1Zvino wakabvapo, akaenda kunyika yekwake; vadzidzi vake vakamutevera.
1耶穌在本鄉遭人厭棄(太13:53~58;路4:16~30)耶穌離開那裡,來到自己的家鄉,他的門徒跟著他。
2Zvino rava sabata, akatanga kudzidzisa musinagoge; vazhinji vakamunzwa, vakashamisika vachiti: Uyu wakawanepi zvinhu izvi? Injere dzipi dzakapiwa kwaari, kuti nemabasa esimba akadai anoitwa nemaoko ake?
2到了安息日,他開始在會堂裡教導人;很多人聽見了,都驚奇地說:“這個人從哪裡得來這一切呢?所賜給他的是怎麼樣的智慧,竟然藉著他的手行出這樣的神蹟?
3Uyu haazi muvezi here, mwanakomana waMaria, nemukoma waJakobho naJose naJudha naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here? Vakagumburwa naye.
3這不是那木匠嗎?不是馬利亞的兒子,雅各、約西、猶大、西門的哥哥嗎?他的妹妹們不也在我們這裡嗎?”他們就厭棄耶穌。
4Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haangashaiwi kukudzwa, kunze kwemunyika yekwake, nepakati pehama dzake, nemumba make.
4耶穌對他們說:“先知除了在自己的本鄉、本族、本家之外,沒有不受人尊敬的。”
5Akasagona kubata chero basa resimba ipapo, kunze kwekuti wakaisa maoko pamusoro pevairwara vashoma, akaporesa.
5耶穌不能在那裡行甚麼神蹟,只給幾個病人按手,醫好了他們。
6Akashamisika nekusatenda kwavo. Uye akapota-pota nemisha achidzidzisa.
6對於那些人的不信,他感到詫異。耶穌到周圍的鄉村去繼續教導人。
7Zvino wakadanira kwaari vanegumi nevaviri, kuvatuma vaviri-vaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina.
7差遣十二使徒(太10:1~14;路9:1~6)他把十二門徒叫來,差遣他們兩個兩個地出去,賜給他們勝過污靈的權柄;
8Akavaraira kuti varege kutora chinhu cherwendo kunze kwemudonzvo chete; kwete chikwama, kwete chingwa, kwete mari mubhanhire.
8吩咐他們說:“除了手杖以外,路上甚麼都不要帶,不要帶乾糧,不要帶口袋,腰袋裡也不要帶錢,
9Asi vafuke manyatera, varege kupfeka nguvo mbiri.
9只穿一雙鞋,不要穿兩件衣服。”
10Zvino akati kwavari: Pose pamunopinda mumba, mugaremo kusvikira muchibvapo.
10又對他們說:“你們無論到哪裡,進了一家就住在那家,直到離開那個地方。
11Asi vose vasingakugamuchiriyi kana kukunzwai, kana muchibvapo, zuzai guruva riri pasi petsoka dzenyu, chive chapupu kwavari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvicharerukira Sodhoma kana Gomora nezuva rekutongwa kupfuura guta iro.
11甚麼地方不接待你們,不聽你們,你們離開那地方的時候,就要把腳上的灰塵跺下去,作為反對他們的見證。”
12Vakati vabuda, vakaparidza kuti vatendeuke;
12門徒就出去傳道,叫人悔改,
13zvino vakabudisa madhimoni mazhinji, vakazodza nemafuta vazhinji vairwara, vachiporesa.
13趕出許多鬼,用油抹了許多病人,醫好他們。
14Mambo Herodhe ndokuzvinzwa, nekuti zita rake rakava pachena, akati: Johwani unobhabhatidza wakamutswa kuvakafa, naizvozvo masimba anobata maari.
14施洗約翰被殺(太14:1~12;路9:7~9)當時耶穌的名聲傳揚出去,希律王也聽到了。有人說:“施洗的約翰從死人中復活了,所以他身上有行神蹟的能力。”
15Vamwe vakati: NdiEria; nevamwe vakati: Muporofita, kana wakaita seumwe wevaporofita.
15又有人說:“他是以利亞。”還有人說:“他是先知,像古時先知中的一位。”
16Asi Herodhe wakati anzwa, akati: Uyu ndiJohwani uya wandakagura ini musoro; iye wamuka kuvakafa.
16希律聽見就說:“是約翰,我砍了他的頭,他又活了!”
17Nekuti Herodhe pachake wakange atuma vanhu akabata Johwani, akamusunga mutirongo nekuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munin'ina wake; nekuti Herodhe wakange amuwana.
17原來希律曾親自派人去捉拿約翰,把他捆鎖在監裡。他這樣作,是為了他弟弟的妻子希羅底的緣故,因為他娶了希羅底為妻,
18Nekuti Johwani wakange ati kuna Herodhe: Hauna kutenderwa kuti uve nemukadzi wemunin'ina wako.
