1Ipapo kwakauya kuna Jesu vanyori nevaFarisi vachibva kuJerusarema vachiti:
1不可因傳統廢棄 神的誡命(可7:1~23)有法利賽人和經學家從耶路撒冷前來,問耶穌:
2Sei vadzidzi venyu vachidarika tsika dzevakuru? Nekuti havashambi maoko avo kana vachidya chingwa.
2“你的門徒為甚麼違背古人的傳統,在飯前不洗手呢?”
3Asi akapindura akati kwavari: Nemhaka yei imwiwo muchidarika murairo waMwari nekuda kwetsika dzenyu?
3耶穌回答:“你們又為甚麼因你們的傳統,違背 神的誡命呢?
4Nekuti Mwari wakaraira achiti: Kudza baba namai vako; uye kuti: Unotuka baba kana mai, unofanira kufa rufu.
4 神說:‘當孝敬父母’,又說:‘咒罵父母的必被處死’。
5Asi imwi munoti: Ani nani unoti kuna baba kana mai: Chipi nechipi chaungabatsirwa neni chibayiro,
5你們卻說:‘人若對父母說:“我應該給你們的,已經作了獻給 神的禮物”,
6naizvozvo haatongokudzi baba vake kana mai vake; naizvozvo mashayisa murairo waMwari maturo netsika dzenyu.
6他就可以不孝敬父母了。’你們因為你們的傳統,就廢棄了 神的話。
7Vanyepedzeri, Isaya wakaporofita zvakanaka pamusoro penyu achiti:
7偽君子啊,以賽亞指著你們說的預言說得好:
8Vanhu ava vanoswedera kwandiri nemuromo wavo, vachindikudza nemiromo; asi moyo wavo uri kure neni.
8‘這人民用嘴唇尊敬我,心卻遠離我;
9Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso dzemirairo yevanhu.
9他們把人的規條當作道理去教導人,所以拜我也是徒然。’”
10Zvino akadanira chaunga kwaari, akati kwavari: Teererai munzwisise.
10耶穌叫群眾前來,對他們說:“你們要聽,也要明白。
11Hazvisi zvinopinda mumuromo zvinosvibisa munhu; asi izvo zvinobuda mumuromo, ndizvo zvinosvibisa munhu.
11進到口裡的不能使人污穢,只有從口裡出來的,才能使人污穢。”
12Zvino vadzidzi vake vakaswedera vakati kwaari: Munoziva kuti vaFarisi vakati vachinzwa shoko iri vakagumbuka here?
12門徒前來告訴他:“法利賽人聽了這話很生氣,你知道嗎?”
13Asi wakapindura akati: Chinomera chimwe nechimwe Baba vangu vekudenga chavasina kusima chichadzurwa.
13耶穌說:“所有不是我天父栽種的植物,都要連根拔起來。
14Varegei; vatungamiriri mapofu vemapofu; zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ari maviri.
14由得他們吧!他們是瞎眼的,卻作了嚮導;如果瞎子領瞎子,二人都會跌進坑裡。”
15Petro akapindura akati kwaari: Tidudzirei mufananidzo uyu.
15彼得說:“請你給我們解釋這個比喻吧。”
16Zvino Jesu akati: Imwiwo muchigere kunzwisisa here?
16耶穌說:“你們還是不明白嗎?
17Nazvino hamunzwisisi here, kuti zvose zvinopinda mumuromo zvinoenda mudumbu, zvichizorashwa kunze?
17難道不知道一切進到口裡的,是進到肚腹,然後排泄到外面去嗎?
18Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumoyo; izvo zvinosvibisa munhu.
18但從口裡出來的,是發自內心,才會使人污穢。
19Nekuti mumoyo munobuda ndangariro dzakaipa, umhondi, ufeve, upombwe, umbavha, uchapupu hwenhema, kunyomba.
19因為從心裡出來的,有惡念、兇殺、姦淫、淫亂、偷盜、假見證和毀謗。
20Izvi ndizvo zvinosvibisa munhu; asi kudya nemaoko asina kushambwa hazvisvibisi munhu.
20這些才會使人污穢,不洗手吃飯卻不會這樣。”
21Zvino Jesu wakabvapo akaenda kumiganhu yeTire neSidhoni.
21迦南婦人的信心(可7:24~30)耶穌離開那裡,來到推羅、西頓境內。
22Zvino tarira, mukadzi muKanani wakabva kumiganhu iyoyo akadanidzira kwaari achiti: Ndinzwirei tsitsi! Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi. Mukunda wangu wakabatwa zvakaipa nedhimoni.
