1Zvino isu tine simba tinofanira kutakura utera hwevasina simba, uye tisingazvifadzi isu.
1不求自己的喜悅我們堅強的人,應該擔當不堅強的人的軟弱,不應該求自己的喜悅。
2Umwe neumwe wedu ngaafadze umwe wake pane zvakanaka pakusimbisa.
2我們各人務要叫鄰舍喜悅,好讓他得到益處、得到造就。
3Nekuti kunyange Kristu haana kuzvifadza; asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Kutuka kwevakakutukai kwakawira pamusoro pangu.
3因為連基督也不求自己的喜悅;反而像經上所記的:“辱罵你的人的辱罵,都落在我的身上。”
4Nekuti zvose zvakagara zvanyorwa zakanyorerwa kudzidza kwedu kuti kubudikidza nemoyo murefu nekunyaradza kwemagwaro tive netariro.
4從前經上所寫的,都是為教訓我們而寫的,好使我們藉著忍耐和聖經中的安慰得著盼望。
5Zvino Mwari wemoyo murefu nenyaradzo ngaape kwamuri moyo umwe, umwe kune umwe zvichitevera Kristu Jesu;
5願賜忍耐和安慰的 神,使你們彼此同心,效法基督耶穌,
6kuti nemoyo umwe uye nemuromo umwe mukudze Mwari, ivo baba vaIshe wedu Jesu Kristu.
6同心一致地榮耀我們主耶穌基督的父 神。
7Naizvozvo gamuchiranai, Kristu sezvaakatigamuchirawo, rwuve rukudzo rwaMwari.
7外族人蒙恩頌讚 神因此,你們應當彼此接納,就像基督接納了你們一樣,使榮耀歸於 神。
8Zvino ndinoti, Jesu Kristu wakava muranda wedzingiso nekuda kwechokwadi chaMwari, kuti asimbise zvivimbiso kumadzibaba.
8我說,基督為了 神的真理,成了受割禮的人的僕人,為的是要證實對祖先的應許,
9Uye kuti vahedheni vakudze Mwari nekuda kwetsitsi; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Nekuda kweizvozvi ndichakureururai pakati pevahedheni, nekuimbira zita renyu rumbidzo.
9使外族人因著所蒙的憐憫榮耀 神;如經上所記:“因此我要在列邦中稱讚你,歌頌你的名。”
10Uyezve unoti: Farai imwi vahedheni pamwe nevanhu vake.
10又說:“列邦啊,當與他的子民一同快樂。”
11Uyezve: Rumbidzai Ishe imwi vahedheni vose; mumukudze imwi vanhu vose.
11又說:“萬國啊,你們當讚美主;願萬民都頌讚他。”
12uyezve Isaya unoti: Uchavapo mudzi waJese, naiye uchasimuka kutonga vahedheni; vahedheni vachavimba naye.
12以賽亞也說:“將來必有耶西的根,就是那興起來治理列邦的;列邦都寄望於他。”
13Dai Mwari wetariro akuzadzai nemufaro wose nerugare parutendo, kuti muwedzere patariro, kubudikidza nesimba reMweya Mutsvene.
13願那賜盼望的 神,因著你們的信,把一切喜樂平安充滿你們,使你們靠著聖靈的大能滿有盼望。
14Zvino ini ndomene ndinogutsikana nemwi hama dzangu, kuti imwi pachenyu muzere nekunaka, makazadzwa neruzivo rwose, munogonawo kurairana.
14不在傳過基督的地方傳福音我的弟兄們,我個人深信你們自己也滿有良善,充滿豐富的知識,也能夠彼此勸導。
15Asi hama, ndinokunyorerai ndakatsunga zvikuru neimwe nzira, ndichiita sendinokuyeukai nekuda kwenyasha dzandakapiwa naMwari,
15但有些地方,我寫得稍為大膽一點,是要提醒你們;我因著 神賜給我的恩典,
16kuti ndive mushumiri waKristu Jesu kuvahedheni, ndichishumira evhangeri yaMwari, kuti zvibayiro zvevahedheni zvigamuchirike, zvichiitwa zvitsvene neMweya Mutsvene.
16為外族人作了基督耶穌的僕役,作了 神福音的祭司,使所獻上的外族人得蒙悅納,靠著聖靈成為聖潔。
17Naizvozvo ndine kuzvikudza muna Kristu Jesu pazvinhu zvemaererano naMwari.