18而約翰曾對希律說:“你佔有你兄弟的妻子是不合理的。”
19Herodhiasi akamuvenga nechemumoyo, akada kumuuraya, asi wakakonewa;
19於是希羅底懷恨在心,想要殺他,只是不能。
20nekuti Herodhe waitya Johwani, achiziva kuti murume wakarurama, mutsvene, akamuchengetedza. Zvino paakamunzwa wakaita zvinhu zvakawanda, akamunzwa nemufaro.
20因為希律懼怕約翰,知道他是公義聖潔的人,就保護他。希律聽了約翰的話,就非常困擾,卻仍然喜歡聽他。
21Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhe nezuva rekuberekwa kwake akaitira chirairo madzishe ake nevatungamiriri vezvuru nevatungamiriri veGarirea,
21有一天,機會來了。在希律生日的那一天,他為大臣、千夫長和加利利的要人擺設了筵席。
22zvino mukunda waHerodhiasi uyo paakapinda akatamba, akafadza Herodhe nevakange vagere pakudya naye; mambo akati kumusikana: Kumbira kwandiri chipi zvacho chaunoda, ndigokupa.
22希羅底的女兒進來跳舞,使希律和在座的賓客都很開心。王就對女孩子說:“你無論想要甚麼,只管向我求,我一定給你!”
23Zvino akamupikira achiti: Chero chii chaunokumbira kwandiri ndichakupa, kusvikira pahafu yeushe hwangu.
23並且對她再三起誓:“你無論向我求甚麼,就是我國的一半,我也一定給你!”
24Akabuda akati kuna mai vake: Ndichakumbirei? Vakati: Musoro waJohwani Mubhabhatidzi.
24於是她出去問母親:“我該求甚麼呢?”希羅底告訴她:“施洗的約翰的頭!”
25Pakarepo akakurumidza kupinda kuna mambo, akakumbira achiti: Ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohwani Mubhabhatidzi.
25她急忙到王面前,向王要求說:“願王立刻把施洗的約翰的頭放在盤子上給我!”
26Mambo akashungurudzika zvikuru, asi nekuda kwemhiko, nekwevakange vagere naye pakudya, wakange asingadi kumurambira.
26希律王非常憂愁,但是因為他的誓言和在座的賓客,就不願拒絕她。
27Pakarepo mambo akatuma mhondi, akaraira kuti musoro wake uuyiswe. Akaenda, akamugura musoro mutirongo,
27希律王立刻差遣一個侍衛,吩咐把約翰的頭拿來。侍衛就去了,在監裡斬了約翰的頭,
28akauya nemusoro wake mundiro, akaupa kumusikana, musikana ndokuupa mai vake.
28把頭放在盤子上,拿來交給那女孩子,女孩子又交給她的母親。
29Vadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakauya vakatora chitunha chake, vakachiisa muguva.
29約翰的門徒聽見了,就來把他的屍體領去,安放在墳墓裡。
30Zvino vaapositori vakaunganira kuna Jesu, vakamuudza zvose, nezvavakange vaita, nezvavakange vadzidzisa.
30給五千人吃飽的神蹟(太14:13~21;路9:10~17;約6:1~13。參可8:1~9)使徒們回來聚集在耶穌跟前,把他們所作和所教導的一切都報告給他聽。
31Akati kwavari: Uyai imwi pachenyu moga kunzvimbo yerenje, muzorore zvishoma. Nekuti vaiva vazhinji vaiuya nekuenda, vakasava nemukana kunyange wekudya.
31耶穌對他們說:“來,你們自己到曠野去休息一下。”因為來往的人多,他們甚至沒有時間吃飯。
32Vakaenda nechikepe kunzvimbo yerenje vari vega.
32他們就悄悄地上了船,到曠野去了。
33Zvaunga zvikavaona vachienda, uye vazhinji vakamuziva, vakamhanyirako pamwechete netsoka vachibva pamaguta ose, vakavatangira, vakasangana kwaari.
33群眾看見他們走了,有許多人認出了他們,就從各城出來,跑到那裡,比他們先趕到。
34Zvino Jesu wakati achibuda, akaona chaunga chikuru, akachinzwira tsitsi, nekuti vakange vakaita semakwai asina mufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.
34耶穌一下船,看見一大群人,就憐憫他們,因為他們好像羊沒有牧人一樣,就開始教導他們許多事。
35Zvino nguva yakati yaenda zvikuru, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati: Iyi inzvimbo yerenje, uye nguva yatoenda;
35天晚了,門徒前來對他說:“這裡是曠野的地方,天已經很晚了,
36varegei, kuti vaende kuruwa rwakapoteredza nemisha vanozvitengera zvingwa. Nekuti havana chavangadya.
