Shona

聖經新譯本

Matthew

9

1Akabva apinda mugwa, akayambuka ndokusvika muguta rake pachake.
1治好癱子(可2:1~12;路5:17~26)耶穌上了船,過到自己的城來。
2Zvino tarira, vakauyisa kwaari wakange akafa mitezo, avete pauchanja; zvino Jesu achiona rutendo rwavo akati kune wakange akafa mitezo: Tsunga moyo, mwana, wakangamwirwa zvivi zvako.
2有人把一個躺在床上的癱子帶到他那裡。耶穌看見他們的信心,就對癱子說:“孩子,放心!你的罪赦了。”
3Zvino tarira, vamwe vevanyori vakati mukati mavo: Uyu unonyomba.
3有幾位經學家彼此說:“這個人在說僭妄的話。”
4Asi Jesu achiona mifungo yavo wakati: Munofungirei zvakaipa mumoyo yenyu?
4耶穌看出他們所想的,就說:“你們心裡為甚麼存著惡念呢?
5Nekuti ndechipi chakareruka, kuti: Wakangamwirwa zvivi zvako; kana kuti: Simuka ufambe?
5說‘你的罪赦了’,或說‘起來行走’,哪一樣容易呢?
6Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu une simba panyika rekukangamwira zvivi (wakabva ati kune wakange akafa mitezo): Simuka, tora uchanja hwako, uende kumba kwako.
6然而為了要使你們知道人子在地上有赦罪的權柄,(他就對癱子說:)起來,拿起你的床,回家去吧。”
7Akasimuka, akaenda kumba kwake.
7他就起來回家去了。
8Zvaunga zvakati zvichizviona zvikashamisika, zvikarumbidza Mwari, wakapa simba rakadai kuvanhu.
8群眾看見,就起了敬畏的心,頌讚那把這樣的權柄賜給人的 神。
9Zvino Jesu wakati achipfuurapo akaona munhu unonzi Matewu agere pahofisi yemutero, akati kwaari: Nditevere! Ndokusimuka, akamutevera.
9呼召馬太(可2:14~17;路5:27~32)耶穌從那裡往前走,看見一個人,名叫馬太,坐在稅關那裡,就對他說:“來跟從我!”他就起來跟從了耶穌。
10Zvino zvakaitika agere pakudya mumba, tarira, vateresi vazhinji nevatadzi vakauya vakagara pakudya naJesu nevadzidzi vake.
10耶穌在屋裡吃飯的時候,有很多稅吏和罪人來與他和門徒一起吃飯。
11Zvino vaFarisi vakati vachizviona, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei mudzidzisi wenyu achidya nevateresi nevatadzi?
11法利賽人看見了,就對他的門徒說:“你們的老師為甚麼跟稅吏和罪人一起吃飯呢?”
12Asi Jesu wakati anzwa, akati kwavari: Vakagwinya havadi murapi asi vanorwara.
12耶穌聽見了,就說:“健康的人不需要醫生,有病的人才需要,
13Asi endai mudzidze kuti zvinorevei kuti: Ndinoda tsitsi uye kwete chibayiro; nekuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi vauye mukutendeuka.
13‘我喜愛憐憫,不喜愛祭祀’,你們去想一想這話的意思吧。我來不是要召義人,而是要召罪人。”
14Ipapo kwakasvika kwaari vadzidzi vaJohwani, vachiti: Nemhaka yei isu nevaFarisi tichitsanya kazhinji, asi vadzidzi venyu vasingatsanyi?
14新舊的比喻(可2:18~22;路5:33~39)那時,約翰的門徒前來問耶穌:“為甚麼我們和法利賽人常常禁食,你的門徒卻不禁食呢?”
15Jesu ndokuti kwavari: Vana veimba yemuchato vangachema here apo muwani anavo? Asi mazuva achasvika achabviswa muwani kwavari, ipapo vachatsanya.
15耶穌回答:“新郎跟賓客在一起的時候,賓客怎能哀痛呢?但到了時候,新郎就要從他們中間被取去,那時他們就要禁食了。
16Hakuna unoisa chigamba chemucheka usakaunyana panguvo sharu, nekuti icho chinonamirwa pairi chinobvarura panguvo, buri rikanyanya.
16沒有人會拿一塊新布補在舊衣服上,因為補上的會把衣服扯破,裂的地方就更大了。
17Uye havadiri waini itsva muhombodo tsaru; zvikasadaro hombodo dzinoputika, waini ikateuka, nehombodo dzikaparara; asi vanodira waini itsva muhombodo itsva, zvichengeteke zviri zviviri.
17也沒有人會把新酒裝在舊皮袋裡,如果這樣,皮袋就會脹破,酒就漏出來,皮袋也損壞了。人總是把新酒裝在新皮袋裡,這樣,兩樣都可以保全。”
