Shona

聖經新譯本

Numbers

26

1Zvino denda rakati rapfuura, Jehovha akataura naMozisi naEreazari, mwanakomana womupristi Aroni, akati,
1以色列人第二次數點人口瘟疫以後,耶和華對摩西和亞倫的兒子以利亞撒說:
2Verengai vanhu vose vaIsiraeri, vanamakore ana makumi maviri navanopfuura, nedzimba dzamadzibaba avo, vose vanogona kuenda kuhondo pakati paIsiraeri.
2“你們要把以色列會眾,從二十歲以上,在以色列中能出去打仗的,按著他們的父家,計算數目。”
3Mozisi naEreazari mupristi vakataura navo pamapani aMoabhu, paJoridhani paJeriko, vakati,
3於是,摩西和以利亞撒祭司在摩押曠野,就是在耶利哥附近的約旦河邊,告訴他們:
4Verengai vanhu vana makore ana makumi maviri navanopfuura; Jehovha sezvakaraira Mozisi navana vaIsiraeri, vakabuda panyika yeEgipita.
4“從二十歲以上的,你們都要登記數目。”這是照著耶和華吩咐摩西的。從埃及地出來的以色列人計有:
5Rubheni ndiye aiva mwanakomana wedangwe waIsiraeri, vanakomana vaRubheni ndivo: Hanoki, kwakabva mhuri yavaHanoki; naParu, kwakabva mhuri yavaParu.
5以色列的長子流本:流本的子孫,屬哈諾的,有哈諾家族;屬法路的,有法路家族;
6NaHezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; naKarimi, kwakabva mhuri yavaKarimi.
6屬希斯倫的,有希斯倫家族;屬迦米的,有迦米家族。
7Ndidzo mhuri dzavaRubheni: Vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitatu, namazana manomwe namakumi matatu.
7這些是流本的家族;他們被數點的,共有四萬三千七百三十人。
8Vanakomana vaParu vaiva Eriabhu;
8法路的兒子是以利押;
9navanakomana vaEriabhu, Nemueri naDhatani naAbhiramu; Dhatani naAbhiramu ndivo vakanga vadamwa kumakurukota, vakarwa naMozisi naAroni paboka raKora, nguva yavakarwa naJehovha,
9以利押的兒子是尼母利、大坍、亞比蘭。這大坍和亞比蘭原是從會眾中選拔出來的,他們和可拉一黨的人一起與耶和華爭吵,也與摩西和亞倫爭吵的時候,
10nyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza pamwechete naKora musi wakafa boka iro; nguva iyo moto ukaparadza varume vana mazana maviri namakumi mashanu, vakaitwa chiratidzo.
10地開了口,把他們和可拉吞了下去;可拉與他的同黨都死了,那時有火吞滅了二百五十個人,他們成了警戒。
11Asi vanakomana vaKora havana kufa.
11但是,可拉的子孫卻沒有死亡。
12Ava ndivo vanakomana vaSimioni, nemhuri dzavo: Nemueri, kwakabva mhuri yavaNemueri, naJamini, kwakabva mhuri yavaJamini, naJakini, kwakabva mhuri yavaJakini;
12西緬子孫,按著家族,屬尼母利的,有尼母利家族;屬雅憫的,有雅憫家族;屬雅斤的,有雅斤家族;
13naZera, kwakabva mhuri yavaZera; naShauri, kwakabva mhuri yavaShauri.
13屬謝拉的,有謝拉家族;屬掃羅的,有掃羅家族。
14Ndidzo mhuri dzavaSimioni, vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana maviri.
14這些就是西緬的各家族,共有二萬二千二百人。
15Ava ndivo vanakomana vaGadhi nemhuri dzavo: Zefoni, kwakabva mhuri yavaZefoni; naHagi, kwakabva mhuri yavaHagi; naShuni, kwakabva mhuri yavaShuni;
15迦得子孫,按著家族,屬洗分的,有洗分家族;屬哈基的,有哈基家族;屬書尼的,有書尼家族;
16naZini, kwakabva mhuri yava Zini; naEri, kwakabva mhuri yavaEri;
16屬阿斯尼的,有阿斯尼家族;屬以利的,有以利家族;
17naArodhi, kwakabva mhuri yavaArodhi naAreri kwakabva mhuru yavaAreri.
