1Zvino Jesu wakati aberekwa muBhetirehemu reJudhiya, pamazuva aHerodhe mambo, tarira, kwakauya vachenjeri vachibva mabvazuva kuJerusarema,
1占星家朝拜耶穌希律王執政的時候,耶穌生在猶太的伯利恆。那時,有幾個占星家從東方來到耶路撒冷,
2vachiti: Uripi iye wakazvarwa Mambo wevaJudha? Nekuti taona nyeredzi yake kumabvazuva, tauya kuzomunamata.
2說:“那生下來作猶太人的王的在哪裡?我們看見他的星出現,特來朝拜他。”
3Zvino Herodhe mambo wakati anzwa, akashushikana, neJerusarema rose naye.
3希律王聽見了就心裡不安,全耶路撒冷的居民也是這樣。
4Zvino wakati aunganidza vapristi vakuru vose nevanyori vevanhu, akabvunza kwavari kuti Kristu uchazvarirwa kupi.
4他就召集所有的祭司長和民間的經學家,問他們基督應該生在哪裡。
5Zvino vakati kwaari: MuBhetirehemu reJudhiya; nekuti zvakanyorwa saizvozvi nemuporofita zvichinzi:
5他們回答:“在猶太的伯利恆。因為有先知在經上這樣說:
6Newe Bhetirehemu nyika yaJudha, hausi mudukusa kuvatongi vaJudha; nekuti kwauri kuchabuda mutungamiriri, uchafudza vanhu vangu Israeri.
6‘猶大地的伯利恆啊!你在猶大的領袖中,並不是最小的,因為必有一位領袖從你那裡出來,牧養我的子民以色列。’”
7Zvino Herodhe, wakati adana vachenjeri muchivande, akabvunzisisa kwavari nguva yakaonekwa nyeredzi.
7希律暗中把占星家召來,仔細查問他們,那顆星甚麼時候出現,
8Akavatuma kuBhetirehemu, akati: Endai munobvunzisisa zvemucheche; kana mamuwana mundisume, kuti ini ndiuyewo ndimunamate.
8然後派他們到伯利恆去,說:“你們去細心尋訪那小孩,找到了就向我報告,好叫我也去拜他。”
9Vakati vanzwa mambo, vakabva; zvino tarira, nyeredzi yavakaona kumabvazuva yakavatungamirira, kusvikira yasvika ikamira pamusoro pepakange pane mucheche.
9他們聽命去了。他們在東方看見的那顆星,忽然在他們前頭,領他們到那小孩所在的地方,就在上頭停住了。
10Vakati vaona nyeredzi vakafara nemufaro mukuru kwazvo.
10他們看見那顆星,歡喜極了;
11Vakati vapinda mumba, vakaona mucheche naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata; zvino vakati vazarura fuma yavo, vakamupemberera nezvipo, ndarama, nezvipfungaidzo zvinonhuwira, nemura*.
11進了房子,看見小孩和他母親馬利亞,就俯伏拜他,並且打開寶盒,把黃金、乳香、沒藥作禮物獻給他。
12Vakati vanyeverwa naMwari muchiroto, kuti varege kudzokera kuna Herodhe, vakabva vakaenda kunyika yavo neimwe nzira.
12後來他們在夢中得著指示不要回到希律那裡去,就從別的路回鄉去了。
13Vakati vaenda, tarira, mutumwa waIshe anoonekwa kuna Josefa muchiroto, achiti: Muka utore mucheche namai vake, utizire kuEgipita, uveko kusvikira ndichikuudza; nekuti Herodhe uchatsvaka mucheche kuti amuparadze.
13逃往埃及他們走了以後,主的使者在夢中向約瑟顯現,說:“起來,帶著孩子和他母親逃到埃及去,留在那裡,直到我再指示你,因為希律要尋找這孩子,把他殺掉。”
14Zvino amuka wakatora mucheche namai vake usiku, akabva akaenda kuEgipita,
14約瑟就起來,連夜帶著孩子和他母親往埃及去,
15uye wakavako kusvikira pakufa kwaHerodhe; kuti zvizadziswe zvakarehwa naIshe nemuporofita, achiti: Ndakadana mwanakomana wangu abude Egipita.
15住在那裡,直到希律死了,為的是要應驗主藉先知所說的:“我從埃及召我的兒子出來。”
16Zvino Herodhe, wakati aona kuti anyengerwa nevachenjeri, akatsamwa zvikuru, akatuma, akaponda vana vose vaiva muBhetirehemu nemumigumo yayo yose, kubvira pamakore maviri neari pasi, zvichienderana nenguva yaakange abvunzisisa kuvachenjeri.
16屠殺嬰孩希律見自己被占星家愚弄了,就大怒,於是照著他從占星家所問得的日子,下令把伯利恆和附近地方,兩歲以下的小孩全都殺死。
17Zvino zvakazadziswa zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti:
17這就應驗了耶利米先知所說的:
18MuRama rakanzwika inzwi, kuungudza nekuchema nekurira kukuru, Rakeri achichema vana vake asingadi kunyaradzwa, nekuti havachipo.
18“在拉瑪聽見有聲音,是痛哭、極大哀號的聲音;拉結為她的兒女哀哭,不肯受安慰,因為他們都不在了。”
19Asi Herodhe wakati afa, tarira, mutumwa waIshe wakaonekwa muchiroto kuna Josefa muEgipita,
19從埃及回來希律死後,在埃及,主的使者在夢中向約瑟顯現,
20achiti: Muka, utore mucheche namai vake, uende kunyika yaIsraeri; nekuti vakafa avo vaitsvaka mweya wemucheche.
20說:“那些要殺害這孩子的人已經死了。起來,帶著孩子和他母親回以色列地去吧。”
21Akasimuka ndokutora mucheche namai vake akasvika kunyika yaIsraeri.
21約瑟就起來,帶著小孩子和他母親回到以色列地。
22Asi wakati achinzwa kuti Arikerawo anotonga muJudhiya panzvimbo yababa vake Herodhe, akatya kuendako; asi wakati anyeverwa naMwari muchiroto, akabva akaenda kumativi eGarirea.
22只是聽見亞基老接續他父親希律作了猶太王,他就不敢到猶太地去;又在夢中得了指示,於是往加利利境去,
23Akasvika akagara muguta rinonzi Nazareta; kuti zvizadziswe zvakarehwa nevaporofita, kuti: Achanzi muNazareta.
23來到拿撒勒城住下,這樣就應驗了先知所說的:“他必稱為拿撒勒人。”