18Wakati achitaura zvinhu izvozvi kwavari, tarira, kwakasvika umwe mutungamiriri akamufugamira, akati: Mukunda wangu uchangofa; asi uyai muise ruoko rwenyu pamusoro pake, uye uchararama.
18治好血漏病的女人(可5:22~34;路8:41~48)耶穌對他們說話的時候,有一位會堂的主管走來跪在他面前,說:“我的女兒剛死了,但請你來按手在她身上,她必活過來。”
19Jesu ndokusimuka akamutevera, nevadzidzi vake.
19於是耶穌和門徒起來跟著他去了。
20Zvino, tarira, mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri, wakaswedera shure kwake, akabata mupendero wenguvo yake.
20有一個女人,患了十二年的血漏病,她走到耶穌背後,摸他衣服的繸子,
21Nekuti wakati mukati make: Kana ndikangobata nguvo yake, ndichaporeswa.
21因為她心裡說:“只要摸到他的衣服,我就必痊愈。”
22Asi Jesu wakatendeuka akati amuona, akati: Mukunda, tsunga moyo; rutendo rwako rwakuponesa. Mukadzi ndokuponeswa kubva panguva iyo.
22耶穌轉過來看見她,就說:“女兒,放心!你的信心使你痊愈了。”從那時起,那女人就好了。
23Jesu ndokusvika mumba memutungamiriri akaona varidzi venyere nechaunga chichiita nyonga-nyonga,
23使女孩復活(可5:35~43;路8:49~56)耶穌進了那主管的家,看見有吹笛的人和喧嘩的群眾,
24akati kwavari: Ibvai; nekuti musikana haana kufa, asi uvete. Ndokumuseka vachimusvabaidza.
24就說:“出去!這女孩不是死了,只是睡了。”他們就嘲笑他。
25Asi chaunga chakati chabudiswa, akapinda, ndokubata ruoko rwake, musikana ndokumuka.
25耶穌趕走眾人之後,進去拉著女孩的手,女孩就起來了。
26Mukurumbira uyu ukabudira kunyika iyo yose.
26這消息傳遍了那一帶。
27Zvino Jesu wakati opfuurapo, mapofu maviri akamutevera, achidanidzira achiti: Tinzwirei tsitsi, Mwanakomana waDhavhidhi!
27治好瞎子耶穌離開那裡的時候,有兩個瞎子跟著他,喊著說:“大衛的子孫,可憐我們吧!”
28Zvino wakati apinda mumba, mapofu akauya kwaari; Jesu akati kwaari: Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvi here? Akati kwaari: Hongu, Ishe.
28耶穌進了房子,他們來到他那裡。耶穌問他們:“你們信我能作這些事嗎?”他們回答:“主啊,我們信。”
29Ipapo wakabata meso avo achiti: Ngazviitike kwamuri maererano nerutendo rwenyu.
29於是耶穌摸他們的眼睛,說:“照你們的信心給你們成就吧。”
30Zvino meso avo akasvinudzwa; Jesu akavarairisa achiti: Onai kuti hakuna unozviziva.
30他們的眼睛就看見了。耶穌嚴嚴地囑咐他們:“千萬不可讓人知道。”
31Asi vakati vabuda, vakaparidzira mukurumbira wake munyika iyo yose.
31他們卻出去,把他所作的事傳遍了那一帶。
32Zvino vakati vachibuda, tarira, vakauyisa kwaari munhu chimumumu waiva nedhimoni.
32治好啞巴他們出去的時候,有人帶著一個被鬼附著的啞巴來見耶穌。
33Zvino dhimoni rakati rabudiswa, chimumumu chikataura; zvaunga zvikashamisika zvikati: Hakuna kumboonekwa zvakadai muna Israeri.
33耶穌把鬼趕走之後,啞巴就說話了。眾人都很驚奇,說:“這樣的事,在以色列從來沒有見過。”
34Asi vaFarisi vakati: Unobudisa madhimoni nemukuru wemadhimoni.
34但法利賽人說:“他不過是靠鬼王趕鬼罷了。”
35Zvino Jesu wakapota nemaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, nekuporesa matenda ose neurwere hwoga hwoga pakati pevanhu.
35莊稼多,工人少耶穌走遍各城各鄉,在各會堂裡教導人,宣揚天國的福音,醫治各種疾病、各種病症。
36Asi wakati achiona zvaunga, akavanzwira tsitsi, nekuti vakange vaneta, vakapararira semakwai asina mufudzi.
36他看見群眾,就憐憫他們,因為他們困苦無依,像沒有牧人的羊一樣。
37Ipapo akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo mukoho mukuru, asi vashandi vashoma;
37他就對門徒說:“莊稼多,工人少;
38naizvozvo kumbirisai kuna Ishe wemukoho, kuti atumire vabati pamukoho wake.
38所以你們應當求莊稼的主派工人去收割。”