1Zvino kunyunyuta kukuru kwakamuka pakati pavanhu navakadzi vavo pamusoro pehama dzavo vaJudha.
1窮人的呼喊那時,民眾和他們的妻子大聲呼冤,控告自己的同胞猶大人。
2nekuti vamwe vakati, Isu navanakomana vedu tiri vazhinji; ngatipiwe zviyo, tidye, tirarame.
2有些人說:“我們和兒女人口眾多,給我們五穀餬口,可以存活。”
3Vamwezve vakati, Isu takaita minda yedu rubatso, neminda yedu yemizambiringa, nedzimba dzedu; ngatipiwe zviyo, nokuda kwenzara ino.
3有些人說:“我們抵押了自己的田地、葡萄園和房屋,為要在饑荒中買到五穀。”
4Vamwezve vakati, Takakwereta mari, yokuripira nayo mutero wamambo, tikaita minda yedu rubatso, neminda yedu yemizambiringa.
4有些人說:“我們為了要借錢向王納稅,只好抵押了我們的田地和葡萄園。
5Kunyange zvakadaro zvino miviri yedu yakafanana nemiviri yehama dzedu, navana vedu vakafanana navana vavo; tarirai, tosunga vanakomana vedu navakunda vedu, vave varanda; vamwe vakunda vedu vatosungwa, isu hatine simba rokuzvidzivisa, nekuti minda yedu neminda yedu yemizambiringa yatova yavamwe.
5雖然我們的身體與我們同胞的身體一樣,我們的兒女與他們的兒女也相同,可是我們卻要強迫自己的兒女去作僕婢,而且我們的女兒有些已經作了奴婢,我們卻無能為力,因為我們的田地和葡萄園已經屬於別人了。”
6Ipapo ndakatsamwa kwazvo ndichinzwa kuchema kwavo namashoko iwayo.
6尼希米怒斥官長與領袖我聽見他們的哀叫和所講的這些事,就十分忿怒。
7Zvino ndakarangarira mumoyo mangu, ndikaita nharo navakuru navarairi, ndikati kwavari, Imi munoreva mhindu, mumwe nomumwe pahama yake. Ipapo ndikakoka ungano huru pamusoro pavo.
7我心中籌算一番以後,就譴責貴族和官長,對他們說:“你們各人向自己的同胞貸款,竟然索取高利!”於是我召開大會攻擊他們。
8Ndikati kwavari, Isu takadzikunura hama dzedu vaJudha dzakanga dzatengeswa kuvahedheni patakagona napo; zvino imwi moda kutengesa hama dzenyu, moda kuti dzitengeswe kwatiri here? Ipapo vakaramba vanyerere, vakashaiwa neshoko chose.
8我對他們說:“我們已盡了我們的能力,把那些賣了給外族人的同胞猶大人買贖回來,而你們還想要出賣你們的同胞,好讓我們再把他們買回來嗎?”他們都默不作聲,無話可說。
9Ndikatiwo, Chinhu chamunoita chakaipa; ko hamufaniri kufamba muchitya Mwari wedu, kuti tirege kushorwa navavengi vedu vahedheni?
9我又說:“你們這事作得不對。你們豈不應懷著敬畏我們 神的心行事為人,免遭我們的仇敵外族人的毀謗嗎?
10Neniwo nehama dzangu navaranda vangu, vakavapa chikwereti chemari nezviyo, tichireva mhindu. Haiwa, ngatirege mhindu iyo.
10現在我和我的兄弟,以及我的僕人要把銀錢和五穀借給他們。讓我們大家都放棄放債取利吧!
11Dzoserai henyu kwavari iko nhasi minda yavo, neminda yavo yemizambiringa, neminda yavo yemiorivhi, nedzimba dzavo, uye nomugove wezana wemari, nezviyo, newaini, namafuta, zvamakatora kwavari iri mhindu.
11請你們今天就把他們的田地、葡萄園、橄欖園、房屋,以及你們向他們索取的利息:百分之一的利錢、五穀、新酒和新油,都歸還給他們。”
12Ipapo vakati, Tichazvidzosa, hatingarevi chinhu kwavari; sezvamunotaura, ndizvo zvatichaita. Zvino ndakadana vapristi, ndikavapikisa kuti vachaita izvozvo zvakapikirwa.
12他們就說:“我們必定歸還,不再向他們要求利息了,你怎麼說,我們願意照著你說的去行。”我就把祭司們召了來,叫眾人起誓必照著這話去行。
13Ndikazuzawo nguvo dzangu, ndikati, Mwari ngaazuze mumwe nomumwe asingaiti izvozvo zvakapikirwa abve paimba yake napabasa rake; ngaazuzwe nokudururwa saizvozvo. Ipapo ungano yose yakati, Ameni! Vakarumbidza Jehovha. Vanhu vakaita izvozvo zvakapikirwa.
13我抖著胸前的衣襟說:“不履行這話的,願 神也是這樣抖他離開他的家和產業,直到抖空。”全體會眾都說:“阿們!”又讚美耶和華。眾人都照著這話去行。
14Uyezve, kubva panguva yandakaitwa mubati wavo panyika yaJudha, kubva pagore ramakumi maviri kusvikira pagore ramakumi matatu namaviri ramambo Aritashasita, iwo makore ane gumi namaviri, ini nehama dzangu hatina kudya zvokudya zvomubati.
14尼希米清廉樸實自從我奉命在猶大地作他們省長的日子以來,就是從亞達薛西王二十年,直到三十二年,共十二年,我和我的兄弟都沒有吃過省長的俸祿。
15Asi vabati vokutanga, vakanditangira, vairemedza vanhu, vachitora kwavari zvokudya newaini, uyewo mashekeri esirivha ana makumi mana; navaranda vavowo vaibata vanhu nehasha; asi ini handina kuita saizvozvo, nekuti ndakatya Mwari.
15在我們以先的前任省長,重壓人民,每日都向他們索取糧食和酒,以及四百五十六克銀子。連他們的僕人也轄制人民,但我因為敬畏 神,就不這樣行。
16Uye, ndakarambira pabasa rorusvingo urwu, hatina kutongotenga nyika, navaranda vangu vose vakanga vakaunganawo pabasa.
16我堅持只重修城牆的工程;所以我們不購置田產,我所有的僕人也都聚集在那裡工作。
17Uye patafura yangu pakanga pana vaJudha navabati, varume vane zana namakumi mashanu, avo vaiuya kwatiri vachibva kuvahedheni vakanga vakatipoteredza vasingaverengwi.
17在我桌上吃飯的,有一百五十個猶大人和官長,還有那些從我們四圍外族來到我們這裡的人;
18Zvino zuva rimwe nerimwe kwaigadzirwa nzombe imwe, namakwai matanhatu akatsaurwa; ndaigadzirirwawo huku, uye kamwe pamazuva ane gumi waini zhinji yamarudzi ose; kunyange zvakadaro handina kukumbira zvokudya zvomubati, nekuti vanhu ava vakanga vachiremedzwa kwazvo nouranda.
18每天預備牛一頭、肥羊六隻,又為我預備一些飛禽;每十天供應大量各類的酒。雖然這樣,我仍然沒有索取省長的俸祿,因為這些人服役已經負擔沉重。
19Ndirangarirei, Mwari wangu, mundiitire zvakanaka nokuda kwezvose zvandakaitira rudzi urwu.
19“我的 神啊,求你記念我,記念我為這人民所作的一切事,施恩給我。”