17屬亞律的,有亞律家族;屬亞列利的,有亞列利家族。
18Ndidzo mhuri dzavanakomana vaGadhi; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu.
18這些就是迦得子孫的各家族,按著他們各家族被數點的,共有四萬零五百人。
19Ava ndivo vanakomana vaJudha: Eri naOnani; asi Eri naOnani vakafira munyika yeKanani.
19猶大的兒子是珥和俄南;這珥和俄南都死在迦南地。
20Ndivo vanakomana vaJudha, nemhuri dzavo: Shera, kwakabva mhuri yavaShera; naPerezi kwakabva mhuri yavaPerezi; naZera, kwakabva mhuri yavaZera.
20猶大子孫,按著家族,屬示拉的,有示拉家族;屬謝拉的,有謝拉家族。
21Ndivo vanakomana vaPerezi: Hezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; naHamuri, kwakabva mhuri yavaHamuri.
21法勒斯的子孫,屬希斯崙的,有希斯崙家族;屬哈母勒的,有哈母勒家族。
22Ndidzo mhuri dzaJudha; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi manomwe nezvitanhatu namazana mashanu.
22這些就是猶大的各家族,按著他們各家族被數點的,共有七萬六千五百人。
23Ava ndivo vanakomana vaIsakari, nemhuri dzavo: Tora, kwakabva mhuri yavaTora; naPuva, kwakabva mhuri yavaPuva;
23以薩迦的子孫,按著家族,屬陀拉的,有陀拉家族;屬普瓦的,有普瓦家族;
24naJashubhi, kwakabva mhuri yavaJashubhi, naShimironi, kwakabva mhuri yavaShimironi.
24屬雅述的,有雅述家族;屬伸崙的,有伸崙家族。
25Ndidzo mhuri dzalsakari; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezvina namazana matatu.
25這些就是以薩迦的各家族,按著他們各家族被數點的,共有六萬四千三百人。
26Ava ndivo vanakomana vaZebhuruni, nemhuri dzavo: Seredhi, kwakabva mhuri yavaSeredhi; naEroni, kwakabva mhuri yavaEroni; naJareeri, kwakabva mhuri yavaJareeri.
26西布倫的子孫,按著家族,屬西烈的,有西烈家族;屬以倫的,有以倫家族;屬雅利的,有雅利家族。
27Ndidzo mhuri dzaZebhuruni; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu namazana mashanu.
27這些就是西布倫的各家族,按著他們各家族被數點的,共有六萬零五百人。
28Ava ndivo vanakomana vaJosefa, nemhuri dzavo: Manase naEfuremu.
28約瑟的兒子,按著家族,有瑪拿西和以法蓮。
29Ndivo vanakomana vaManase: Makiri, kwakabva mhuri yavaMakiri; Makiri wakabereka Giriyadhi; kunaGiriyadhi kwakabva mhuri yavaGiriyadhi.
29瑪拿西的子孫,屬瑪吉的,有瑪吉家族;瑪吉生基列;屬基列的,有基列家族。
30Ndivo vanakomana vaGiriyadhi: Jezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; naHereki, kwakabva mhuri yavaHereki;
30以下就是基列的子孫:屬伊以謝的,有伊以謝家族;屬希勒的,有希勒家族;
31naAsirieri, kwakabva mhuri yavaAsirieri; naShekemu, kwakabva mhuri yavaShekemu;
31屬亞斯列的,有亞斯列家族;屬示劍的,有示劍家族;
32naShemidha, kwakabva mhuri yavaShemidha; naHeferi, kwakabva mhuri yavaHeferi.
32屬示米大的,有示米大家族;屬希弗的,有希弗家族。
33Asi Zerofehadhi, mwanakomana waHeferi, akanga asina vanakomana, asi vanasikana chete; mazita avanasikana vaZerofehadhi aiva Makira, naNowa, naHogira, naMirika, naTiriza.
33希弗的兒子西羅非哈沒有兒子,只有女兒;西羅非哈的女兒名叫瑪拉、挪阿、曷拉、密迦、得撒。
34Ndidzo mhuri dzaManase; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezviviri namazana manomwe.
