1Zvino Jehovha akati kuna Aroni, Iwe navanakomana vako, naveimba yababa vako pamwechete newe, munofanira kutakura zvakaipa zveimba tsvene; iwe navanakomana vako pamwechete newe munofanira kutakura zvakaipa zvoupristi bwenyu.
1祭司和利未人的職責耶和華對亞倫說:“你和你的兒子,以及你父家的人,要與你一同擔當干犯聖所的罪孽,你和你的兒子要與你一同擔當干犯祭司職任的罪孽。
2Nehama dzako dzorudzi rwaRevhi, dzorudzi rwababa vako, udziswededze pamwechete newe, dzive newe, dzikubatire; asi iwe navanakomana vako pamwechete newe, munofanira kuva pamberi petende rechipupuriro.
2你要帶著你的親族利未支派的人,就是你祖宗支派的人,與你一同前來,使他們與你聯合,並且服事你;只是你和你的兒子要與你一同在約櫃的會幕前供職。
3Vanofanira kukuchengeta iwe nokuchengeta Tende rose; asi havafaniri kuswedera kunhumbi dzeimba tsvene nearitari, kuti varege kufa, kana ivo kana imwi.
3他們要守你所吩咐的,和會幕裡的一切事,只是不可走近聖所的器具和祭壇,免得他們和你們都死亡。
4Vanofanira kuva newe, nokuchengeta tende rokusangana, nokuita mabasa ose etende; asina kufanira haafaniri kuswedera kwamuri.
4他們要與你聯合,也要守會幕的本分,辦理會幕的一切事務;只是外人不可走近你們。
5Munofanira kuchengeta imba tsvene, nokuchengeta aritari, kuti kutsamwa kurege kuuya pamusoro pavana vaIsiraeri.
5你們要看守聖所和祭壇,免得震怒再臨到以色列人。
6Ini ndimene, tarirai, ndakatsaura hama dzenyu vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri, vave chipo kwamuri, vanhu vakapiwa Jehovha, kuti vabate mabasa etende rokusangana.
6我已經把你們的親族利未人,從以色列人中揀選出來,給你們作禮物獻與耶和華,為要辦理會幕的事。
7Iwe navana vako pamwechete newe munofanira kubata basa roupristi bwenyu pazvinhu zvose zvearitari, nezvose zviri mukati mechidzitiro; ndipo pamunofanira kubata; ndinokupai upristi, chive chipo chebasa; asi asina kufanira, anoswedera, anofanira kuurawa.
7你和你的兒子,要與你一同守你們祭司的職分,辦理一切屬祭壇和幔子內的事;你們要這樣供職。我把祭司的職分賜給你們作服事我的賞賜;外人若是近前來,必被處死。”
8Jehovha akataurawo naAroni, akati, Ini, tarira, ndakakupa basa rokuchengeta zvipiriso zvangu zvinotsaurwa, izvo zvinhu zvose zvakatsaurwa zvavana vaIsiraeri; ndakakupa izvo uve mugove wako nowavanakomana vako nokusingaperi.
8祭司應得之分耶和華對亞倫說:“我已經把保留歸我的舉祭,就是以色列人一切分別為聖的物,都賜給你和你的子孫,作為永遠應得的分。
9Zvinhu izvi ndizvo zvinofanira kuva zvako pazvinhu zvitsvene zvikuru, zvakasara kana zvimwe zvapiswa, zvinoti: Zvipo zvavo zvose, izvo zvipiriso zvavo zvose zvoupfu, nezvipiriso zvavo zvose zvezvivi, nezvipiriso zvavo zvose zvemhosva, zvavanondipa, izvo zvinofanira kuva zvitsvene zvikuru kwauri nokuvanakomana vako.
9以色列人所獻一切不經過火、至聖的供物,就是一切素祭、一切贖罪祭和一切贖愆祭,都要作至聖的物,歸給你和你的子孫。
10Munofanira kuzvidya panzvimbo tsvene-tsvene; varume vose vanofanira kuzvidya; zvinofanira kuva zvitsvene kwamuri.
