1Inzwai mashoko angu Jehovha,Rangarirai kufunga komoyo wangu.
1大衛的詩,交給詩班長,用管樂伴奏。耶和華啊!求你留心聽我的話,顧念我的歎息。
2teererai inzwi rokuchema kwangu, imwi Mambo wangu naMwari wangu; nekuti ndinonyengetera kwamuri.
2我的王,我的 神啊!求你傾聽我呼求的聲音,因為我向你禱告。
3Jehovha, muchanzwa inzwi rangu mangwanani;Mangwanani ndichakurongedzerai munyengetero wangu,ndichirindira.
3耶和華啊!求你在清晨聽我的聲音;我要一早向你陳明,並且迫切等候。
4Nekuti hamuzi Mwari anofarira zvakaipa, munhu, akashata, haangagari nemi.
4因為你是不喜愛邪惡的 神,惡人不能與你同住。
5Munhu anozvikudza haangamiriri pamberi penyu; Munovenga vose vanoita zvakaipa.
5狂傲的人不能在你眼前站立,你恨惡所有作惡的人。
6Muchaparadza anoreva nhema; Jehovha anosema munhu anoteura ropa neanonyengera.
6你必滅絕說謊話的;好流人血和弄詭詐的,都是耶和華所憎惡的。
7Asi kana ndirini, ndichapinda mumba menyu nekuwanda kwevunyoro bwenyu, Ndichanamata ndakaringira kutemberi yenyu tsvene ndichikutyai.
7至於我,我必憑著你豐盛的慈愛,進入你的殿;我要存著敬畏你的心,向你的聖所敬拜。
8Ndifambisei, Jehovha, mukururama kwenyu nekuda kwavavengi vangu; Gadzirai nzira yenyu pamberi pangu.
8耶和華啊!求你因我仇敵的緣故,按著你的公義引導我,在我面前鋪平你的道路。
9Nekuti hapana kutendeka pamiromo yavo; Mukati mavo makashata-shata; huro dzavo guva rakashama; Vanobata kumeso nerurimi rwavo.
9因為他們的口裡沒有真話,他們的內心充滿毀滅人的意圖,他們的喉嚨是敞開的墳墓,他們用舌頭弄詭詐。
10Muvapei, mhosva, Jehovha ngavawe namano avo;Nokuti vakakumukirai.
10 神啊!求你定他們的罪;願他們因自己的詭計跌倒,願你因他們許多的過犯,把他們趕出去,因為他們背叛了你。
11Asi vose vanovimba nemwi ngavafare, Ngavadanidzire nomufaro nguva dzose,nokuti imwi munovadzitira; Vose vanoda zita renyu ngavafare nemi.
11願所有投靠你的人都喜樂,常常歡呼;願你保護他們,又願愛你名的人,因你歡樂。
12Nekuti mucharopafadza akarurama; imwi Jehovha, muchamukomberedza nenyasha senhovo.
12耶和華啊!因為你必賜福給義人,你要以恩惠像盾牌四面護衛他。