Shona

聖經新譯本

Psalms

18

1Ndinokudisai, Jehovha, simba rangu.
1耶和華的僕人大衛的詩,交給詩班長。在耶和華拯救他脫離所有仇敵和掃羅的手的日子,他向耶和華唱出這首歌的歌詞。他說:耶和華我的力量啊!我愛你。
2Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu; Mwari wangu, dombo rangu, wandichavimba naye; nhovo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu yakakwirira.
2耶和華是我的巖石、我的山寨、我的救主、我的 神、我的磐石、我所投靠的、我的盾牌、我救恩的角、我的高臺。
3Ndichadana kuna Jehovha, iye anofanirwa nokurumbidzwa; Naizvozvo ndichaponeswa kuna vavengi vangu.
3我向那當受讚美的耶和華呼求,就得到拯救,脫離我的仇敵。
4Mabote orufu akandikomba; Uye nzizi dzezvakaipa dzakandivhundusa.
4死亡的繩索環繞我,毀滅的急流淹沒了我。
5Mabote eSheori akandisunga; Misungo yorufu yakandiwira.
5陰間的繩索圍繞著我,死亡的網羅迎面而來。
6Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Ndikadana kuna Mwari wangu; Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; Kuchema kwangu pamberi pake kukasvika munzeve dzake.
6急難臨到我的時候,我求告耶和華,我向我的 神呼求;他從殿中聽了我的聲音,我在他面前的呼求進了他的耳中。
7Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera; Nheyo dzamakomowo dzikadengenyeka, Dzikazununguswa, nekuti akanga akatsamwa.
7那時大地搖撼震動,群山的根基也都動搖,它們搖撼,是因為耶和華發怒。
8Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake, Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akabatidzwa nawo.
8濃煙從他的鼻孔往上冒,烈火從他的口中噴出來,連炭也燒著了。
9Akakotamisa kudenga-dengawo, akaburuka; Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake.
9他使天下垂,親自降臨;在他的腳下黑雲密布。
10Akatasva kerubhi, akabhururuka; Zvirokwazvo, akabhururuka pamapapiro emhepo.
10他乘著基路伯飛行,藉著風的翅膀急飛。
11Rima akariita nzvimbo yake yokuvanda, tende rake rakamupoteredza; Kusviba kwemvura zhinji, namakore matema okudenga.
11他以黑暗作他的隱密處,他以濃黑的水氣,就是天空的密雲,作他四周的帷帳。
12Nokupenya kwakanga kuri pamberi pake makore ake matema akapfuura, Nechimvuramabwe namazimbe omoto.
12密雲、冰雹與火炭,從他面前的光輝經過。
13Jehovha akatinhirawo kudenga-denga, Wokumusoro-soro akataura nenzwi rake; Chimvuramabwe namazimbe omoto.
13耶和華在天上打雷,至高者發出聲音,發出冰雹和火炭。
14Akatuma miseve yake, akavaparadza; Zvirokwazvo, nemheni zhinji, akavavhundusa.
14他射出箭來,使它們四散;他連連發出閃電,使它們混亂。
15Ipapo migero yemvura zhinji yakaonekwa, Uye nheyo dzenyika dzakafukurwa, Nokutuka kwenyu, Jehovha, Nokufema komweya wemhino dzenyu.
15耶和華斥責一發,你鼻孔的氣一出,海底就出現,大地的根基也顯露。
16Wakatambanudza ruoko rwake ari kumusoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji.
16他從高處伸手抓住我,把我從大水中拉上來。
17Akandirwira pamuvengi wangu ane simba, Nokuna vanondivenga, nekuti vakanga vondikurira.
17他救我脫離我的強敵,脫離那些恨我的人,因為他們比我強盛。
18Vakandivinga nezuva renjodzi yangu, Asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.
18在我遭難的日子,他們來攻擊我,但耶和華是我的支持。
19Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana, Akandirwira, nekuti akanga achindifarira.
19他又領我出去,到那寬闊之地;他搭救我,因為他喜悅我。
20Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Akandipa mubayiro wakaenzana nokuchena kwamaoko angu.
20耶和華按著我的公義報答我,照著我手中的清潔回報我。
21Nekuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, Handina kubva kuna Mwari wangu nokunyengera.
21因為我謹守了耶和華的道,未曾作惡離開我的 神。
22Nekuti zvose zvaakatonga zvakanga zviri pamberi pangu, Handina kusundira kure neni zvaakatema.
22因為他的一切典章常擺在我面前,他的律例,我未曾丟棄。
23Ndakanga ndakaruramawo kwaari, Ndakazvichengeta ini pazvakaipa zvangu.
23我在他面前作完全的人,我也謹慎自己,脫離我的罪孽。
24Naizvozvo Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Zvakaenzana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake.
