1Chinzwai zvino zvinorehwa naJehovha. Simuka, ita nharo pamberi pamakomo, zvikomo ngazvinzwe izwi rako.
1責以色列人忘恩犯罪你們當聽耶和華所說的話:“你要起來,向大山爭辯,讓小山可以聽見你的聲音。
2Chinzwai, imwi makomo, rukave rwaJehovha, nemwi nheyo dzenyika dzinogara dziripo; nekuti Jehovha anorukave navanhu vake, achaita nharo naIsiraeri.
2大山啊!你們要聽耶和華的爭辯。大地永久的根基啊!你們要聽,因為耶和華與他的子民爭辯,和以色列爭論。
3Nhai, imwi vanhu vangu, ndakakuiteiko? Ndakakunetsai neiko? Pupura uchindipikisa.
3我的子民啊,我向你作了甚麼呢?我在甚麼事上叫你厭煩呢?你可以回答我。
4nekuti ndakakubudisai panyika ndikakudzikunurai paimba youranda, ndikatuma pamberi penyu Mozisi naAroni naMiriami.
4我曾經把你從埃及地領上來,把你從為奴之家贖出來;我也差派了摩西、亞倫和米利暗在你前面行。
5Aiwa, vanhu vangu, rangarirai zvino zvakarangamwa naBharaki mambo waMoabhi, uye zvaakapindurwa naBharami mwanakomana waBheori; rangarirai zvakaitwa kubva paShitimi kusvikira Girigari, kuti muzive zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha.
5我的民哪!你們要追念,摩押王巴勒圖謀過甚麼,比珥的兒子巴蘭又答應了他甚麼,以及你們從什亭到吉甲所發生的事,好使你們知道耶和華公義的作為。”
6Ndichauya nei pamberi paJehovha, ndichikotamira pamberi paMwari wokumusoro? Ndichauya pamberi pake nezvibayiro zvinopiswa, nemhuru dzakaita gore rimwe hete?
6 神要求的不是外表的獻祭我朝見耶和華,在至高的 神面前叩拜,當獻上甚麼呢?我朝見他的時候,當獻上燔祭,當獻上一歲的牛犢嗎?
7Ko Jehovha ungafadzwa namakondobwe ane chiuru chezana, kana nenzizi dzamafuta dzine zviuru zvine gumi here? Ndingamuvigira dangwe rangu pamusoro pokudarika kwangu, icho chibereko chomuviri wangu pamusoro pezvivi zvomweya wangu here?
7耶和華喜悅千千的公羊,或是萬萬的油河嗎?為我的過犯,我可以獻上我的長子嗎?為我的罪惡,獻上我親生的孩子嗎?
8Iye wakakuzivisa, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi; chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?
8世人哪!耶和華已經指示你甚麼是善,他向你所要的又是甚麼;無非是要你行公義,好憐憫,謙虛謹慎與你的 神同行。
9Izwi raJehovha rinodana kuguta, akachenjera achatya zita renyu; teererai shamhu, nowakairaira.
9詭詐的行為必受懲罰聽啊!耶和華向這城呼叫,敬畏你的名就是智慧;支派和城裡的會眾啊!你們要聽。
10Ko fuma yezvakashata ichipo muimba yowakashata here, uye chiyero chakatapudzwa chinonyangadza here?
10我怎能忘記惡人家中的不義之財,和那些可咒詛的小升斗呢?
11Ko ndingava wakachena kana ndine zviyero zvakashata, nehomo yezviyereso zvinonyengera here?
11用不義的天平,和袋中詐騙的法碼的人,我怎能算他為清潔呢?
12nekuti vafumi veguta vazere nokuita nehasha, vageremo vakareva nhema, rurimi rwavo mumuromo wavo runonyengera.
12城裡的財主充滿了強暴,其中的居民也說假話;他們口中的舌頭是詭詐的。
13Saka neniwo ndakakurovai vanga rakaipa kwazvo; ndakakuitai dongo nokuda kwezvivi zvenyu.
13因此我擊打你,使你生病,因你的罪惡,使你荒涼。
14Muchadya, asi hamungaguti, kushoorwa kwenyu kuchava pakati penyu; muchabvisa nhumbi dzenyu, asi hamungadzichengeti, idzo dzamunochengeta, ndichadziparadzisa nomunondo.
14你要吃,卻吃不飽;因你的腹中常有疾病。你要懷孕,卻不能生下來;你生下來的,我都要交給刀劍。
15Muchakusha, asi hamungacheki, muchasvina maorivhi, asi hamungazori mafuta, muchasvina mazambiringa, asi hamungamwi waini.
15你要撒種,卻不得收割,你要榨橄欖油,卻不得油抹身;你要榨葡萄汁,卻不得酒喝。
16nekuti zvakatemwa naOmiri zvinochengetwa, namabasa ose eimba yaAhabhi, imwi munofamba nokurangarira kwavo, kuti ndikuitei dongo imi, navageremo chinhu chinoridzirwa muridzo; imwi muchava nemhosva yokushoorwa kwavanhu vangu.
16你跟隨了暗利的規例和亞哈家一切所行的,順從了他們的計謀;因此,我必使你荒涼,使你(“你”原文作“她”)的居民被嗤笑;你們也必擔當我民的羞辱。