Shona

聖經新譯本

Psalms

55

1Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, Mwari; Regai kuzvivanza pakukumbira kwangu.
1大衛的訓誨詩,交給詩班長,用絲弦的樂器伴奏。 神啊!求你傾聽我的禱告,不要隱藏起來不聽我的懇求。
2Nditeererei, mundipindure. Ndinodzungaira mukuchema kwangu, ndichivuvura;
2求你留心聽我,應允我;我在苦惱中必不安寧,唉哼難過;
3Nokuda kwenzwi romuvengi, Nokuda kokumanikidza kowakaipa; , nekuti vanondipomera zvakaipa, Vanonditambudza nokutsamwa kwavo.
3這都是由於仇敵的聲音,和惡人的欺壓;因為他們使禍患臨到我的身上,怒氣沖沖地迫害我。
4moyo wangu unorwadziwa kwazvo mukati mangu; Garudzo rorufu rakandiwira,
4我的心在我裡面絞痛,死亡的恐怖落在我身上。
5Kutya nokubvunda zvakandiwira. Kutya kukuru kwakandifukidza.
5懼怕和戰兢臨到我,驚恐籠罩著我。
6Ini ndakati, Haiwa, dai ndaiva namapapiro senjiva! Ndaibhururuka, ndikandozorora.
6我說:“但願我有鴿子一般的翅膀,我就飛走,得以安居。
7Tarirai, ndingadai ndaitizira kure, Ndaindogara kurenje.
7看哪!我必逃往遠處,在曠野裡住宿。(細拉)
8Ndaikurumidza kundovanda, Nditize mhepo inovhuvhuta nedutu guru.
8我要趕快到我避難的地方去,逃避狂風暴雨。”
9Paradzai, Ishe mukanganise marimi avo; nekuti ndakaona kumanikidza nokurwa muguta.
9主啊!擾亂惡人的計謀,使他們的意見(“意見”原文作“舌頭”)分歧,因為我在城中看見了強暴和爭競的事。
10Masikati novusiku vanoripoteredza pamasvingo aro; Zvakaipawo nezvakashata zviri mukati maro.
10惡人日夜在城牆上繞行,在城裡盡是邪惡與禍害;
11Kushata kuri pakati paro; Kumanikidza nokunyengera hazvibvi panzira dzaro.
11城中也有毀滅人的事,欺壓和詭詐不離城裡的街道。
12Nekuti akanga asi muvengi akandishora; Ipapo ndaigona kutsunga; Akanga asi iye aindivenga akazvikudza kwandiri; Ipapo ndaimuvanda.
12原來不是仇敵辱罵我,如果是仇敵,我還可以忍受;也不是恨我的人向我狂妄自大,如果是恨我的人,我還可以躲避他。
13Asi wakange uriwe, munhu wakaenzana neni, Shamwari yangu, nomuzikamwi wangu.
13但你是和我同等地位的人,是我的良友,我的知己。
14Taisirangana zvakanaka, Taifamba mumba maMwari pamwechete navanhu vazhinji.
14我們常在一起密談,我們在 神的殿中與群眾同行。
15Rufu ngaruvawire kamwe-kamwe, Ngavaburikire kuSheori vari vapenyu, nekuti kushata kuri paugaro hwavo, imo mukati mavo.
15願死亡忽然臨到他們身上,願他們活活下到陰間去,因為在他們中間,就是在他們的住所裡,盡是邪惡。
16Kana ndirini, ndichadana kuna Mwari; Jehovha achandiponesa.
16至於我,我卻要求告 神,耶和華就必拯救我。
17Madekwana namangwanani namasikati ndichachema ndichivuvura; Iye achanzwa inzwi rangu.
17無論在晚上、早晨或中午,我都哀訴唉哼;他必聽我的聲音。
18Wakadzikunura mweya wangu nerugare, kukasava nomumwe akaswedera kwandiri, nekuti vakanga vachirwa neni, vaiva vazhinji.
18他救贖我的性命脫離攻擊我的人,使我得著平安,儘管攻擊我的人的確很多。
19Mwari achanzwa, achavapindura, Iye aripo kare nakare. Nekuti havashanduki, Havatyi Mwari.
19 神必聽見,那從亙古坐著為王的必使他們受苦,(細拉)因他們不肯改變,也不敬畏 神。
20Wakatambanudzira maoko ake kuna vaiva norugare naye; Wakashora sungano yake.
20他違背了自己的約,伸手攻擊那些與他和好的人。
21Mashoko omuromo wake akatedza samafuta, Asi kurwa kwakanga kuri pamoyo pake; Mashoko ake akanga ari manyoro kupfuura mafuta, Kunyange zvakadaro yaiva minondo yakavhomorwa.
21他的口比奶油光滑,他的心卻懷著爭戰的意圖;他的話比油還柔和,其實卻是拔了出來的刀。
22Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye achakusimbisa; Haangatongotenderi akarurama kuti azununguswe.
22你要把你的重擔卸給耶和華,他必扶持你;他永遠不會讓義人動搖。
23Asi imwi Mwari muchavaburusira kugomba rokuparadzwa; Vanhu vanokarira ropa navanonyengera havangapedzi hafu yamazuva avo; Asi ini ndichavimba nemi.
23 神啊!你必使惡人墮入滅亡的深坑裡;流人血和行詭詐的人必活不到半世;至於我,我必倚靠你。