’,他就會說‘那你們為甚麼不信他呢?’
32Asi kana tikati: Kuvanhu; vakange vachitya vanhu; nekuti vose vakange vachiverenga Johwani kuti muporofita zvirokwazvo.
32如果我們說‘是從人來的’……”他們害怕群眾,因為眾人都認為約翰的確是先知。
33Vakapindura vachiti kuna Jesu: Hatizivi. Jesu akapindura akati kwavari: Ini handingakuudziyiwo kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.
33於是他們回答耶穌:“我們不知道。”耶穌對他們說:“我也不告訴你們我憑甚麼權柄作這些事。”