24所以耶和華按著我的公義,照著我在他眼前手中的清潔回報我。
25Ane tsitsi munomuitirawo netsitsi, Nomunhu wakarurama kwazvo, munomuitirawo zvakarurama;
25對慈愛的人,你顯出你的慈愛;對完全的人,你顯出你的完全;
26Akanaka munomuitirawo zvakanaka, nowakatsauka, munomuitirawo nehasha.
26對清潔的人,你顯出你的清潔;對狡詐的人,你顯出你的機巧。
27Nekuti muchaponesa vanhu vanotambudzika; Asi muchaderedza meso avanozvikudza.
27謙卑的人,你要拯救;高傲的眼睛,你要貶低。
28Nekuti imwi muchatungidza mwenje wangu; Jehovha Mwari wangu achavhenekera rima rangu.
28耶和華啊!你點亮了我的燈;我的 神照明了我的黑暗。
29Nekuti nemwi ndichavamba hondo, Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo.
29藉著你,我攻破敵軍;靠著我的 神,我跳過牆垣。
30Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhovo yavose vanovimba naye.
30這位 神,他的道路是完全的;耶和華的話是煉淨的;凡是投靠他的,他都作他們的盾牌。
31Nekuti ndianiko Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu?
31除了耶和華,誰是 神呢?除了我們的 神,誰是磐石呢?
32Iye Mwari, anondisunga chiuno nesimba, Anokwanisa nzira yangu.
32他是那位以能力給我束腰的 神,他使我的道路完全。
33Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzenondokadzi, Anondiisa pamatunhu angu akakwirira.
33他使我的腳像母鹿的蹄,又使我站穩在高處。
34Anodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anobwembura uta bwendarira.
34他教導我的手怎樣作戰,又使我的手臂可以拉開銅弓。
35Makandipawo nhovo yokuponesa kwenyu; Ruoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, Uye unyoro bwenyu hwakandiita mukuru.
35你把你救恩的盾牌賜給我,你的右手扶持我,你的溫柔使我昌大。
36Makandiitira nzvimbo yakafarikana pandingatsika; Uye tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.
36你使我腳底下的路徑寬闊,我的兩膝沒有動搖。
37Ndichateverera vavengi vangu nokuvabata. Handingadzokizve kusvikira vapedzwa.
37我追趕仇敵,把他們追上;不消滅他們,我必不歸回。
38Ndichavabaya, vakoniwe kusimuka; Vachawira pasi petsoka dzangu.
38我重創他們,使他們不能起來;他們都倒在我的腳下。
39Nekuti makandisunga chiuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira.
39你以能力給我束腰,使我能夠作戰;你又使那些起來攻擊我的人都屈服在我的腳下。
40Makatizisa vavengi vangu, Kuti ndiparadze vanondivenga.
40你使我的仇敵在我面前轉背逃跑,使我可以殲滅恨我的人。
41Vakachema, asi kwakanga kusina anoponesa, Kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.
41他們呼叫,卻沒有人拯救;就算向耶和華呼求,他也不答應他們。
42Ipapo ndakavapwanya-pwanya seguruva pamberi pemhepo; Ndakavarashira kure samatope enzira dzomumusha.
42我搗碎他們,像風前的塵土,我傾倒他們,像街上的爛泥。
43Makandirwira pakukakavadzana kwavanhu; Makandiita mukuru wendudzi; Vanhu vandakanga ndisingazivi, vachandishumira.
43你救我脫離了人民的爭競,你立我作列國的元首;我不認識的人民要服事我。
44Vachateerera pakarepo kana vachindinzwa, Vatorwa vachanamata kwandiri.
44他們一聽見,就服從我;外族人都向我假意歸順。
45Vatorwa vachatorerwa simba, Vachabuda pavaivanda vachidedera.
45外族人大勢已去,戰戰兢兢地從他們的要塞走出來。
46Jehovha mupenyu; dombo rangu ngarikudzwe; Mwari wokuponeswa kwangu ngaarumbidzwe.
46耶和華是永活的,我的磐石是應當稱頌的,拯救我的 神是應當被尊為至高的。
47Ndiye Mwari anonditsivira, Anondikundisa ndudzi dzavanhu.
47他是那位為我伸冤的 神,他使萬民服在我的腳下。
48Iye anondirwira kuvavengi vangu; Zvirokwazvo, munondisimudzira kumusoro kwavanondimukira. Munondirwira pamunhu anomanikidza.
48他救我脫離我的仇敵。你還把我高舉起來,高過那些起來攻擊我的人,又救我脫離了強暴的人。
49Naizvozvo ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi, Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokukudza.
49因此,耶和華啊!我要在列國中稱讚你,歌頌你的名。
50Anopa mambo wake kuponeswa kukuru; ,Anoitira muzodzwa wake unyoro, Iye Dhavhidhi nomwana wake nokusingaperi.
50耶和華賜極大的救恩給他所立的王,又向他的受膏者施慈愛,就是向大衛和他的後裔施慈愛,直到永遠。