34這些就是瑪拿西的各家族,他們被數點的,共有五萬二千七百人。
35Ava ndivo vanakomana vaEfuremu, nemhuri dzavo: Shutera, kwakabva mhuri yavaShutera; naBhekeri, kwakabva mhuri yavaBhekeri, naTahani, kwakabva mhuri yavaTahani.
35以下就是以法蓮的子孫:按著家族,屬書提拉的,有書提拉家族;屬比結的,有比結家族;屬他罕的,有他罕家族。
36Ndivo vanakomana vaShutera: Erani, kwakabva mhuri yavaErani.
36書提拉的子孫,屬以蘭的,有以蘭家族。
37Ndidzo mhuri dzavanakomana vaEfuremu; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri, namazana mashanu. Ndivo vanakomana vaJosefa, nemhuri dzavo.
37這些就是以法蓮子孫的各家族,按著他們各家族被數點的,共有三萬二千五百人。按著他們的家族,這些都是約瑟的子孫。
38Ava ndivo vanakomana vaBhenjamini, nemhuri dzavo: Bhera, kwakabva mhuri yavaBhera; naAshibheri, kwakabva mhuri yavaAshibheri; naAhirami, kwakabva mhuri yavaAhirami;
38便雅憫的子孫,按著家族,屬比拉的,有比拉家族;屬亞實別的,有亞實別家族;屬亞希蘭的,有亞希蘭家族;
39naShefufami, kwakabva mhuri yavaShufami; naHufami, kwakabva mhuri yavaHufami.
39屬書反的,有書反家族;屬戶反的,有戶反家族。
40Ndivo vanakomana vaBhera: Aridhi naNamani; kuna Aridhi kwakabva mhuri yavaAridhi; naNamani, kwakabva mhuri yavaNamani.
40比拉的眾子是亞勒、乃幔;屬亞勒的,有亞勒家族;屬乃幔的,有乃幔家族。
41Ndivo vanakomana vaBhenjamini, nemhuri dzavo; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana matanhatu.
41這些就是便雅憫的子孫,按著他們的家族,他們被數點的,共有四萬五千六百人。
42Ava ndivo vanakomana vaDhani, nemhuri dzavo: Shuhami, kwakabva mhuri yavaShuhami. Ndivo vemhuri dzaDhani, nedzimba dzavo.
42以下是但的子孫:按著家族,屬書含的,有書含家族;按著家族,這些就是但的各家族。
43Mhuri dzose dzavaShuhami, vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezvina namazana mana.
43書含所有的家族,被數點的,共有六萬四千四百人。
44Ava ndivo vanakomana vaAsheri, nemhuri dzavo: Imuna, kwakabva mhuri yavaImuna; naIshivhi, kwakabva mhuri yavaIshivhi; naBheria, kwakabva mhuri yavaBheria.
44亞設的子孫,按著他們的家族,屬音拿的,有音拿家族;屬亦施葦的,有亦施葦家族;屬比利亞的,有比利亞家族。
45Ndivo vanakomana vaBheria: Hebheri, kwakabva mhuri yavaHebheri; naMakieri, kwakabva mhuri yavaMakieri.
45比利亞的子孫,屬希別的,有希別家族;屬瑪結的,有瑪結家族。
46Zita romwanasikana waAsheri rakanga riri Sera.
46亞設的女兒名叫西拉。
47Ndidzo. mhuri dzaAsheri; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitanhatu namazana mana.
47這些就是亞設子孫的各家族,按著他們各家族被數點的,共有五萬三千四百人。
48Ava ndivo vanakomana vaNafutari, nemhuri dzavo: Jazeeri, kwakabva mhuri yavaJazeri; naGuni, kwakabva mhuri yavaGuni;
48拿弗他利的子孫,按著家族,屬雅薛的,有雅薛家族;屬沽尼的,有沽尼家族;
49naJezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; naShiremi, kwakabva mhuri yavaShiremi.
49屬耶色的,有耶色家族;屬示冷的,有示冷家族。
50Ndidzo mhuri dzaNafutari, nemhuri dzavo; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana mana.
50這些就是拿弗他利的各家族,按著他們各家族被數點的,共有四萬五千四百人。
51Ndivo vakaverengwa kuvana vaIsiraeri, vakasvika zviuru zvina mazana matanhatu nechiuru chimwe namazana manomwe namakumi matatu.
