1Zvino rusvingo rwakati rwavakwa, ini ndatimika magonhi, uye varindi vemikova, navaimbi, navaRevhi, vagadzwa,
1哈拿尼和哈拿尼雅一同管理城牆建成後,我就裝上門扇,委派了守門的、歌唱者和利未人,
2ndikagadza Hanani munin'ina wangu, naHanania mubati wenhare, vave vatariri veJerusaremu; nekuti akanga ari munhu akatendeka, achitya Mwari kupfuura vazhinji.
2我委任我的兄弟哈拿尼和營樓長哈拿尼雅,管理耶路撒冷,因為哈拿尼雅是個可信靠的人,敬畏 神勝過許多人。
3Ndikati kwavari, Masuwo eJerusaremu ngaarege kuzarurwa kusvikira zuva rapisa; zvino varindi vachimirepo, ngavapfige mikova, imwi mugoikiya; munofanira kugadzawo varindi pakati pavagere Jerusaremu, mumwe nomumwe paanofanira kurindira, mumwe nomumwe pakatarisana neimba yake.
3我吩咐他們說:“日上中天時,耶路撒冷的城門也不可長久敞開;太陽還停著未落,守門的人站崗的時候,也要關好門,要派耶路撒冷的居民站崗,一些人在哨崗,另一些人在自己的屋前瞭望。”
4Zvino guta rakanga riri bamhi rakakura; asi vanhu vaivamo vashoma; uye dzimba dzakanga dzichigere kuvakwa.
4城既寬闊又廣大,但城中的居民稀少;房屋還沒有建造起來。
5Ipapo Mwari wangu akaisa mufungo pamoyo pangu kuti ndikokere vakuru navatariri, navanhu, kuti vaverengwe namazita avo. Ndikawana bhuku yamazita avakatanga kusvika, ndikawana makanyorwa kudai:
5第一次回歸的猶太人(拉2:1)我的 神使我的心定意,召集貴族、官長和人民,要照家譜登記。我找到頭一次上來的人的家譜,我找到的家譜上面寫著:
6Ndivo vana vorutivi rwenyika yaJudha, vakadzoka pakutapwa, pakati pavakanga vakatapwa, vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, vakadzokera Jerusaremu nokwaJudha, mumwe nomumwe kuguta rake.
6以下這些猶大省的人,從前巴比倫王尼布甲尼撒擄走他們,現在他們歸回耶路撒冷和猶大,各人回到自己的城鎮。
7Ivo vakauya naZerubhabheri,. naJeshua, naNehemiya, naAzaria, naRaamia, naNahamani, naModhekai, naBhirishani, naMisipereti, naBhigivhadhi, naNehumi, naBhaana. Kuwanda kwavarume vavanhu vaIsiraeri ndiko:
7回歸的領袖(拉2:2)他們是跟所羅巴伯、耶書亞、尼希米、亞撒利雅、拉米、拿哈瑪尼、末底改、必珊、米斯毗列、比革瓦伊和尼宏和巴拿一同回來的。以色列民的人數記在下面:
8Vana vaParoshi, zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri.
8回歸的平民(拉2:3~35)巴錄的子孫二千一百七十二人。
9Vana vaShefatia, mazana matatu namakumi manomwe navaviri.
9示法提雅的子孫三百七十二人。
10Vana vaAra, mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri.
10亞拉的子孫六百五十二人。
11Vana vaPahatimoabhi, vavana vaJeshura naJoabhu, zviuru zviviri namazana masere negumi navasere.
11巴哈.摩押的子孫,就是耶書亞和約押的子孫,二千八百一十八人。
12Vana vaErami, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana.
12以攔的子孫一千二百五十四人。
13Vana vaZatu, mazana masere namakumi mana navashanu.
13薩土的子孫八百四十五人。
14Vana vaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu.
14薩改的子孫七百六十人。
15Vana vaBhinui, mazana matanhatu namakumi mana navasere.
15賓內的子孫六百四十八人。
16Vana vaBhebhai mazana matanhatu namakumi maviri navasere.
16比拜的子孫六百二十八人。
17Vana vaAzigadhi, zviuru zviviri namazana matatu namakumi maviri navaviri.
17押甲的子孫二千三百二十二人。
18Vana vaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navanomwe.
18亞多尼干的子孫六百六十七人。
19Vana vaBhigivhadhi, zviuru zviviri namakumi matanhatu navanomwe.
19比革瓦伊的子孫二千零六十七人。
20Vana vaAdhini, mazana matanhatu namakumi mashanu navashanu.
20亞丁的子孫六百五十五人。
21Vana vaAteri, waHezekia, makumi mapfumbamwe navasere.
21亞特的子孫,就是希西家的子孫,九十八人。
22Vana vaHashumi, mazana matatu namakumi maviri navasere.
22哈順的子孫三百二十八人。
23Vana vaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navana.
