Shona

聖經新譯本

Matthew

24

1Zvino Jesu wakabuda akabva patembere; vadzidzi vake ndokuswedera kuzomuratidza zvivakwa zvetembere.
1預言聖殿被毀(可13:1~2;路21:5~6)耶穌出了聖殿,往前走的時候,門徒前來把聖殿的建築指給他看。
2Jesu akati kwavari: Hamuoni zvinhu izvi zvose here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakungatozongosiiwi pano ibwe pamusoro pebwe risingazoputsirwi pasi.
2他對門徒說:“你們不是看見了這一切嗎?我實在告訴你們,將來在這裡必沒有一塊石頭留在另一塊石頭上面,每一塊都要拆下來。”
3Kuzoti agere pagomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari vega vachiti: Tiudzei, zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chekuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipi?
3這世代終結的預兆(可13:3~13;路21:7~19)耶穌坐在橄欖山上,門徒暗中前來問他:“請告訴我們,甚麼時候會有這些事呢?你的降臨和這世代的終結,有甚麼預兆呢?”
4Jesu akapindura akati kwavari: Chenjerai kuti kusava neunokutsausai;
4耶穌回答他們:“你們要小心,不要被人迷惑;
5nekuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye vachatsausa vazhinji.
5因為許多人要假冒我的名而來,說:‘我就是基督’,並且要迷惑許多的人。
6Zvino muchanzwa zvehondo nerunyerekupe rwehondo; chenjerai, musakanganiswa; nekuti zvose zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere.
6你們要聽見戰爭,也聽見戰爭的風聲;你們要小心,不要驚慌,因為這是免不了的,不過結局還沒有到。
7Nekuti rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe, uye kuchava nenzara, nematenda, nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana siyana.
7一個民族要起來攻打另一個民族,一個國家要起來攻打另一個國家,到處都有饑荒和地震,
8Asi zvose izvi kutanga kwemarwadzo emimba.
8這一切不過是痛苦的開始。
9Ipapo vachakukumikidzai mukutambudzika, uye vachakuurayai; uye muchavengwa nemarudzi ose nekuda kwezita rangu.
9那時人要把你們送去受苦,也要殺害你們,你們要因我的名被萬民恨惡。
10Zvino vazhinji vachagumbuswa, uye vachatengesana, nekuvengana.
10那時許多人會失去信仰,彼此出賣,互相恨惡;
11Uye vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vatsause vazhinji.
11也有許多假先知出現,要迷惑許多人。
12Nekuti kuipa kuchawanda, rudo rwevazhinji rwuchatonhora.
12因為不法的事增加,許多人的愛心就冷淡了。
13Asi unotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye uchaponeswa.
13唯有堅忍到底的,必然得救。
14Uye evhangeri iyi yeushe ichaparidzwa munyika yose chive uchapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.
14這天國的福音要傳遍天下,向萬民作見證,然後結局才來到。
15Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakarehwa naDhanyeri muporofita, imire panzvimbo tsvene (unorava ngaanzwisise),
15大災難的日子(可13:14~23;路21:20~24)“當你們看見但以理先知所說的‘那造成荒涼的可憎者’,站在聖地的時候(讀者必須領悟),
16zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;
16那時,住在猶太的應當逃到山上;
17uri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kuzotora chinhu kubva mumba make;
17在房頂的不要下來拿家裡的東西;
18neuri kumunda ngaarege kudzokera shure kunotora nguvo dzake.
18在田裡的也不要回去取衣服。
19Mune nhamo vane mimba nevanomwisa nemazuva iwayo!
19當那些日子,懷孕的和乳養孩子的有禍了!
20Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva mukuvhuvhuta, kana nesabata.
20你們應當祈求,叫你們逃難的時候,不是在冬天或安息日,
21Nekuti ipapo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye kusingazovipozve.
21因為那時必有大災難,這是從世界的開始到現在未曾有過的,以後也必不會再有。
22Dai mazuva iwayo asaipfupiswa, hakuna nyama zvachose yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa, mazuva iwayo achapfupiswa.
22如果那些日子不減少,沒有一個人可以存活;但是為了選民,那些日子必會減少。
23Zvino kana munhu akati kwamuri: Tarirai, Kristu pano, kana apo, musatenda.
23那時,如果有人對你們說:‘看哪,基督在這裡!’或說:‘他在那裡!’你們不要信,
24Nekuti kuchamuka vana Kristu venhema nevaporofita venhema, vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso, zvekuti kana zvichibvira, vatsause nevasanagurwa.
24因為必有假基督和假先知出現,顯大神蹟和奇事;如果可以的話,他們連選民也要迷惑。
25Tarirai, ndagara ndakuudzai.
25你們看!我已經事先告訴你們了。
26Naizvozvo kana vakati kwamuri: Tarirai, uri murenje, musabuda; tarirai uri mudzimba dzemukati, musatenda.