36請叫他們散開,好讓他們往周圍的田舍村莊去,自己買點東西吃。”
37Akapindura akati kwavari: Vapei imwi kuti vadye. Vakati kwaari: Tingaenda here tinotenga zvingwa zvemadhenari* mazana maviri, tivape vadye?
37耶穌回答他們:“你們給他們吃吧!”門徒說:“要我們去買兩百銀幣的餅給他們吃嗎?”
38Akati kwavari: Mune zvingwa zvingani? Endai munoona. Vakati vaziva vakati: Zvishanu, nehove mbiri.
38耶穌說:“去看看你們有多少餅!”他們知道了,就說:“五個餅,還有兩條魚。”
39Zvino akavaraira kuti vavagarise vose pasi nemapoka-mapoka pauswa unyoro.
39耶穌吩咐他們叫大家分組坐在青草地上。
40Zvino vakagara pasi nemapoka mapoka nemazana uye nemakumi mashanu.
40他們就一排一排地坐了下來,有一百的,有五十的。
41Zvino wakati atora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa kuvadzidzi vake, kuti vazvigadzike pamberi pavo; nehove mbiri akavagovera vose.
41耶穌拿起這五個餅、兩條魚,望著天,祝謝了;然後把餅擘開,遞給門徒擺在群眾面前,又把兩條魚也分給群眾。
42Zvino vakadya vose, vakaguta.
42大家都吃了,並且吃飽了。
43Vakanunga matengu gumi nemaviri azere nezvimedu, nezvehove.
43他們把剩下的零碎撿起來,裝滿了十二個籃子,
44Zvino avo vakadya zvingwa vaiva varume vanenge zvuru zvishanu.
44吃餅的人,男人就有五千。
45Pakarepo akamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vatungamire kuenda mhiri kuBhetisaidha, iye achirega chaunga chichienda.
45耶穌在海面上行走(太14:22~33;約6:15~21)事後耶穌立刻催門徒上船,叫他們先渡到對岸的伯賽大去,等他自己叫眾人散開。
46Akati avaoneka, akabva akaenda mugomo kunonyengetera.
46他離開了他們,就上山去禱告。
47Zvino ava madekwana chikepe chakange chiri pakati pegungwa, iye ari oga panyika.
47到了晚上,船在海中,耶穌獨自在岸上,
48Zvino wakavaona vachirwadziwa nekukwasva, nekuti mhepo yakange ichipesana navo; akauya kwavari nenguva inenge seyechina yekurinda yeusiku, achifamba pamusoro pegungwa; ndokuda kuvapfuura.
48看見門徒辛辛苦苦地搖櫓,因為風不順。天快亮的時候(“天快亮的時候”原文作“夜裡四更天”),耶穌在海面上向他們走去,想要趕過他們。
49Zvino vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti idzangaradzimu, vakaridza mhere.
49門徒看見他在海面上走,以為是鬼怪,就喊叫起來;
50Nekuti vose vakamuona, vakavhunduka; asi pakarepo akataura navo, akati kwavari: Tsungai moyo, ndini, musatya.
50因為他們都看見了他,非常恐懼。耶穌立刻對他們說:“放心吧!是我,不要怕。”
51Akakwira kwavari muchikepe, mhepo ikanyarara; vakakatyamara zvikuru mukati mavo zvisingaverengeki vakashamisika.
51於是上了船,和他們在一起,風就平靜了。門徒心裡十分驚奇,
52nekuti vakange vasina kunzwisisa zvezvingwa, nekuti moyo wavo wakange uri mukukutu.
52因為他們還不明白分餅這件事的意義,他們的心還是遲鈍。
53Vakati vayambuka, vakasvika kunyika yeGenesareti, vakasungira chikepe pamahombekombe.
53治好革尼撒勒的病人(太14:34~36)他們渡過了海,就在革尼撒勒靠岸,
54Vakati vabuda muchikepe, pakarepo vakamuziva,
54一下船,眾人立刻認出耶穌來,
55vakamhanyira munharaunda iyo yose yakapoteredza, vakatanga kutenderera vakatakura vairwara pamichanja, kwavainzwa kuti ndiko kwaari.
55就跑遍那一帶地方,把有病的人放在褥子上,聽見他在哪裡,就抬到哪裡。
56Zvino pose paakapinda pamisha kana pamaguta kana paruwa, vakaradzika varwere pamisika, vakamukumbira zvikuru kuti vabate mupendero wenguvo dzake chete; uye vose vakamubata vakaponeswa.
56耶穌無論到甚麼地方,或村莊,或城市,或鄉野,眾人都把病人放在街上,求耶穌准他們摸他衣服的繸子,摸著的人就都好了。