23比宰的子孫三百二十四人。
24Vana vaHarifi, zana rimwe negumi navaviri.
24約拉的子孫一百一十二人。
25Vana vaGibhiyoni, makumi mapfumbamwe navashanu.
25基遍的子孫九十五人。
26Varume veBheterehemu naveNetofa, zana rimwe namakumi masere navasere.
26伯利恆人和尼陀法人,共一百八十八人。
27Varume veAnatoti, zana rimwe namakumi maviri navasere.
27亞拿突人一百二十八人。
28Varume veBhetiazimavheti, makumi mana navaviri.
28伯.亞斯瑪弗人四十二人。
29Varume veKiriatijearimi, neKefira, neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu.
29基列.耶琳人、基非拉人和比錄人,共七百四十三人。
30Varume veRama neGhebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe.
30拉瑪人和迦巴人,共六百二十一人。
31Varume veMikimashi, zana rimwe namakumi maviri navaviri.
31默瑪人一百二十二人。
32Varume veBhetieri neAi, zana rimwe namakumi maviri navatatu.
32伯特利人和艾人,共一百二十三人。
33Varume veNebho rechipiri, makumi mashanu navaviri.
33另一個尼波的人五十二人。
34Vana vaErami wechipiri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana.
34另一個以攔的子孫一千二百五十四人。
35Vana vaHarimi, mazana matatu namakumi maviri.
35哈琳的子孫三百二十人。
36Vana veJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu.
36耶利哥的子孫三百四十五人。
37Vana veRoghi, neHadhidhi, neOno, mazana manomwe namakumi maviri nomumwe.
37羅得、哈第和阿挪的子孫共七百二十一人。
38Vana veSenaa, zviuru zvitatu namazana mapfumbamwe namakumi matatu.
38西拿的子孫三千九百三十人。
39Vapristi vakanga vari, vana vaJedhaya, veimba yaJeshua, mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu.
39回歸的祭司(拉2:36~39)祭司的數目記在下面:耶書亞家的耶大雅的子孫九百七十三人。
40Vana veImeri, chiuru chimwe namakumi mashanu navaviri.
40音麥的子孫一千零五十二人。
41Vana vaPashuri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mana navanomwe.
41巴施戶珥的子孫一千二百四十七人。
42Vana vaHarimi, chiuru chimwe negumi navanomwe.
42哈琳的子孫一千零一十七人。
43VaRevhi vakanga vari, vana vaJeshua weKadhimieri, wavana vaHodhevha, makumi manomwe navana.
43回歸的利未人(拉2:40~42)利未人的數目記在下面:何達威的子孫,就是耶書亞和甲篾的子孫,七十四人。
44Vaimbi vakanga vari, vana vaAsafi, zana rimwe namakumi mana navasere.
44負責歌唱的:亞薩的子孫一百四十八人。
45Varindi vemikova vakanga vari, vana vaSharumi, navana vaAteri, navana vaTarimoni, navana vaAkubhi, navana vaHatita, navana vaShobhai, zana rimwe namakumi matatu navasere.
45守門的人數:沙龍的子孫、亞特的子孫、達們的子孫、亞谷的子孫、哈底大的子孫和朔拜的子孫,共一百三十八人。
46VaNetinimi vakanga vari, vana vaZhiha, navana vaHasufa, navana vaTabhaoti,
46回歸的殿役(拉2:43~54)殿役的數目記在下面:西哈的子孫、哈蘇巴的子孫、答巴俄的子孫、
47navana vaKerosi, navana vaSia, navana vaPadhoni,
47基綠的子孫、西亞的子孫、巴頓的子孫、
48navana vaRebhana, navana vaHagabha, navana vaSarimai,
48利巴拿的子孫、哈迦巴的子孫、薩買的子孫、
49navana vaHanani, navana vaGidheri, navana vaGahari,
49哈難的子孫、吉德的子孫、迦哈的子孫、
50navana vaReaya, navana vaRezini, navana vaNekodha,
50利亞雅的子孫、利汛的子孫、尼哥大的子孫、
51navana vaGazami, navana vaUza, navana vaPasea,
51迦散的子孫、烏撒的子孫、巴西亞的子孫、
52navana vaBhesai, navana vaMeunimi, navana vaNefushesimi.
52比塞的子孫、米烏寧的子孫、尼普心的子孫、
53navana vaBhakibhuki, navana vaHakufa, navana vaHarihuri,
53巴卜的子孫、哈古巴的子孫、哈忽的子孫、
54navana vaBhaziriti, navana vaMehidha, navana vaHarisha,
54巴洗律的子孫、米希大的子孫、哈沙的子孫、
55navana vaBharikosi, navana vaSisera, navana vaTema,
55巴柯的子孫、西西拉的子孫、答瑪的子孫、
56navana vaNezia, navana vaHatifa.