26如果他們對你們說:‘看!基督在曠野裡。’你們不要出去;或說:‘看!他在房子裡。’也不要相信。
27Nekuti semheni inobuda kumabvazuva ichipenya kusvikira kumavirira, kuchava saizvozvo kuuya kweMwanakomana wemunhu.
27電光怎樣從東方閃出來,一直照到西方,人子降臨的時候,也是這樣。
28Nekuti apo pane chitunha, ndipo pachaunganidzwa magora.
28屍首在哪裡,鷹也必聚在哪裡。
29Pakarepo shure kwekutambudzika kwemazuva iwayo, zuva richasvibiswa, nemwedzi hauchazopi chiedza chawo, uye nyeredzi dzichawa kudenga, nemasimba ekumatenga achazungunuswa.
29人子必駕雲降臨(可13:24~31;路21:25~33)“那些日子的災難剛過去:太陽就變黑了,月亮也不發光,眾星從天墜落,天上的萬象震動。
30Uye ipapo kuchaonekwa chiratidzo cheMwanakomana wemunhu kudenga; uye ipapo marudzi ose enyika achachema, uye achaona Mwanakomana wemunhu achiuya mumakore ekudenga nesimba nekubwinya kukuru.
30“那時,人子的徵兆要顯在天上,地上的萬族都要哀號,並且看見人子帶著能力,滿有榮耀,駕著天上的雲降臨。
31Uye uchatuma vatumwa vake nekurira kukuru kwehwamanda, vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumugumo wematenga kusvikira kumugumo wawo.
31當號筒發出響聲,他要差派使者,把他的選民從四方,從天這邊到天那邊都招聚來。
32Asi dzidzai mufananidzo kubva pamuonde: Kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha raswedera.
32“你們應該從無花果樹學個功課:樹枝長出嫩芽生出葉子的時候,你們就知道夏天近了;
33Saizvozwo nemwi, kana moona izvozvi zvose, zivai kuti wava pedo pamikova.
33同樣,當你們看見這一切,就知道人子已經近在門口了。
34Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri kusvikira izvozvi zvose zvaitika.
34我實在告訴你們,這一切都必要發生,然後這世代才會過去。
35Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
35天地都要過去,但我的話決不會廢去。
36Asi zvezuva iro nenguva iyo hakuna unozviziva, kunyangwe vatumwa vekumatenga, asi Baba vangu chete.
36警醒準備(可13:32~37;路17:26~30、34~36)“至於那日子和時間,沒有人知道,連天上的使者和子也不知道,只有父知道。
37Asi semazuva aNowa, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.
37挪亞的時代怎樣,人子降臨的時候也是這樣。
38Nekuti sepamazuva akatangira mafashame, vaidya nekumwa, nekuwana nekuwaniswa, kusvikira zuva Nowa raakapinda muareka,
38洪水之前的時代,人們吃喝嫁娶,直到挪亞進入方舟的那一天;
39uye vakange vasingazivi, kusvikira kwasvika mafashame avabvisa vose, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.
39等到洪水來到,把他們沖去,他們才明白過來;人子降臨的時候也是這樣。
40Ipapo vaviri vachava mumunda; umwe achatorwa, umwe achasiiwa.
40那時,兩個人在田裡工作,一個被接去,一個撇下來;
41Vakadzi vaviri vachikuya paguyo; umwe achatorwa, neumwe achasiiwa.
41兩個女人在磨坊推磨,一個被接去,一個撇下來。
42Rindai naizvozvo, nekuti hamuzivi nguva Ishe wenyu yaachauya.
42因此,你們要警醒,因為不知道你們的主甚麼時候要來。
43Asi zivai izvi, kuti dai mwene weimba aiziva kuti inguva yekurinda ipi ichasvika mbavha, ungadai airinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.
43你們都知道,家主若曉得竊賊晚上甚麼時候會來,就會提高警覺,不讓他摸進屋裡。
44Naizvozvo imwiwo ivai makagadzirira; nekuti neawa ramusingafungiri, Mwanakomana wemunhu anouya.
44所以,你們也要準備妥當,因為在想不到的時候,人子就來了。
45Ko ndiani muranda wakatendeka, wakangwara, ishe wake wakamugadza pamusoro pevaranda vake kuti avape chikafu nenguva yakafanira?
45忠心的僕人有福了(路12:42~46)“誰是忠心和精明的僕人,被主人指派管理全家,按時分派糧食的呢?
46Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika anomuwana achiita saizvozvo.
46主人來到,看見他這樣作,那僕人就有福了。
47Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Uchamugadza pamusoro pezvose zvaanazvo.
47我實在告訴你們,主人要指派他管理自己的一切財產。
48Asi kana muranda uyo wakaipa akati mumoyo make: Ishe wangu wanonoka kuuya,
48如果他是個壞的僕人,心裡說‘我的主人不會那麼快回來’,
49ndokutanga kurova vamwe varanda vanobata pamwe naye, nekudya nekumwa nezvidhakwa,
49就動手打其他的僕人,又和醉酒的人吃喝。
50ishe wemuranda uyo uchasvika nezuva raasingatariri nenguva yaasingazivi,
50在他想不到的日子,不知道的時間,那僕人的主人要來,
51akamugura nepakati, akamugovera mugove wake nevanyepedzeri, apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
51嚴厲地處罰他,使他和虛偽的人同在一起;在那裡必要哀哭切齒。”