22有一個迦南的婦人從那地區出來,喊著說:“主啊,大衛的子孫,可憐我吧!我的女兒被鬼附得很苦。”
23Asi haana kumupindura kana shoko. Vadzidzi vake ndokuuya kwaari vakamukumbirisa vachiti: Muindisei, nekuti unodanidzira shure kwedu.
23耶穌一句話也不回答她。門徒上前求他說:“請叫她走吧,她一直跟在我們後面喊叫。”
24Asi wakapindura akati: Handina kutumwa zvimwe, kunze kwekumakwai akarashika eimba yaIsraeri.
24耶穌回答:“我被差遣,只是到以色列家的迷羊那裡去。”
25Zvino akauya akamukotamira achiti: Ishe, ndibatsirei henyu.
25她來跪在耶穌面前說:“主啊,求你幫助我!”
26Asi wakapindura akati: Hazvina kunaka kutora chingwa chevana ndokukandira imbwanana.
26耶穌回答:“拿兒女的餅丟給小狗吃是不好的。”
27Asi iye akati: Hongu, Ishe, asi nembwanana dzinodya zvezvimedu zvinowa patafura yavatenzi vadzo.
27她說:“主啊,是的,不過小狗也吃主人桌子上掉下來的碎渣。”
28Zvino Jesu akapindura akati kwaari: Haiwa mukadzi, rutendo rwako rukuru! Ngazvive kwauri sezvaunoda. Mukunda wake akaporeswa kubva panguva iyoyo.
28於是耶穌對她說:“婦人,你的信心真大,照你所想的給你成就吧!”從那時起,她的女兒就好了。
29Jesu ndokubva ipapo akauya pedo negungwa reGarirea; akakwira mugomo, akagara ipapo.
29治好許多病人(可7:31~37)耶穌離開那裡,來到加利利海邊,就上山坐下。
30Zvino zvaunga zvikuru zvikauyisa kwaari, vanokamhina, mapofu, zvimumumu, zvirema, nevamwe vazhinji, vakavakanda patsoka dzaJesu; akavaporesa;
30有許多人來到他那裡,把瘸腿的、瞎眼的、殘廢的、啞的和許多別的病人,都帶到耶穌跟前,他就醫好他們。
31zvekuti zvaunga zvakashamisika zvichiona zvimumumu zvichitaura, zvirema zvakagwinya, vanokamhina vachifamba, nemapofu achiona; vakarumbidza Mwari waIsraeri.
31群眾看見啞巴說話,殘廢的復原,瘸腿的行走,瞎眼的看見,就十分驚奇,於是頌讚以色列的 神。
32Jesu ndokudanira vadzidzi vake kwaari akati: Ndinonzwa tsitsi nechaunga, nekuti vakagara neni zvino mazuva matatu vasina chinhu chekudya, uye handingavaindisi vasina kudya, zvimwe vangaziya panzira.
32給四千人吃飽的神蹟(可8:1~10。參太14:13~21)耶穌叫門徒前來,說:“我憐憫這一群人,因為他們跟我在一起已經有三天,也沒有甚麼吃的;我不想叫他們餓著肚子回去,恐怕他們在路上暈倒。”
33Vadzidzi vake ndokuti kwaari: Tichawanepi zvingwa zvakawanda zvakadaro murenje, kuti tigutise chaunga chikuru chakadai?
33門徒對他說:“我們在這曠野地方,哪裡有足夠的食物給這許多的人吃飽呢?”
34Jesu ndokuti kwavari: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe, nehove duku shomanene.
34耶穌問他們:“你們有多少餅?”他們說:“七個餅和幾條小魚。”
35Ndokuraira zvaunga kuti zvigare pasi pavhu.
35他就吩咐群眾坐在地上,
36Akatora zvingwa zvinomwe nehove, akavonga, akamedura, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa chaunga.
36拿起那七個餅和那些魚,祝謝了,擘開遞給門徒,門徒又分給眾人。
37Vakadya vose vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, matengu manomwe azere.
37大家都吃了,並且吃飽了。他們把剩下的零碎拾起來,裝滿了七個大籃子。
38Zvino avo vakadya vakange vari varume zvuru zvina pasina vakadzi nevana vaduku.
38吃的人,除了婦女和孩子,共有四千。
39Zvino wakati aregera zvaunga zvichienda, akapinda muchikepe, akasvika kumiganhu yeMagidhara.
39耶穌解散了群眾,就上了船,來到馬加丹地區。