10你要在至聖的地方吃,凡是男的都可以吃;你要以此物為聖。
11Izvi ndizvo zvako: Chipiriso chinotsaurwa nezvipo zvavo, izvo zvipiriso zvose zvinozunguzirwa zvavana vaIsiraeri; ndakakupa izvo, iwe, navanakomana vako, navanasikana vako pamwechete newe, zvive zvenyu nokusingaperi; vose vakanaka mumba mako vangazvidya.
11以色列人禮物中的舉祭,與他們的搖祭,都是你的;我已經給了你和你的兒女,作為永遠應得的分;在你家中潔淨的人都可以吃。
12Ndakakupa mafuta ose akaisvonaka, newaini yakaisvonaka, nezviyo zvose zvakaisvonaka, izvo zvitsva zvazvo zvavanopa Jehovha.
12最好的油、最好的新酒和五穀,就是以色列人獻給耶和華的初熟的物,我都賜給你。
13Zvibereko zvitsva zvose nezvose zviri munyika yavo, zvavanouya nazvo kuna Jehovha, zvinofanira kuva zvako; mumwe nomumwe akanaka mumba mako angazvidya.
13從他們地上帶來給耶和華的初熟的物,都要歸給你們;在你家中潔淨的人,都可以吃。
14Zvose zvakayeriswa pakati palsiraeri zvinofanira kuva zvako.
14以色列中一切永獻的物,都必歸給你。
15Zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, panyama yose yavanouyisa kuna Jehovha, kana zviri zvavanhu, kana zvezvipfuwo, zvinofanira kuva zvako; kunyange zvakadaro matangwe avanhu unofanira kuadzikunura; vana vose vemhongora dzezvipfuwo unofanira kuvadzikunurawo.
15有血肉生命頭生的,無論是人或是牲畜,就是他們獻給耶和華的,都必歸給你;只是人類頭生的,你總要贖出來;不潔淨牲畜頭生的,也要贖出來。
16Zvose zvinofanira kudzikunurwa pazviri, zvomwedzi mumwe nezvinopfuura, unofanira kuzvidzikunura sezvaunotara iwe, nemari inosvika pamashekeri mashanu, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene (rakaenzana namagera ana makumi maviri.)
16關於他們的贖價,一個月以上的,你要照你估定的價,按著聖所的秤,就是按照聖所的標準重量(“就是按照聖所的標準重量”,原文作“一舍客勒是二十季拉”),用五十七克銀子贖出來。
17Asi usadzikunura mwana wemhongora yemombe, kana yegwai, kana yembudzi, zvitsvene; unofanira kusasa ropa razvo pamusoro pearitari, nokupisa mafuta azvo, chive chipiriso chinopiswa, chive chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha.
17只是頭生的牛、頭生的綿羊,或是頭生的山羊,你不可贖出來;牠們都是聖的。你要把牠們的血灑在祭壇上,把牠們的脂油焚燒,作為獻給耶和華馨香的火祭。
18Asi nyama yazvo inofanira kuva yako, zvinofanira kuva zvako sechityu chinozunguzirwa nebandauko rorudyi.
18牠們的肉卻要歸給你,像搖過的胸和右腿要歸給你一樣。
19Zvipiriso zvose zvinotsaurwa zvezvinhu zvinopiwa Jehovha navana vaIsiraeri, ndakakupa izvo, iwe navanakomana vako navanasikana vako pamwechete newe, zvive zvako nokusingaperi; isungano yomunyu nokusingaperi pamberi paJehovha, kwauri navazukuru vako pamwechete newe.
19以色列人奉獻給耶和華聖物中的舉祭,我都賜給了你和與你在一起的兒女,作永遠應得的分;這是在耶和華面前給你和與你在一起的後裔作永遠的鹽約。”
20Zvino Jehovha akati kuna Aroni, Iwe haungavi nenhaka panyika yavo, haungavi nomugove pakati pavo; ini ndiri mugove wako nenhaka yako pakati pavana valsiraeri.
