1Ngaarumbidzwe Jehovha, dombo rangu, Anodzidzisa maoko angu kurwa, Nemimwe yangu kufura;
1大衛的詩。耶和華我的磐石是應當稱頌的。他教導我的手作戰,訓練我的指頭打仗。(本節在《馬索拉抄本》包括細字標題)
2Unyoro hwangu, nenhare yangu, Shongwe yangu yakakwirira, nomurwiri wangu; nhovo yangu, uye iye wandinovimba naye; Anoisa vanhu vangu pasi pangu.
2他是我慈愛的 神、我的堡壘、我的高臺、我的救主、我的盾牌、我所投靠的,他使我的人民服在我以下。
3Jehovha, munhu chinyiko, zvamune hanya naye? Kana Mwanakomana womunhu, zvamunomurangarira?
3耶和華啊!人算甚麼,你竟關懷他,世人算甚麼,你竟眷念他。
4Munhu akafanana nomweya; Mazuva ake anenge mumvuri unopfuura.
4人不過像一口氣,他的年日仿佛影子消逝。
5Kotamisa kudenga-denga kwenyu Jehovha, muburuke; Gunzvai makomo, apfungaire hutsi.
5耶和華啊!求你使天下垂,親自降臨;求你觸摸群山,使山冒煙。
6Penyesai mheni, muvaparadze; Furai miseve yenyu, muvavhunduse.
6求你發出閃電,使仇敵四散;求你射出你的箭,使他們潰亂。
7Tambanudzai ruoko rwenyu muri kumusoro; Ndisunungurei, mundirwire pamvura zhinji, Naparuoko rwavatorwa;
7求你從高天伸手救拔我,從大水之中,從外族人的手裡拯救我。
8Avo vanotaura zvisina maturo nomuromo wavo, Uye ruoko rwavo rworudyi ndirwo ruoko rworudyi rwenhema.
8他們的口說虛謊的話,他們舉起右手起假誓。
9Mwari ndichakuimbirai rwiyo rutsva; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza nomutengeramwa une hungiso dzine gumi.
9 神啊!我要向你唱新歌,我要用十弦琴向你歌唱。
10Ndimi munopa madzimambo kuponeswa, Munorwira Dhavhidhi muranda wenyu pamunondo unokuvadza.
10你是那使君王得勝的,是那救拔你(“你”原文作“他”)僕人大衛脫離殺人的刀的。
11Ndisunungurei, mundirwire paruoko rwavatorwa, Vanotaura zvisina maturo nomuromo wavo, Uye ruoko rwavo rworudyi ndirwo ruoko rworudyi rwenhema.
11求你救拔我,從外族人的手裡拯救我;他們的口說虛謊的話,他們舉起右手起假誓。
12Vanakomana vedu vachava semiti yakakura kwazvo pautsva hwayo; Uye vanasikana vedu samabwe ekona akavezwa sezvinovezerwa imba yamambo;
12願我們的兒子,在幼年時都像旺盛的樹木;願我們的女兒如同殿四角的柱子,為建造殿宇而鑿成的。
13Matura edu achazara nezviyo zvamarudzi ose; Namakwai edu achabereka zviuru negumi rezviuru kumafuro edu.
13願我們的倉庫滿溢,各種糧食不缺;願我們牧場上的羊群,孳生千萬。
14Nzombe dzedu dzichatakudzwa zvizhinji; Hatingaputsirwi madziro, kana kubuda kundorwa, Hakungavi nemhere inoridzwa panzira dzomumusha medu;
14願我們的牛群滿馱貨物;城牆沒有缺口,沒有人出去爭戰(“願我們……出去爭戰”或譯:“願我們的牛群多生多養,沒有流產,沒有死掉”),在我們的街上也沒有呼叫的聲音。
15Vanomufaro vanhu avo, vanoitirwa saizvozvo; Vanomufaro vanhu avo, Mwari wavo ari Jehovha.
15得享這樣景況的人民,是有福的,有耶和華作他們 神的,這人是有福的。