1Benzi rakati mumoyo maro, Mwari haako. Vakaora, vakabata mabasa anonyangadza; Hapana anoita zvakanaka.
1大衛的詩,交給詩班長。愚頑人心裡說:“沒有 神。”他們都是敗壞,行了可憎的事,沒有一個行善的。(本節在《馬索拉抄本》包括細字標題)
2Jehovha ari kudenga, akatarira pasi kuvana vavanhu, Kuti aone kana akachenjera aripo, Anotsvaka Mwari.
2耶和華從天上察看世人,要看看有明慧的沒有,有尋求 神的沒有。
3Vakatsauka vose, vakasvibiswa pamwechete; Hapana anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.
3人人都偏離了正道,一同變成污穢;沒有行善的,連一個也沒有。
4Ko vaiti vose vezvakaipa havana zivo here? Ivo vanodya vanhu vangu sezvavanodya chingwa, Vasingadani kuna Jehovha.
4所有作惡的都是無知的嗎?他們吞吃我的子民好像吃飯一樣,並不求告耶和華。
5Vakanga vachitya zvikuru ipapo; nekuti Mwari anogara parudzi rwavakarurama.
5他們必大大震驚,因為 神在義人的群體中。
6Munonyadzisa zano romurombo, Asi Jehovha ndiye utiziro hwake.
6你們要使困苦人的計劃失敗,但耶和華是他的避難所。
7Dai kuponeswa kwalsiraeri kwaibva paZiyoni! Kana Jehovha achidzosa vanhu vake pakutapwa, Ipapo Jakove achafarisisa kwazvo, naIsiraeri achafara.
7但願以色列的救恩從錫安而出;耶和華給他子民帶來復興的時候(“耶和華給他子民帶來復興的時候”或譯:“耶和華把他被擄的子民帶回來的時候”),雅各要快樂,以色列要歡喜。