1Benzi rakati mumoyo maro, Mwari hakuna . Vakaora, vakaita zvakaipa zvinonyangadza; Hakuna anoita zvakanaka.
1大衛的訓誨詩,交給詩班長,調用“麻拉”。愚頑人心裡說:“沒有 神。”他們都是敗壞,行了可憎的不義;沒有一個行善的。
2Mwari, ari kudenga, wakatarira pasi kuvana vavanhu, Kuti aone kana akachenjera aripo, Anotsvaka Mwari.
2 神從天上察看世人,要看看有明慧的沒有,有尋求 神的沒有,
3Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure; vakasvibiswa pamwechete; Hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.
3他們各人都偏離了正道,一同變成污穢;沒有行善的,連一個也沒有。
4Ko vaiti vezvakaipa havana zivo here? Ivo vanodya vanhu vangu sechingwa, Vasingadani kuna Mwari.
4作惡的都是無知的嗎?他們吞吃我的子民好像吃飯一樣,並不求告 神。
5Vaitya kwazvo ipapo, pakanga pasina chinotyisa; nekuti Mwari akaparadza mafupa aiye akanga akakukomba; Iwe wakavanyadzisa, nekuti Mwari akavarasha.
5他們在無可驚懼的時候,必大大震驚;因為 神把那些紮營攻擊你的人的骨頭擊散了;他們蒙羞受辱,因為 神棄絕了他們。
6Dai kuponeswa kwaIsiraeri kwaibva paZiyoni! Kana Mwari achidzosa vanhu vake pakutapwa, Ipapo Jakove achafara kwazvo naIsiraeri achafara.
6但願以色列的救恩從錫安而出; 神給他子民帶來復興的時候(“ 神給他子民帶來復興的時候”或譯:“ 神把他被擄的子民帶回來的時候”),雅各要快樂,以色列要歡喜。