1Pauro musungwa waKristu Jesu naTimotio hama, kuna Firimoni mudiwa wedu zvikuru nemushumiri pamwe nesu,
1問安為基督耶穌被囚禁的保羅,和提摩太弟兄,寫信給我們所愛的,又一同作工的腓利門,
2nekumudiwa Apifia, naAkipo, muuto pamwe nesu, nekukereke iri mumba mako;
2和亞腓亞姊妹,並我們的戰友亞基布,以及在你家裡的教會。
3Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari baba vedu naIshe Jesu Kristu.
3願恩惠平安從我們的父 神和主耶穌基督臨到你們。
4Ndinovonga Mwari wangu, ndichikureva nguva dzose paminyengetero yangu,
4稱讚腓利門我聽見你對主耶穌和眾聖徒有愛心和信心,我每逢禱告提到你的時候,就常常感謝我的 神。
5ndichinzwa zverudo rwako nerutendo rwaunarwo kuna Ishe Jesu nekuvatsvene vose,
5
6kuti kudyidzana kwerutendo rwako kuve nesimba pakugamuchira chinhu chipi nechipi chakanaka chiri mamuri muna Kristu Jesu.
6願你與眾人分享你的信心的時候,會產生功效,使我們可以知道在我們中間的一切善事,都是為基督作的。
7Nekuti tine mufaro mukuru nekunyaradzwa murudo rwako, nekuti moyo yevatsvene yakavandudzwa newe, hama.
7弟兄啊,眾聖徒的心既然從你得到舒暢,我也因你的愛心,得到更大的喜樂和安慰。
8Naizvozvo kunyange ndingashinga zvikuru muna Kristu kukuraira izvo zvakafanira,
8為歐尼西慕請求我在基督裡雖然可以放膽吩咐你作應作的事,
9zvakadaro nekuda kwerudo zviri nani kukukumbirisai, zvandakadai hangu, ini Pauro mutana, uye zvinowo musungwa waJesu Kristu.
9然而像我這上了年紀的保羅,現在又是為基督耶穌被囚禁的,寧願憑著愛心請求你,
10Ndinokukumbirisa pamusoro pemwana wangu, wandakabereka muzvisungo zvangu Onesimo,
10就是為我在囚禁時所生的兒子歐尼西慕求你;
11wakange asingambokubatsiri, asi zvino unobatsira iwe neni;
11他從前對你沒有甚麼好處,但現在對你我都有好處。
12wandatumirazve kwauri; naizvozvo iwe umugamuchire uyo ndiko kuti moyo wangu;
12我現在打發他親自回到你那裡去;他是我所心愛的。
13wandaida kuramba naye, kuti panzvimbo yako andishumire pazvisungo zveevhangeri;
13我本來想把他留在我這裡,使他在我為福音被囚禁時,可以替你服事我。
14asi handina kuda kuita chinhu iwe usati watenda, kuti zvakanaka zvako zvaungaita zvirege kuitwa nekurovererwa, asi nechido.
14但還沒有得到你的同意,我就不願意這樣作,好叫你的善行不是出於勉強,而是出於甘心。
15Nekuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti ugozova naye nekusingaperi;
15也許他暫時離開你,正是為了使你永遠得著他,
16arege kuzova zvino semuranda, asi unopfuura muranda, hama inodikamwa zvikuru kwandiri, asi zvikuru sei kwauri. zvose panyama nemuna Ishe.
16不再是奴僕,而是高過奴僕,是親愛的弟兄。對我固然是這樣,對你來說,不論按肉身或在主內的關係,更是這樣。
17Naizvozvo kana uchindiverenga seumwe wako, umugamuchire sezvaungandigamuchira ini.
17所以,你要是把我看作同伴,就接納他好像接納我一樣。
18Asi kana akakutadzira, kunyange ane ngava newe, undiravire ini izvozvo.
18如果他使你受了損失,或欠你甚麼,都記在我的帳上。
19Ini Pauro ndanyora noruoko rwangu ndomene, ndicharipa; kuti ndirege kuti kwauri, unengava kwandiri newewo womene.
19“我必償還”,這是我保羅親手寫的。用不著我說,甚至你的生命,你也是欠我的。
20Hongu hama, ngandive nemufaro pamusoro pako muna Ishe; uvandudze moyo wangu muna Ishe.
20所以弟兄啊!讓我在主裡得到你的幫助,使我的心在基督裡得著暢快。
21Ndakunyorera ndichivimba kuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaitawo kupfuura zvandinoreva.
21我深信你會聽從,也知道你所作的必超過我所說的,因此才寫信給你。
22Asi ipapo ndigadzirirewo pekugara; nekuti ndinotarisira kuti kubudikidza neminyengetero yenyu ndichapiwa kwamuri.
22同時,還請你為我預備住的地方,因為我盼望藉著你們的禱告,可以獲得釋放到你們那裡去。
23Unokukwazisai Epafrasi musungwa pamwe neni muna Kristu Jesu.
23問候的話為基督耶穌的緣故和我一同坐監的以巴弗,
24Mako, Arisitako, Dhemasi, Ruka, vabati pamwe neni.
24以及我的同工馬可、亞里達古、底馬、路加都問候你。
25Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemweya wenyu.
25願主耶穌基督的恩惠常與你們同在。(“與你們同在”原文作“與你們的心靈同在”;好些抄本在這書末有“阿們”一詞。)