Shona

聖經新譯本

Psalms

85

1Jehovha, makafarira nyika yenyu; Makadzosa Jakove pakutapwa.
1可拉子孫的詩,交給詩班長。耶和華啊!你恩待了你的地,恢復了雅各的產業(“恢復了雅各的產業”或譯:“領回了雅各被擄的”)。
2Makakangamwira kutadza kwavanhu venyu, Makafukidza zvivi zvavo zvose.
2你赦免了你子民的罪孽,遮蓋了他們的一切罪惡。(細拉)
3Makabvisa kutsamwa kwenyu kose; Makazvidzora pahasha dzenyu dzakanyanya.
3你收回了你的一切忿怒,使你猛烈的怒氣轉消。
4Tidzosei, Mwari muponesi wedu, Gumisai hasha dzenyu kwatiri.
4拯救我們的 神啊!求你復興我們,求你止住你向我們所發的忿怒。
5Ko mucharamba makatitsamwira nokusingaperi? Muchasvitsa kutsamwa kwenyu kumarudzi namarudzi here?
5你要永遠向我們發怒嗎?你要延長你的怒氣到萬代嗎?
6imwi hamungatiraramisizve here, Kuti vanhu venyu vafare nemi?
6你不使我們再活過來,以致你的子民可以因你歡喜嗎?
7Tiratidzei tsitsi dzenyu, Jehovha, Mutipe ruponeso rwenyu.
7耶和華啊!求你使我們得見你的慈愛,又把你的救恩賜給我們。
8Ndichanzwa zvichataura Mwari Jehovha; nekuti achataura rugare kuvanhu vake nokuvatsvene vake; Asi ngavarege kudzokerazve kuupenzi.
8我要聽 神耶和華所要說的話;因為他應許賜平安給他的子民,給他的聖民;但願他們不要轉向愚妄。
9Zvirokwazvo kuponesa kwake kuri pedo navanomutya; Kuti kubwinya kugare munyika yedu.
9他的救恩的確臨近敬畏他的人,使他的榮耀住在我們的地上。
10Tsitsi nechokwadi zvakasangana; Kururama norugare zvakatsvodana.
10慈愛和信實彼此相遇,公義和平安互相親嘴。
11chokwadi chinomera pasi; Kururama kwakatarira pasi kuri kudenga.
11信實從地上生出,公義從天上俯視。
12Zvirokwazvo, Jehovha uchapa zvinhu zvakanaka; Nyika yedu ichabereka zvibereko zvayo.
12耶和華也必賜下好處,我們的地要多出土產。
13Kururama kuchamutungamirira; Kuchenjerere kunzira dzetsoka dzake.
13公義必行在他面前,為他的腳步預備道路。