Shona

聖經新譯本

Psalms

83

1Haiwa Jehovha, regai kuramba munyerere; Regai kuramba musingatauri, musanyarara Mwari.
1歌一首,亞薩的詩。 神啊!求你不要靜默; 神啊!求你不要閉口,也不要一言不發。
2nekuti tarirai, vavengi venyu vanoita bope; Vanokuvengai vakasimudza misoro yavo.
2看哪!你的仇敵喧嘩,恨你的人都抬起頭來。
3Vanofunga mano kuti vanyengere vanhu venyu, Vanorangana pamusoro pavakavanzwa nemi.
3他們密謀奸詐,陷害你的子民;他們彼此商議,攻擊你所寶貴的人。
4Vakati, Uyai, tivaparadze, varege kuzova rudzi; Kuti zita raIsiraeri rirege kuzorangarirwa.
4他們說:“來吧!我們來把他們除滅,使他們不再成國,使以色列的名不再被人記念。”
5Nekuti vakarangana nomoyo mumwe; Vanoita sungano kuzorwa nemi.
5他們同心商議,彼此結盟,要和你對抗。
6Matende aEdhomu navaIshimaeri, Moabhu navaHagari;
6他們就是住帳棚的以東人和以實瑪利人,摩押人和夏甲人,
7Gebhari, naAmoni, naAmareki; Firisitia pamwechete navagere Tire;
7迦巴勒、亞捫、亞瑪力、非利士和推羅的居民。
8Asiriawo wakasangana navo; Vakabatsira vana vaRoti.
8亞述也和他們聯合起來,作了羅得子孫的幫手。(細拉)
9Muvaitire sezvamakaitira Midhiani; NaSisera, naJabhini, paRwizi Kishoni;
9求你待他們好像待米甸人,像在基順河待西西拉和耶賓一樣;
10Ivo vakaparadzwa paEndori; Vakava mupfudze wapasi.
10他們都在隱.多珥被消滅,成了地上的糞土。
11Itai vakuru vavo saOrebhi naZeebhi; Zvirokwazvo machinda avo ose saZebha naZarimuna;
11求你使他們的貴族像俄立和西伊伯,使他們的王子像西巴和撒慕拿。
12Ivo vakati, Ngatizvitorere Ugaro hwaMwari huve bwedu.
12他們曾說:“我們要得著 神的牧場作自己的產業。”
13Mwari wangu, muvaite seguruva rinondeyeswa nemhepo; Samakoto anodzingwa nemhepo.
13我的 神啊!求你使他們像旋風捲起的草,像風前的碎秸。
14Somoto unopisa dondo, Somurazvo womoto unopisa makomo;
14火怎樣焚燒樹林,火燄怎樣燃燒群山,
15Muvateverere saizvozvo nedutu renyu remhepo, Muvavhunduse nechamupupuri chenyu.
15求你也照樣用狂風追趕他們,藉暴風雨驚嚇他們。
16Fukidzai zviso zvavo nokunyadziswa; Kuti vatsvake zita renyu, Jehovha.
16耶和華啊!求你使他們滿面羞愧,好使他們尋求你的名。
17Ngavanyadziswe, vavhunduswe nokusingaperi; Zvirokwazvo, ngavanyadziswe vafe;
17願他們永遠受辱驚惶,願他們抱愧滅亡。
18Vazive kuti imwi moga, imwi munezita rinonzi Jehovha, Ndimi Wekumusoro-soro kumusoro kwepasi pose.
18使他們知道只有你的名是耶和華,唯有你是掌管全地的至高者。