56尼細亞的子孫和哈提法的子孫。
57Vana vavaranda vaSoromoni vakanga vari, vana vaSotai, navana vaSofereti, navana vaPeridha,
57所羅門僕人的後裔(拉2:55~58)所羅門僕人的子孫的數目記在下面:瑣太的子孫、瑣斐列的子孫、比路大的子孫、
58navana vaJaara, navana vaDharikoni, navana vaGidheri,
58雅拉的子孫、達昆的子孫、吉德的子孫、
59navana vaShefatia, navana vaHatiri, navana vaPokeretihazebhaimi, navana vaAmoni.
59示法提雅的子孫、哈替的子孫、玻黑列.哈斯巴音的子孫和亞捫的子孫。
60VaNetinimi vose navana vavaranda vaSoromoni, vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.
60作殿役的和所羅門僕人的子孫共三百九十二人。
61Ndivo vakakwira, vachibva Terimera, neTeriharisha, neKerubhi, neAdhoni, neImeri; asi vakanga vasingagoni kududza dzimba dzamadzibaba avo, kana marudzi avo, kana vakanga vari vaIsiraeri.
61身世不明的人(拉2:59~63)以下這些人是從特米拉、特哈薩、基綠、亞頓和音麥上來的,可是他們無法證明他們的父家或世系是以色列人。
62Vana vaDheraya, navana vaTobhia, navana vaNekodha, mazana matanhatu namakumi mana navaviri.
62這些人是第萊雅的子孫、多比雅的子孫和尼哥大的子孫,共六百四十二人。
63Pakati pavapristi vakanga vari, vana vaHobhaya, navana vaHakozi, navana vaBharizirai, akanga awana mukadzi wavakunda vaBharizirai muGiriyadhi, akazotumidzwa zita rokwavo.
63祭司中,有哈巴雅的子孫、哈哥斯的子孫和巴西萊的子孫;巴西萊娶了基列人巴西萊的一個女兒為妻,所以起名叫巴西萊。
64Ava vakatsvaka mazita avo pakati pamazita amadziteteguru, asi akashaikwa; saka vakanzi vakasvibiswa, vakabviswa paupristi.
64這些人查考族譜的記錄,卻找不著,因此他們算為不潔淨,不能作祭司。
65ipapo mubati akavaudza kuti varege kudya zvinhu zvitsvene-tsvene, kusvikira kwamuka mupristi ane Urimi neTumimi.
65省長告訴他們不可吃至聖之物,直等到有能用烏陵和土明來決疑的祭司興起來。
66Ungano yose yakasvika zviuru zvina makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu,
66回歸者的總數(拉2:64~67)全體會眾共有四萬二千三百六十人。
67vasingaverengi varanda vavo navarandakadzi vavo, vakasvika zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe, vaiva navaimbi varume navakadzi vana mazana maviri namakumi mana navashanu.
67此外,還有他們的僕婢七千三百三十七人;又有男女歌唱者二百四十五人。
68Mabhiza avo aiva namazana manomwe namakumi matatu namatanhatu; namahesera avo mazana maviri namakumi mana namashanu;
68他們有馬七百三十六匹,騾子二百四十五匹,
69makamera avo, mazana manomwe namakumi matatu namashanu; mbongoro dzavo zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri.
69駱駝四百三十五匹和驢子六千七百二十頭。
70Vamwe vakuru vedzimba dzamadzibaba avo vakapa zvipo kuzobata basa. Mubati wakapa chivigiro chefuma madariki endarama ane chiuru chimwe, nembiya dzina makumi mashanu, nenguvo dzavapristi dzina mazana mashanu namakumi matatu.
70為聖殿而奉獻的財物(拉2:68~70)有些族長為了這工程而捐獻;省長捐給庫房金子八公斤、碗五十個和祭司的禮服五百三十件;
71Vamwe vakuruwo vedzimba dzamadzibaba vakapa muchivigiro chefuma yokubata basa nayo, madariki endarama ane zviuru zvina makumi maviri, nepondo dzesirivha dzine zviuru zviviri namazana maviri.
71族長捐給這工程的庫房金子一百六十八公斤、銀子一千二百五十公斤。
72Vamwe vanhu vakapa madariki endarama ane zviuru zvina makumi maviri, nepondo dzesirivha dzine zviuru zviviri, nenguvo dzavapristi dzina makumi matanhatu nenomwe.
72其餘的人民捐獻金子一百六十八公斤,銀子一百四十公斤、祭司的禮服六十七件。
73Zvino vapristi, navaRevhi, navarindi vemikova, navaimbi, navamwe vanhu, navaNetinimi, navaIsiraeri vose vakagara pamaguta avo
73於是祭司、利未人、守門的、歌唱者、一部分人民、作殿役的,和以色列眾人都住在自己的城裡。