51以上就是以色列人被數點的,共有六十萬零一千七百三十人。
52Jehovha akataura naMozisi, akati,
52耶和華對摩西說:
53Nyika inofanira kugoverwa pakati paivava, ive nhaka yavo, vachiverengwa namazita avo.
53“你要按著人名數目把地分配給他們作產業。
54Vazhinji unofanira kuvapa nhaka zhinji; vashoma unofanira kuvapa nhaka shoma; mumwe nomumwe unofanira kupiwa sezvavakaverengwa.
54人數多的,你要把產業多分給他們;人數少的,你要把產業少分給他們;要按著數點的人數,把產業分給各人。
55Kunyange zvakadaro nyika inofanira kugoverwa nemijenya; vachapiwa nhaka namazita amarudzi amadzibaba avo.
55雖然這樣,地還是要藉著抽籤分配;他們要按著自己父家支派的名字,承受產業。
56Nhaka yavo inofanira kugoverwa nemijenya kana vari vazhinji kana vari vashoma.
56你要按著所抽的籤,照著人數的多少,把產業分配給他們。”
57Zvino ndivo vakaverengwa kuvaRevhi, nemhuri dzavo: Gerishoni, kwakabva mhuri yavaGerishoni;. Kohati, kwakabva mhuri yavaKohati; Merari, kwakabva mhuri yavaMerari.
57以下是按著家族被數點的利未人:屬革順的,有革順家族;屬哥轄的,有哥轄家族;屬米拉利的,有米拉利家族。
58Ndidzo mhuri dzavaRevhi: Mhuri yavaRibhini, nemhuri yavaHebhuroni, nemhuri yavaMari, nemhuri yavaMushi, nemhuri yavaKora. Kohati akabereka Amuramu.
58這些就是利未的各家族:有立尼家族、希伯倫家族、瑪利家族、母示家族、可拉家族。哥轄生暗蘭。
59Zita romukadzi waAmuramu rakanga riri Jokebhedhi, mwanasikana waRevhi, wakaberekerwa Revhi paEgipita; ndiye wakaberekera Amuramu, Aroni, naMozisi, naMiriami, hanzvadzi yavo.
59暗蘭的妻子,名叫約基別,是利未的女兒,是利未在埃及所生的;她給暗蘭生了亞倫、摩西和他們的姊姊米利暗。
60Aroni akaberekerwa Nadhabhi, naAbhihu, naEreazari, naItamari.
60亞倫生拿答、亞比戶、以利亞撒、以他瑪。
61Nadhabhi naAbhihu vakafa, nguva yavakauyisa moto usina kufanira pamberi paJehovha.
61拿答和亞比戶在耶和華面前獻凡火的時候,死了。
62Vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvitatu, murume mumwe nomumwe wakange ano mwedzi mumwe navanopfuura; nekuti havana kuverengwa pakati pavana vaIsiraeri, nekuti havana kupiwa nhaka pakati pavana vaIsiraeri.
62利未人中,從一個月以上被數點的所有男丁,共有二萬三千人。在以色列人中沒有數點他們,因為在以色列人中,沒有把產業分給他們。
63Ndivo vakaverengwa naMozisi naEreazari mupristi, vakaverenga vana vaIsiraeri pamapani aMoabhu, paJoridhani paJeriko.
63以上的人就是被摩西和以利亞撒祭司數點的;他們是在摩押平原,耶利哥對面約旦河邊數點以色列人的。
64Asi pakati pavo kwakanga kusina murume mumwe wavaya vakaverengwa naMozisi naAroni, vakanga vaverenga vana vaIsiraeri murenje reSinai.
64這些人中間,沒有一個是摩西和亞倫祭司從前在西奈曠野數點以色列人的時候,數點過的。
65Nekuti Jehovha akanga ati napamusoro pavo, Zvirokwazvo vachafira murenje. Hakuna mumwe wavo akanga asara, asi Karebhu, mwanakomana waJefune, naJoshua, mwanakomana waNuni.
65因為耶和華論到他們曾經說過:“他們必死在曠野。”所以除了耶孚尼的兒子迦勒和嫩的兒子約書亞以外,連一個也沒有剩下。