1Zvino wakatangazve kudzidzisa pagungwa; kukaungana kwaari chaunga chikuru zvekuti wakapinda muchikepe akagara mugungwa; uye chaunga chese chakange chiri pagungwa panyika.
1撒種的比喻(太13:1~9;路8:4~8)耶穌又在海邊教導人。有一大群人聚集到他那裡,因此他上船坐下來。船在海中,群眾都朝著海站在岸上。
2Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati kwavari padzidziso yake:
2他用比喻教訓他們許多事,在教訓中他說:
3Teererai; tarirai, mukushi wakabuda kunokusha.
3“你們聽著!有一個撒種的出去撒種,
4Zvino zvakaitika pakukusha, imwe yakawira parutivi rwenzira; shiri dzekudenga dzikauya dzikaidya dzikaipedza.
4撒的時候,有的落在路旁,小鳥飛來就吃掉了。
5Asi imwe yakawira panzvimbo dzine mabwe, payakange isina ivhu zhinji; pakarepo ikamera, nekuti yakange isina udziku hwevhu;
5有的落在泥土不多的石地上,因為泥土不深,很快就長起來。
6asi zuva rakati rabuda, yakapiswa, uye nekuti yakange isina mudzi ikasvava.
6但太陽一出來,就把它曬乾,又因為沒有根就枯萎了。
7Uye imwe yakawira pamhinzwa, mhinzwa ikakura ikaivhunga, ikasabereka chibereko.
7有的落在荊棘裡,荊棘長起來,把它擠住,它就結不出果實來。
8Uye imwe yakawira muvhu rakanaka; ikabereka chibereko chakakura ikawedzera, ikabereka, imwe makumi matatu, neimwe makumi matanhatu, neimwe zana.
8有的落在好土裡,就生長繁茂,結出果實,有三十倍的、有六十倍的、有一百倍的。”
9Ndokuti kwavari: Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
9耶穌又說:“有耳可聽的,就應當聽。”
10Zvino wakati ava oga, vakange vakamukomba nevanegumi nevaviri vakamubvunza zvemufananidzo.
10用比喻的目的(太13:10~17;路8:9~10)耶穌獨自一人的時候,那些經常跟著他的人和十二門徒,來問這些比喻的意義。
11Uye akati kwavari: Kwamuri kwakapiwa kuziva chakavanzika cheushe hwaMwari; asi kune avo vari kunze, zvose zvinoitwa nemifananidzo;
11耶穌對他們說:“ 神的國的奧祕,只給你們知道,但對於外人,一切都用比喻,
12kuti vachiona vaone asi varege kuonesesa, vachinzwa vanzwe asi vasinganzwisisi, zvimwe chero nguva varege kutendeuka, vakangamwirwe zvivi.
12叫他們‘看是看見了,卻不領悟,聽是聽見了,卻不明白,免得他們回轉過來,得到赦免。’”
13Zvino akati kwavari: Hamuzivi mufananidzo uyu here? Zvino muchaziva sei mifananidzo yose?
13解釋撒種的比喻(太13:18~23;路8:11~15)耶穌又對他們說:“你們不明白這個比喻,怎能明白一切比喻呢?
14Mukushi unokusha shoko.
14撒種的人所撒的就是道。
15Zvino ava ndivo veparutivi rwenzira, apo panokushwa shoko, uye kana vachirinzwa, pakarepo Satani unouya ndokubvisa shoko rakakushwa mumoyo yavo.
15那撒在路旁的,就是人聽了道,撒但立刻來,把撒在他心裡的道奪去。
16Uye saizvozvo ava ndivo vakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ivo kana vanzwa shoko, pakarepo vanorigamuchira nemufaro,
16照樣,那撒在石地上的,就是人聽了道,立刻歡歡喜喜地接受了;
17asi havana mudzi mavari, asi ndevenguva; pashure kana matambudziko nekushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa.
17可是他們裡面沒有根,只是暫時的;一旦為道遭遇患難,受到迫害,就立刻跌倒了。
18Zvino ava ndivo vanokushwa mumhinzwa, vanonzwa shoko,
18那撒在荊棘裡的,是指另一些人;他們聽了道,
19asi kuzvidya moyo kwezvenyika ino nekunyengera kwefuma neruchiva pamusoro pezvimwe zvinhu zvichipinda, zvichivhunga shoko, rova risingabereki.
19然而今世的憂慮、財富的迷惑,以及種種的慾望,接連進來,把道擠住,就結不出果實來。
20Naava ndivo vakakushwa muvhu rakanaka, ndivo vanonzwa shoko, ndokugamuchira, vagobereka chibereko, umwe makumi matatu, uye umwe makumi matanhatu, uye umwe zana.
20那撒在好土裡的,就是人聽了道,接受了,並且結出果實,有三十倍的、有六十倍的、有一百倍的。”
21Zvino wakati kwavari: Mwenje unouiswa kuti uiswe pasi pedengu kana pasi pemubhedha here? Kwete kuti uiswe pachigadziko chemwenje here?