17所以,在 神的事上,我在基督耶穌裡倒有可以引以為榮的。
18Nekuti handingashingi kutaura chero chinhu chaizvo Kristu zvaasina kuita kubudikidza neni, kuti vahedheni vateerereswe neshoko nebasa,
18別的我不敢說,我只說基督藉著我所作的事,就是用言語行為,藉著神蹟和奇事的大能,以及聖靈的大能,使外族人順服;這樣,我從耶路撒冷直到以利里古,把基督的福音都傳開了。
19kubudikidza nezviratidzo nezvishamiso, nesimba reMweya waMwari; kuti kubva kuJerusarema nekwakapoteredza kusvikira Iririkumu, ndakaparidza zvakazara evhangeri yaKristu;
19
20nekudaro ndakashingaira kuparidza evhangeri, apo pasina kumborehwa Kristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo dzeumwe munhu;
20我立定主意,不在宣揚過基督的地方傳福音,免得建立在別人的根基上,
21asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Kune vasina kuudzwa zvake, vachaona, nevasina kunzwa vachanzwisisa.
21反而照經上所記:“那對他一無所聞的,將要看見;那沒有聽過的,將要明白。”
22Nekuda kweizvozviwo, ndakadzivirirwa kazhinji kuuya kwamuri;
22保羅計劃到羅馬去因此,我多次受到攔阻,不能到你們那裡去。
23asi zvino zvandisisina nzvimbo pamatunhu awa, uye ndine chishuwo chikuru makore ose awa chekuuya kwamuri,
23但現在這一帶再沒有可傳的地方,而我多年來又很想去見你們,
24kana zvakadaro ndichaenda Sipania ndichauya kwamuri; nekuti ndinovimba kukuonai parwendo rwangu, ndiperekedzwe nemwi ikoko, kana ndatanga ndambogutswa zvishoma nemwi.
24所以,無論我甚麼時候到西班牙去,都希望趁我路過時和你們見面,先稍微滿足我的心願,然後由你們給我送行到那裡去。
25Asi ikozvino ndinoenda kuJerusarema kunoshumira vatsvene.
25不過,我現在為了供應聖徒的事要往耶路撒冷去;
26Nekuti zvakavafadza veMakedhonia neAkaya vakati zvakanaka kuti vape zvipo varombo vatsvene vari paJerusarema.
26因為馬其頓和亞該亞人樂意捐了一些錢,給耶路撒冷聖徒中的窮人。
27Zvakavafadza zvikuru, uye vane ngava navo; nekuti kana vahedheni vakaitwa vagovani navo pazvinhu zvavo zveMweya, vane ngavawo rekuvashumira pazvinhu zvenyama.
27他們是樂意的,而且那也是他們的本分(“本分”原文作“債”),因為外族人既然分享了猶太人屬靈的好處,就應該供應他們肉身的需要。
28Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndikasimbisa chibereko ichi kwavari, ndichaenda Spania ndichipfuura nekwenyu.
28等我辦好這件事,把這筆款項安全地交了給他們,我就要路過你們那裡到西班牙去。
29Uye ndine chokwadi kuti kana ndichiuya kwamuri, ndichauya pakuzara kwemaropafadzo eevhangeri yaKristu.
29我知道我到你們那裡去的時候,一定會帶著基督豐盛的福分。
30Zvino ndinokukumbirisai hama, nekuda kwaIshe wedu Jesu Kristu, uye nekuda kwerudo rweMweya, kuti murwise pamwe neni pakunyengetera kwenyu kuna Mwari pamusoro pangu;
30弟兄們,我靠著我們的主耶穌基督,憑著聖靈的慈愛,勸你們和我一同竭力為我向 神祈禱,
31kuti ndisunungurwe kuna avo vasingatendi muJudhiya, uye kuti basa rangu kune veJerusarema rigamuchirwe nevatsvene;
31求 神救我脫離猶太地不信從的人,使我帶到耶路撒冷的捐款,可以得到聖徒的悅納;
32kuti ndiuye kwamuri nemufaro nekuda kwaMwari, ndivandudzwe pamwe nemwi.
32也使我照著 神的旨意,高高興興地到你們那裡去,好和你們一同得到安息。
33Zvino Mwari werugare ngaave nemwi mose. Ameni.
33願賜平安的 神與你們眾人同在。阿們。