1Zvino mutumwa wechishanu wakaridza, ndikaona nyeredzi ichiwa kubva kudenga ichiwira pasi; ikapiwa kiyi yegomba risina chigadziko.
1第五位天使吹號,我就看見一顆星從天上落到地上,有無底坑的鑰匙賜給它。
2Zvino yakazarura gomba risina chigadziko, utsi ndokusimuka hwuchibuda mugomba, seutsi hwevira guru; zuva nedenga zvikasvibiswa nekuda kweutsi hwegomba.
2它開了無底坑,就有煙從坑裡冒出來,好像大火爐的煙,太陽和天空因這坑的煙就都變黑了。
3Muutsi mukabuda mhashu dzikauya panyika, dzikapiwa simba sezvinyavada zvenyika zvine simba.
3有蝗蟲從煙裡出來到了地上;有能力賜給牠們,好像地上蠍子的能力一樣。
4Dzikaudzwa kuti dzirege kutadzira uswa hwenyika, nechinhu chipi zvacho chinyoro, kana miti upi, asi vanhu chete vasina mucherechedzo waMwari pahuma dzavo.
4有話吩咐牠們,不可傷害地上的草,和所有青翠的東西,以及所有的樹木,只可傷害那些額上沒有 神印記的人。
5Uye kukapiwa kwadziri kuti dzisavauraya, asi kuti varwadziswe mwedzi mishanu; kurwadzisa kwadzo sekurwadzisa kwechinyavada kana chichiruma munhu.
5蝗蟲沒有能力殺死他們,只可使他們受痛苦五個月。他們的痛苦就像人給蠍子螫了的痛苦一樣。
6Zvino namazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangaruwani, uye vachashuva kufa, asi rufu rwuchavatiza.
6在那些日子,人要求死,卻決不得死;切願要死,死卻遠離他們。
7Zvekare zvimiro zvemhashu zvakaita semabhiza akagadzirirwa hondo; nepamisoro yadzo sepane zvimwe zvakaita sekorona dzakafanana nendarama, nezviso zvadzo sezviso zvevanhu.
7蝗蟲的形象,好像是預備好了要上陣的戰馬一樣。牠們頭上戴的好像金冠冕,臉像人的面孔,
8Zvino dzakange dzine vhudzi sevhudzi revakadzi, nemeno adzo akange akaita seeshumba.
8牠們的頭髮好像女人的頭髮,牙齒好像獅子的牙齒;
9Zvino dzakange dzine zvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvidzitiro zvechifuva zvematare; nekutinhira kwemapapiro adzo kwakaita sekutinhira kwengoro dzemabhiza mazhinji anomhanyira kuhondo.
9牠們的胸甲像鐵甲,牠們翅膀的聲音好像許多馬車奔馳上陣的聲音。
10Zvino dzakange dzine miswe yakaita seyezvinyavada, uye pakange pane umborera pamiswe yadzo nesimba rekukuvadza vanhu mwedzi mishanu.
10牠們好像蠍子一樣有尾巴和毒刺,牠們的尾巴能傷害人五個月。
11Zvino dzakange dzina mambo pamusoro padzo, ari mutumwa wegomba risina chigadziko, zita rake nechiHebheru ndiAbhadhoni, asi nechiGiriki zita rake ndiAporioni.
11牠們有無底坑的使者作王統治牠們。這王的名字,希伯來話叫阿巴頓,希臘話叫阿波倫。
12Nhamo imwe yapfuura; tarira, nhamo dzimwe mbiri dzinotevera shure kwaizvozvi.
12第一樣災禍過去了。看哪,以後還有兩樣災禍要來!
13Zvino mutumwa wechitanhatu wakaridza, ndikanzwa inzwi richibva panyanga ina dzearitari yendarama iri pamberi paMwari,
13第六位天使吹號,我聽見有一個聲音從 神面前金壇的四角發出來,
14richiti kumutumwa wechitanhatu wakange ane hwamanda: Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru Yufratesi.
14對拿著號筒的第六位天使說:“把捆綁在幼發拉底大河的那四個使者放了吧!”
15Zvino vatumwa vana vakasunungurwa, vakange vakagadzirirwa awa nezuva, nemwedzi, negore, kuponda chetatu chevanhu.
15那四個使者就被釋放了,他們已經預備好,要在某年某月某日某時殺害人類的三分之一。
16Zvino uwandu hwehondo dzevatasvi vemabhiza hwakange hwuri mazana maviri ezvuru zvezvuru; ndikanzwa uwandu hwavo.
16馬兵的數目有二萬萬;他們這個數目我聽見了。
17Zvino saizvozvo ndakaona mabhiza muchiratidzo nevakange vakaatasva, vane zvidzitiro zvechifuva zvemoto, nezvehiasindo*, nezvesarufa*; nemisoro yemabhiza yakaita semisoro yeshumba; nemumiromo yawo makabuda moto neutsi nesarufa.
17在異象中,我看見那些馬和騎馬的是這樣:騎馬的穿著火紅紫青和硫磺色的胸甲,馬的頭好像獅子頭,有火、煙和硫磺從馬的口中噴出來。
18Nezvizvi zvitatu kwakaurawa chikamu chetatu chevanhu; nemoto uye neutsi uye nesarufa, zvakabuda mumiromo yawo.
18馬口中噴出來的火、煙和硫磺這三種災害,殺死了人類的三分之一。
19Nekuti simba rawo riri mumiromo yawo, nemumiswe yawo; nekuti miswe yawo yakaita senyoka uye ine misoro; uye anokuvadza nayo.
19馬的能力是在口中和尾巴上。牠們的尾巴像蛇,並且有頭用來傷人。
20Zvino vakasara vevanhu vasina kuurawa nematambudziko awa asi vakasatendeuka pamabasa emaoko avo, kuti varege kushumira madhimoni, nezvifananidzo zvendarama, nezvesirivheri, nezvendarira, nezvamabwe, nezvematanda, zvisingagoni kuona, kana kunzwa, kana kufamba;
20其餘沒有在這些災難中被殺的人,仍然不為他們手所作的悔改,還是去拜鬼魔和那些金、銀、銅、石頭、木頭做的,不能看、不能聽、也不能走路的偶像。
21uye havana kutendeuka paumhondi hwavo, kana pauroyi hwavo, kana paupombwe hwavo, kana paumbavha hwavo.
21他們也不為自己的兇殺、邪術、淫亂和偷盜悔改。