1Zvino Jesu wakatungamirirwa neMweya kurenje kuti anoidzwa nadhiabhorosi.
1耶穌受試探(可1:12~13;路4:1~13)隨後,耶穌被聖靈帶到曠野,受魔鬼的試探。
2Zvino wakati atsanya mazuva makumi mana neusiku makumi mana, akazonzwa nzara.
2耶穌禁食了四十晝夜,就餓了,
3Zvino muidzi wakati auya kwaari, akati: Kana uri Mwanakomana waMwari, raira kuti mabwe awa aite zvingwa.
3試探者前來對他說:“你若是 神的兒子,就吩咐這些石頭變成食物吧!”
4Asi iye wakapindura akati: Kwakanyorwa kuchinzi: Munhu haangararami nechingwa choga, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.
4耶穌回答:“經上記著:‘人活著,不是單靠食物,更要靠 神口裡所出的一切話。’”
5Zvino dhiabhorosi akamutora akamuisa muguta dzvene, akamumisa pachiruvu chetembere,
5隨後,魔鬼帶耶穌進了聖城,使他站在殿頂上,
6ndokuti kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikandire pasi; nekuti kwakanyorwa kuti: Iye ucharaira vatumwa vake pamusoro pako, pamaoko vachakugamha, zvimwe ungagumbusa rutsoka rwako pabwe.
6對他說:“你若是 神的兒子,就跳下去吧!因為經上記著:‘ 神為了你,會吩咐自己的使者用手托住你,免得你的腳碰到石頭。’”
7Jesu akati kwaari: Kwakanyorwa zvekare: Usaidza Ishe Mwari wako.
7耶穌對他說:“經上又記著:‘不可試探主你的 神。’”
8Dhiabhorosi akamuisazve pagomo refusa, akamuratidza ushe hwose hwenyika, nekubwinya kwahwo.
8最後,魔鬼帶耶穌上了一座極高的山,把世界各國和各國的榮華都指給他看。
9Akati kwaari: Zvose zvinhu izvi ndichapa kwauri kana ukawira pasi ukandinamata.
9並且對他說:“你只要跪下來拜我,我就把這一切都給你。”
10Ipapo Jesu akati kwaari: Ibva, Satani, nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Uchanamata Ishe Mwari wako, uchashumira iye woga.
10但耶穌說:“撒但,走開!經上記著:‘當拜主你的 神,單要事奉他。’”
11Ipapo dhiabhorosi akamusiya; zvino tarira, vatumwa vakauya vakamushandira.
11於是魔鬼離開了耶穌,有天使前來服事他。
12Zvino Jesu wakati anzwa kuti Johwani wakumikidzwa mutirongo, akabva akaenda Garirea.
12耶穌在加利利傳道(可1:14~20;路4:14~15,5:1~11,6:17~19;約1:35~42)耶穌聽見約翰被捕,就往加利利去。
13Zvino wakabva Nazareta, akauya akagara muKapenaumi riri pagungwa, mumiganhu yeZebhuroni neNafitarimi;
13他又離開拿撒勒,往西布倫和拿弗他利境內近海的迦百農去,住在那裡,
14kuti zvizadziswe zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti:
14為了要應驗以賽亞先知所說的:
15Nyika yeZebhuroni nenyika yeNefitarimi, panzira yegungwa, mhiri kwaJoridhani, Garirea revahedheni;
15“西布倫地、拿弗他利地,沿海之路,約旦河外,外族人的加利利啊!
16vanhu vakange vagere murima vakaona chiedza chikuru; nevakange vagere panharaunda nemumumvuri werufu, chiedza chakabudira kwavari.
16住在黑暗中的人民,看見了大光;死亡幽暗之地的居民,有光照亮他們。”
17Kubvira panguva iyoyo Jesu wakatanga kuparidza nekuti: Tendeukai, nekuti ushe hwekumatenga hwaswedera.
17從那時起,耶穌就開始傳道,說:“天國近了,你們應當悔改。”
18Zvino Jesu wakati achifamba-famba pagungwa reGarirea akaona vanakomana vemunhu umwe vaviri, Simoni anonzi Petro, naAndiriya munin'ina wake, vachikandira mumbure mugungwa; nekuti vakange vari varedzi.
18耶穌在加利利海邊行走的時候,看見兄弟二人,就是名叫彼得的西門和他的弟弟安得烈,正在把網撒到海裡去;他們是漁夫。
19Akati kwavari: Nditeverei, ndigokuitai varedzi vevanhu.
19耶穌就對他們說:“來跟從我,我要使你們作得人的漁夫。”
20Pakarepo vakasiya mimbure vakamutevera.
20他們立刻撇下網,跟從了他。
21Zvino wakati apfuurira kubva ipapo akaona vamwe vaviri vanakomana vemunhu umwe, Jakobho waZebhedhi naJohwani munin'ina wake muchikepe pamwe naZebhedhi baba vavo, vachigadzira mimbure yavo, akavadana.
21耶穌又往前走,看見另一對兄弟,就是西庇太的兒子雅各和約翰,正和父親西庇太在船上整理魚網,他就呼召他們。
22Pakarepo vakasiya chikepe nababa vavo vakamutevera.
22他們立刻離了船,別了父親,跟從了耶穌。
23Jesu akapota neGarirea rose achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, achiporesa denda roga roga neurwere hwoga hwoga pavanhu.
23耶穌走遍加利利,在各會堂裡教導人,宣揚天國的福音,醫治民間各種疾病、各種病症。
24Shoko rake rikabudira kuSiria yose; vakauyisa kwaari varwere vose, vakabatwa nehosha dzakasiyana-siyana nemarwadzo, nevakange vane madhimoni, nevaiva nezvipusha, nevakange vakafa mitezo; akavaporesa.
24他的名聲傳遍了敘利亞全地,人們就把一切患病的,就是患各種疾病、疼痛、鬼附、癲癇、癱瘓的,都帶到他面前,他就醫好他們。
25Zvino zvaunga zvikuru zvakamutevera, vaibva Garirea, neDhekapori, neJerusarema, neJudhiya, nemhiri kwaJoridhani.
25於是有許多人從加利利、低加波利、耶路撒冷、猶太和約旦河東來跟從耶穌。