20耶和華對亞倫說:“你在以色列人的地不可有產業,在他們中間也不可有分;在以色列人中間,我就是你的分,是你的產業。
21Tarira, vana vaRevhi ndakavapa zvegumi zvezvose zvavana vaIsiraeri, ive nhaka yavo, uve mubayiro webasa ravanobata, iro basa rapatende rokusangana.
21利未人應得之分“至於利未的子孫,我已經把以色列中所有的十分之一,賜給了他們作產業,這是為酬報他們在會幕裡辦理的事務。
22Kubva zvino vana vaIsiraeri ngavarege kuswedera kutende rokusangana, kuti varege kuva nemhosva yezvivi zvavo, vakafa.
22從今以後,以色列人不可走近會幕,免得他們負罪而死。
23Asi vaRevhi vanofanira kubata basa rapatende rokusangana, ivo vanofanira kutakura zvakaipa zvavo; unofanira kuva mutemo nokusingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose; havangavi nenhaka pakati pavana vaIsiraeri.
23唯獨利未人要辦理會幕的事,要擔當他們的罪孽,這要作你們世世代代永遠的條例;在以色列人中,他們不可有產業。
24nekuti zvegumi zvavana vaIsiraeri zvavanopa Jehovha, zvive zvipiriso zvinotsaurwa, ndizvo zvandakapa vaRevhi, kuti ive nhaka yavo; naizvozvo ndakati kwavari, havangavi nenhaka pakati pavana vaIsiraeri.
24因為以色列人獻給耶和華為舉祭的十分之一,我已經賜給了利未人作產業;所以我對他們說:在以色列人中,他們不可有產業。”
25Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
25利未人應納的十分之一耶和華對摩西說:
26Taura navaRevhi, uti kwavari, Kana muchitora kuvana vaIsiraeri zvegumi zvavo zvandakakupai, kuti ive nhaka yenyu, munofanira kupa Jehovha chegumi chezvegumi izvo, chive chipiriso chinotsaurwa.
26“你要告訴利未人:你們既然從以色列人手中,取得了我賜給你們作產業的十分之一,你們就要從這十分之一中,取出十分之一,獻給耶和華作為舉祭。
27Chipiriso chenyu chinotsaurwa chichaverengwa kwamuri sezviyo zviri paburiro, uye sewaini izere muchisviniro chewaini.
27這要算為你們的舉祭,好像禾場上的五穀,又像榨酒池中的酒。
28Saizvozvo nemiwo muchapa Jehovha chipiriso chinotsaurwa chezvegumi zvenyu zvose zvamunopiwa navana vaIsiraeri; zvino kuna izvozvo munofanira kupa Aroni mupristi chipiriso chinotsaurwa chaJehovha.
28這樣,你們也要把從以色列人取得的十分之一,作舉祭獻給耶和華;你們要把獻給耶和華的舉祭,歸給亞倫祭司。
29Pazvose zvamunopiwa, munofanira kupa Jehovha zvipiriso zvenyu zvose zvinotsaurwa, muchitsaura zvakaisvonaka kwazviri, mugove wakatsaurwa pakati pazvo.
29從你們得的一切禮物中,要把最好的,分別為聖,獻給耶和華為舉祭。
30Naizvozvo uti kwavari, Kana matsaura zvakaisvonaka kwazviri, zvinofanira kuverengerwa vaRevhi sezvakapurwa paburiro, nezvakasviniwa pachisviniro chewaini.
30所以你要對利未人說:‘如果你們把最好的獻上,這就算為你們禾場上的糧和榨酒池中的酒了。
31Munofanira kuzvidya panzvimbo dzose, imwi nemhuri dzenyu; nekuti ndiwo mubayiro wenyu webasa ramunobata patende rokusangana.
31你們和你們的家人,隨處都可以吃,因為這是你們的工價,是你們在會幕裡辦事的報酬。
32Hamungazovi nezvivi nokuda kwazvo, kana mambotsaura zvakaisvonaka kwazviri; hamufaniri kuzvidza zvinhu zvitsvene zvavana vaIsiraeri, kuti murege kufa.
32如果你們把最好的獻上,就不致因此擔罪。以色列人的聖物,你們不可褻瀆,免得你們死亡。’”