Shona

聖經新譯本

Song of Solomon

5

1Ndapinda mumunda mangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Ndaunganidza mura yangu nezvinonhuhwira zvangu; Ndadya musvi wouchi hwangu nouchi hwangu; Ndamwa waini yangu nomukaka wangu. Idyai, shamwari dzangu; Imwai, zvirokwazvo, imwai zvikuru, vadiwa vangu.
1
2Ndakanga ndivete, asi moyo wangu wakange wakasvinura; Inzwi romudiwa wangu, anogogodza, achiti, Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu, njiva yangu, akakwana wangu; nekuti musoro wangu uzere nedova, Vhudzi rangu namadonhedza ousiku.
2
3Ndabvisa nguvo yangu; ndingaifuka sei? Ndashambidza tsoka dzangu; ndingadzisvibisa sei?
3
4Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake napavuri romukova, moyo wangu ukamushuva.
4
5Ndakasimuka, ndichiti ndizarurire mudiwa wangu; Maoko angu akadonha mura, Nemimwe yangu mura inoyerera, Pazvibato zvechizarira.
5
6Ndakazarurira mudiwa wangu; Asi mudiwa wangu akanga atendeuka, aenda. Mweya wangu wakange watorwa pakutaura kwake; Ndakamutsvaka, asi handina kumuwana; Ndikamudana, asi haana kundipindura.
6
7Varindi, vanofamba-famba neguta, vakandiwana; Vakandirova, vakandikuvadza; Vatariri vamasvingo vakanditorera kwiriti yangu.
7
8Ndinokupikirai, imwi vakunda veJerusaremu, Kana mukawana mudiwa wangu, muchamuudzei? Kuti ndinorwariswa nerudo.
8
9Ko mudiwa wako anopfuura vamwe vadiwa neiko, Nhai, iwe, unopfuura vakadzi vose nokunaka? Ko mudiwa wako unopfuura vamwe vadiwa neiko, Zvaunotipikira saizvozvo?
9
10Mudiwa wangu akachena nokutsvuka, Anozikamwa pakati pezana ramazana.
10
11Musoro wake wakaita sendarama yakaisvonaka; Vhudzi rake rakapetana, idema segunguvo.
11
12Meso ake akaita seenjiva pahova dzemvura, Dzakashambwa nomukaka, sezvibwe zvakarongedzwa zvakanaka.
12
13Matama ake akaita sendima yemiti inonhuhwira, Samatutu emakwenzi anonhuwira; Miromo yake yakaita samaruva anodonha mura inoyerera.
13
14Maoko ake akaita samapango endarama, akaiswa bheriri; Muviri wake wakaita senyanga dzenzou, dzakafukidzwa nesafiro.
14
15Makumbo ake akaita sembiru dzamabwe machena, dzakaiswa pazvigadziko zvendarama yakaisvonaka; Kuonekwa kwake kose kwakafanana neRebhanoni, kwakaisvonaka semisidhari.
15
16Muromo wake wakanaka kwazvo; Zvirokwazvo, wakaisvonaka kwazvo-kwazvo. Ndizvo zvakaita mudiwa wangu, ndizvo zvakaita shamwari yangu, imwi vakunda veJerusaremu.
16