1Mashoko aNehemiya mwanakomana waHakaria. Pamwedzi weKisirevhi, pagore ramakumi maviri, ndakati ndiri panhare yamambo paShushani,
1耶路撒冷的慘況哈迦利亞的兒子尼希米的言行錄:亞達薛西王二十年基斯流月,我在書珊宮中,
2Hanani, mumwe wehama dzangu, akasvika iye navamwe varume, vachibva kwaJudha; ndikavabvunza pamusoro pavaJudha vakanga vapukunyuka, vakanga vasara pakutapwa, napamusoro peJerusaremu.
2我的一位兄弟哈拿尼和幾個人一起從猶大來到;我詢問他們關於那些從被擄逃脫的猶大餘民和關於耶路撒冷的景況。
3Vakati kwandiri, Vakasara, vakasiiwa pakutapwa panyika iyo, vari pakutambudzika kukuru napakushorwa; uye rusvingo rweJerusaremuwo rwakoromoka, namasuwo aro apiswa nomoto.
3他們對我說:“那些從被擄剩下的餘民,在猶大省那裡遭遇患難,受到凌辱。耶路撒冷的城牆倒塌,城門也被火燒毀。”
4Zvino ndakati ndanzwa mashoko iwayo, ndikagara pasi ndikachema, ndikaita mazuva ndichichema; ndikatsanya, ndikanyengetera pamberi paMwari wokudenga,
4尼希米為耶路撒冷禁食禱告我聽見了這些事,就坐下哭泣,悲傷了好幾天,在天上的 神面前禁食禱告,
5ndikati, Ndinokumbira kwamuri Jehovha Mwari wokudenga, Mwari mukuru anotyisa, iye anorangarira sungano yake netsitsi kuna vanomuda vachichengeta mirairo yake;
5說:“耶和華天上的 神,偉大可畏的 神啊,你向那些愛你,遵守你誡命的人,守約施慈愛。
6nzeve yenyu ngaiteerere zvino, nameso enyu asvinure, munzwe munyengetero womuranda wenyu, wandinonyengetera pamberi penyu, nguva ino, masikati nousiku, pamusoro pavana vaIsiraeri varanda venyu, ndichireurura nokuda kwezvivi zvavana vaIsiraeri, zvatakakutadzirai nazvo; nekuti takatadza, ini naveimba yababa vangu.
6求你側著耳,睜著眼的,垂聽你僕人的禱告,我今天在你面前晝夜為著你的僕人以色列人禱告,承認以色列人所犯的罪,就是我與我父的家向你所犯的罪。
7Takakuitirai zvakaipa kwazvo, hatina kuchengeta mirairo, kana zvakatemwa, kana zvakatongwa, zvamakaraira muranda wenyu Mozisi.
7我們故意行極大的惡事得罪你,沒有遵守你吩咐你僕人摩西的誡命、律例和典章。
8Dorangarirai henyu shoko ramakaraira muranda wenyu Mozisi, muchiti, Kana imwi muchidarika, ndichakuparadzirai pakati pendudzi;
8求你記念你吩咐你僕人摩西的話,說:‘你們若是不忠,我就把你們分散在萬民中。
9asi kana mukadzokera kwandiri, mukachengeta mirairo yangu nokuiita, kunyange vadzingwa venyu vasvika kumagumisiro okudenga, ndichavaunganidza vabve ipapo, ndivaise panzvimbo yandakatsaura kuti zita rangu rigarepo.
9但如果你們回心轉意歸向我,謹守遵行我的誡命,即使在你們被趕逐的天邊,我也必從那裡把他們招聚回來,帶他們到我選擇給我的名居住的地方那裡去。’
10Zvino ava ndivaranda venyu navana venyu, vamakadzikunura nesimba renyu guru, noruoko rwenyu rune simba.
10這些都是你的僕人,你的子民,是你用你的大能和你強而有力的手所救贖的。
11Haiwa, Jehovha, ndinokumbira kuti nzeve yenyu iteerere kunyengetera komuranda wenyu nokunyengetera kwavaranda venyu vanofarira kutya zita renyu; fambisai henyu muranda wenyu zvakanaka nhasi, mumuwanise tsitsi pamberi pomunhu uyu. (Zvino ini ndakanga ndiri mudiri wamambo.)
11主啊,求你留意聽你僕人的禱告,聽那些喜愛敬畏你名的僕人的禱告;求你使你的僕人今天順利,使他在這人面前蒙憐憫。”那時我是王的酒政。