21隱藏的事終必顯露(路8:16~18)耶穌又對他們說:“燈難道是拿來放在量器底下或床底下的嗎?它不是該放在燈臺上嗎?
22Nekuti hapana chakavigwa chisingazovhundunurwi, kana chakachengetwa chakavanda, asi kuti zvibude pachena.
22因為沒有甚麼隱藏的事不被顯明出來,沒有甚麼掩蓋的事不被揭露的。
23Kana munhu ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
23有耳可聽的,就應當聽。”
24Zvino wakati kwavari: Chenjererai zvamunonzwa; nechiyero chamunoyera nacho chichayerwa kwamuri, nekwamuri imwi munonzwa, chichawedzerwa.
24耶穌又對他們說:“要留心你們所聽到的,你們用甚麼尺度量給人, 神也要用甚麼尺度量給你們,並且要超過尺度給你們。
25Nekuti ani nani unacho uchapiwa; asi usina uchatorerwa kunyange nechaanacho.
25因為那有的,還要給他;那沒有的,就算他有甚麼也要拿去。”
26Zvino akati: Hwakadaro ushe hwaMwari, sezvinonzi munhu unokusha mbeu muvhu.
26種子發芽生長的比喻耶穌說:“ 神的國好像人在地裡撒種,
27Zvino ovata nekumuka usiku nemasikati, mbeu inomera ichikura iye asingazivi kuti sei.
27他夜裡睡覺,白天起來,種子發芽生長,自己也不知道怎麼會這樣的。
28Nekuti ivhu rinozviberekera chibereko pacharo, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura.
28地生五穀是自然的,先長苗,後吐穗,最後穗上結滿了子粒。
29Asi kana chibereko chaibva, pakarepo unotuma jeko nekuti kukohwa kwasvika.
29莊稼熟了,就派人用鐮刀割下,因為收成的時候到了。”
30Zvino wakati: Tichafananidza nei ushe hwaMwari? Tingahuenzanisa nemuenzaniso upi?
30芥菜種的比喻(太13:31~35;路13:18~19)又說:“我們要把 神的國比作甚麼呢?我們可以用甚麼比喻來形容它呢?
31Setsanga yemasitadha*, iyo kana ichidzvarwa muvhu, idukusa kumbeu dzose dzepanyika;
31它好像一粒芥菜種,剛種下去的時候,比地上的一切種子都小,
32asi kana yadzvarwa, inokura ichiva huru kumirivo yose, ichiita matavi makuru zvekuti shiri dzekudenga dzinogona kuvakira pamumvuri wawo.
32種下以後,生長起來,卻比一切蔬菜都大,長出大枝子,甚至天空的飛鳥都可以在它的蔭下搭窩。”
33Zvino nemifananidzo mizhinji yakadaro, akataura shoko kwavari, sepavaigona kunzwa napo.
33耶穌用許多這樣的比喻,照著他們所能聽懂的,向他們講道;
34Asi kunze kwemifananidzo haana kutaura kwavari; asi vava vega, wakadudzira vadzidzi vake zvose.
34不用比喻,就不對他們講。只有單獨和自己的門徒在一起的時候,才把一切解釋給他們聽。
35Zvino nezuva iroro ava madekwana, wakati kwavari: Ngatiyambukire mhiri.
35平靜風浪(太8:18、23~27;路8:22~25)當天黃昏,耶穌對門徒說:“我們渡到海那邊去吧。”
36Vakarega chaunga chichiinda, vakaenda naye akangodaro muchikepe. Zvino kwaivawo nemamwe magwa naye.
36門徒離開群眾,耶穌已經在船上,他們就載他過去,也有別的船和他同去。
37Zvino kwakamuka dutu guru remhepo, mafungu akazviroverera muchikepe, zvekuti chakange zvino chozadzwa.
37忽然起了狂風,波浪不斷地打進船來,艙裡積滿了水。
38Asi iye wakange ari shure muchikepe avete pamutsago; vakamumutsa, vakati kwaari: Mudzidzisi, hamuna hanya kuti toparara here?
38耶穌卻在船尾靠著枕頭睡著了。門徒把他叫醒,對他說:“老師,我們要死了,你不管嗎?”
39Akamuka akatsiura mhepo, akati kugungwa: Nyarara, gadzikana! Mhepo ikamira, kukava nekudzikama kukuru.
39耶穌起來,斥責了風,又對海說:“不要作聲!安靜吧!”風就停止,大大地平靜了。
40Ndokuti kwavari: Munotyirei zvakadaro? Hamuna rutendo sei?
40然後對他們說:“為甚麼這樣膽怯呢?你們怎麼沒有信心呢?”
41Vakatya nekutya kukuru, vakati umwe kune umwe: Zvino ndiani uyu, kuti kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera?
41門徒非常懼怕,彼此說:“這到底是誰,連風和海都聽從他?”